Revhitiko 16:11-19
Revhitiko 16:11-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Aroni anofanira kuuya nehando yake yechipiriso chake chechivi, kuti azviyananisire iye nemhuri yake, uye anofanira kubaya hando yechipiriso chake chechivi. Anofanira kutora hadyana yakazara namazimbe ari kubvira kubva paaritari pamberi paJehovha nezvanza zviviri zvezvinonhuhwira zvakatsetseka agoenda nazvo seri kwechidzitiro. Anofanira kuisa zvinonhuhwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, uye utsi hwezvinonhuhwira huchafukidza chigaro chenyasha pamusoro peChipupuriro, kuti asafa. Anofanira kutora rimwe ropa rehando uye nomunwe wake agorisasa pamberi pechigaro chenyasha. “Ipapo anofanira kubaya mbudzi yechipiriso chechivi chavanhu agotora agoenda neropa racho seri kwechidzitiro agoita naro sezvaakaita neropa rehando. Acharisasa pachigaro chenyasha napamberi pacho. Nenzira iyi achayananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene nokuda kwokudarika uye nokumukira kwavaIsraeri, zvisinei kuti zvivi zvavo zvanga zviri zvipi. Anofanira kuitira Tende Rokusangana zvimwe chetezvo, iro riri pakati pavo, pakati pokusachena kwavo. Hapana munhu anofanira kunge ari muTende Rokusangana panguva inopindwamo naAroni kunoyananisira muNzvimbo Tsvene-tsvene kusvikira abuda, azviyananisira iye nemhuri yake uye neungano yose yavaIsraeri. “Ipapo achabuda oenda kuaritari iri pamberi paJehovha agoiyananisira. Achatora rimwe ropa rehando nerembudzi agoriisa panyanga dzose dzearitari. Achasasa rimwe ropa racho pairi nomunwe wake kanomwe kuti aichenese uye aitsaure kubva pakusachena kwavaIsraeri.
Revhitiko 16:11-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino Aroni anofanira kuuya nenzombe duku yake yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire nayo, iye naveimba yake, auraye nzombe yake yechipiriso chezvivi; ipapo ngaatore harana yezvinonhuwira, izere namazimbe omoto uri paatari pamberi paJehovha, namaoko ake azere nezvinonhuwira zvakanaka zvakakuyiwa, auye nazvo mukati mechidzitiro; zvino ngaaise zvinonhuwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, kuti gore routsi hwezvinonhuwira rifukidze chifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, kuti arege kufa; zvino ngaatore rimwe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, kurutivi rwamabvazuva, nerimwe ropa arisase nomunwe wake kanomwe pamberi pechifunhiro chokuyananisa. “Ipapo anofanira kuuraya mbudzi yechipiriso chezvivi chavanhu, ndokuuya neropa rayo mukati mechidzitiro, agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe, arisase pamusoro pechifunhiro chokuyananisa; anofanira kuyananisirawo nzvimbo tsvene nokuda kwokusanaka kwavana vaIsiraeri, uye nokuda kwokudarika kwavo nezvivi zvavo zvose; saizvozvo anofanira kuitirawo tende rokusangana rinogara navo pakati pokusanaka kwavo. Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yavaIsiraeri. Ipapo anofanira kubuda kuatari iri pamberi paJehovha, agondoiyananisira; ngaatore rimwe ropa renzombe, nerimwe ropa rembudzi, ariise panyanga dzeatari panhivi dzose. Rimwe ropa ngaarisase kanomwe pamusoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tsvene pakusanaka kwavana vaIsiraeri.

Revhitiko 16:11-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaauraye handira ive yomupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake. Ngaatore kabisiro kazere mazimbe omoto unobva paatari iri pana Tenzi, nezvanza zviviri zvizere zvorusenzi runonhuhwirira rwakadzvurwa, auye nako apinde kuseri kwejira rokudzikatirisa. Ngaaise rusenzi mumoto uri pana Tenzi kuitira kuti bwititi routsi hworusenzi riputire hwidibiro iyi yebhokisi rechitenderano, arege kufa. Ngaatore rimwe ropa rehandira iya, arisase nomunwe wake pamberi pehwidibiro kumabvazuva, arisasewo pamberi pehwidibiro iyoyo kanomwe. “Ngaachiuraya mbudzi yemupiro wokupfupira zvitadzo zvavanhu, aunze ropa rayo munzvimbo inoera, arisase pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, arisasewo pasi pamberi paro sezvaanenge aita zviya neropa rehandira. Nokudaro achachenura nzvimbo inoera pamusana pokun'ora kwavaIsiraeri, uye nokuda kwezvikanganiso zvavo, nezvitadzo zvavo zvose. Ngaaite zvimwechetezvo kutendhe rokusanganira riri pakati pavo; mukati mokun'ora kwavo. Hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Kubvira nguva inopinda Aroni munzvimbo inoera kundoripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemhuri yake nezvegungano rose ravaIsiraeri kusvikira nguva yaanobudamo, hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Ngaabude imomo andopira Tenzi mupiro wokupisa paatari ichenurwe. Ngaatore ropa rehandira iya pamwechete neropa rembudzi iya arizore pane zvose zvinenge nyanga zviri paatari. Nomunwe wake, ngaasase ropa kanomwe pamusoro payo, aichenure pakun'oreswa kwayakaitwa navaIsiraeri.
Revhitiko 16:11-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nenzombe ɗuku yake yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire nayo, iye naʋeimba yake, aʋuraye nzombe yake yecipiriso ceɀiʋi; ipapo ŋgaatore haryana yeɀinonhuwira, izere namazimbe omŋoto uri paartari pamberi paJehova, namaʋoko ake azere neɀinonhuwira ɀakanaka ɀakakuyiwa, aʋuye naɀo mukati mecidzitiro; ɀino ŋgaaise ɀinonhuwira pamsoro pomŋoto pamberi paJehova, kuti gore roʋutsi bgeɀinonhuwira rifukidze cifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro pecipupuriro, kuti arege kufa; ɀino ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamsoro pecifunhiro cokuyananisa, kurutiʋi rwamabvazuʋa, nerimŋe ropa arisase nomunwe wake kanomŋe pamberi pecifunhiro cokuyananisa. Ipapo unofanira kuʋuraya mbudzi yecipiriso ceɀiʋi caʋanhu, ndokuʋuya neropa rayo mukati mecidzitiro, agoita neropa rayo seɀaakaita neropa renzombe, arisase pamsoro pecifunhiro cokuyananisa; unofanira kuyananisira ʋo nɀimbo tȿene nokuɗa kwokusanaka kwaʋana ʋaIsraeri, ʋuye nokuɗa kwokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo ɀose; saiɀoɀo unofanira kuitira ʋo tente rokusoŋgana rinogara naʋo pakati pokusanaka kwaʋo. Ŋgakurege kuʋa nomunhu mutente rokusoŋgana, kana iye acipinda’mo kundoyananisira panɀimbo tȿene kuȿikira aɓuɗa, apedza kuɀiyananisira iye naʋeimba yake, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri. Ipapo unofanira kuɓuɗa kuartari iri pamberi paJehova, agondoiyananisira; ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, nerimŋe ropa rembudzi, ariise panyaŋga dzeartari panhiʋi dzose. Rimŋe ropa ŋgaarisase kanomŋe pamsoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tȿene pakusanaka kwaʋana ʋaIsraeri.
Revhitiko 16:11-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)