“Zvino Aroni anofanira kuuya nenzombe duku yake yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire nayo, iye naveimba yake, auraye nzombe yake yechipiriso chezvivi; ipapo ngaatore harana yezvinonhuwira, izere namazimbe omoto uri paatari pamberi paJehovha, namaoko ake azere nezvinonhuwira zvakanaka zvakakuyiwa, auye nazvo mukati mechidzitiro; zvino ngaaise zvinonhuwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, kuti gore routsi hwezvinonhuwira rifukidze chifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, kuti arege kufa; zvino ngaatore rimwe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, kurutivi rwamabvazuva, nerimwe ropa arisase nomunwe wake kanomwe pamberi pechifunhiro chokuyananisa. “Ipapo anofanira kuuraya mbudzi yechipiriso chezvivi chavanhu, ndokuuya neropa rayo mukati mechidzitiro, agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe, arisase pamusoro pechifunhiro chokuyananisa; anofanira kuyananisirawo nzvimbo tsvene nokuda kwokusanaka kwavana vaIsiraeri, uye nokuda kwokudarika kwavo nezvivi zvavo zvose; saizvozvo anofanira kuitirawo tende rokusangana rinogara navo pakati pokusanaka kwavo. Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yavaIsiraeri. Ipapo anofanira kubuda kuatari iri pamberi paJehovha, agondoiyananisira; ngaatore rimwe ropa renzombe, nerimwe ropa rembudzi, ariise panyanga dzeatari panhivi dzose. Rimwe ropa ngaarisase kanomwe pamusoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tsvene pakusanaka kwavana vaIsiraeri.
Verenga chikamu Revhitiko 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Revhitiko 16:11-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo