Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 16:11-19

Mupiro 16:11-19 SCLB

“Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaauraye handira ive yomupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake. Ngaatore kabisiro kazere mazimbe omoto unobva paatari iri pana Tenzi, nezvanza zviviri zvizere zvorusenzi runonhuhwirira rwakadzvurwa, auye nako apinde kuseri kwejira rokudzikatirisa. Ngaaise rusenzi mumoto uri pana Tenzi kuitira kuti bwititi routsi hworusenzi riputire hwidibiro iyi yebhokisi rechitenderano, arege kufa. Ngaatore rimwe ropa rehandira iya, arisase nomunwe wake pamberi pehwidibiro kumabvazuva, arisasewo pamberi pehwidibiro iyoyo kanomwe. “Ngaachiuraya mbudzi yemupiro wokupfupira zvitadzo zvavanhu, aunze ropa rayo munzvimbo inoera, arisase pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, arisasewo pasi pamberi paro sezvaanenge aita zviya neropa rehandira. Nokudaro achachenura nzvimbo inoera pamusana pokun'ora kwavaIsiraeri, uye nokuda kwezvikanganiso zvavo, nezvitadzo zvavo zvose. Ngaaite zvimwechetezvo kutendhe rokusanganira riri pakati pavo; mukati mokun'ora kwavo. Hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Kubvira nguva inopinda Aroni munzvimbo inoera kundoripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemhuri yake nezvegungano rose ravaIsiraeri kusvikira nguva yaanobudamo, hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Ngaabude imomo andopira Tenzi mupiro wokupisa paatari ichenurwe. Ngaatore ropa rehandira iya pamwechete neropa rembudzi iya arizore pane zvose zvinenge nyanga zviri paatari. Nomunwe wake, ngaasase ropa kanomwe pamusoro payo, aichenure pakun'oreswa kwayakaitwa navaIsiraeri.

Verenga chikamu Mupiro 16