Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 5

5
1Ɀino madzimambo ose aʋaAmori, akaŋga agere mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa, namadzimambo ose aʋaKanani, akaŋga agere paguŋgwa, akati acinzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yaJoridani pamberi paʋana ʋaIsraeri, kuȿikira tayambuka, mŋoyo yaʋo ikavunduka, ʋakasazoʋa nomŋeya mukati maʋo, nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri.
Joshua unodziŋgisa ʋana ʋaIsraeri kuti ʋadye paseka.
2Neŋguʋa iyo Jehova akati kunaJoshua: Uɀiitire mapaŋga amabge anopinza, udziŋgise ɀe ʋana ʋaIsraeri. 3Joshua akaɀiitira mapaŋga amabge anopinza, akadziŋgisa ʋana ʋaIsraeri pacikomo ceɀikanda ɀapamberi. 4Joshua akaʋadziŋgisa nemhaka iyi, nokuti ʋanhurume ʋose ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, iʋo ʋarume ʋehondo, ʋakaŋga ʋafira panzira murenje pakuɓuɗa kwaʋo Egipita. 5Nokuti ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa Egipita ʋakaŋga ʋadziŋgiswa; asi ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaponerwa murenje panzira pakuɓuɗa kwaʋo Egipita, ʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa. 6Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba makore anamakumi manna murenje, kuȿikira rudzi rwose, iʋo ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, ʋaparadzwa, nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova; Jehova akapika kwaʋari kuti haaŋgaʋaʋonesi nyika, yaakaŋga apikira madziɓaɓa aʋo, kuti ucatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka noʋuci. 7Ɀino ʋana ʋaʋo ʋaakaŋga amutsa panɀimbo yaʋo, ndiʋo ʋakadziŋgiswa naJoshua; nokuti ʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa, ɀaʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa panzira. 8Ɀino ʋakati ʋapedza kudziŋgisa rudzi rwose, ʋakagara paʋakaŋga ʋari pamisasa kuȿikira ʋapora. 9Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Nhasi ndabvisa kwamuri kuɀidzwa kwamakaɀidzwa nako naʋaEgipita. Naiɀoɀo nɀimbo iyo yakanzi Girgari, kuȿikira nhasi.
10Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋaka misasa yaʋo paGirgari, ʋakadya paseka pazuʋa regumi namanna romŋedzi maɗekwana, pamapani eJeriko. 11Nomusi uyo, uri musi wakateʋera paseka, ʋakadya ɀiɓereko ɀenyika iyo, ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa pamŋe cete nehura dzakakaŋgwa nomusi iwoyo. 12Mana ikaguma nomusi wakateʋera uyo waʋakadya nawo ɀiɓereko ɀenyika iyo; ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kuzoʋa nemana ɀe, asi ʋakadya ɀiɓereko ɀenyika yeKanani gore irero.
13Ɀino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona murume amire pakatarisana naye, akaɓata munondo wake wakavomorwa muruʋoko rwake; Joshua akaenda kwaari, akati kwaari: Uri mumŋe weɗu here, kana waʋaʋeŋgi ʋeɗu? 14Iye akati: Kwete, asi ndaʋuya ini mukuru wehondo yaJehova. Ipapo Joshua akawira pasi neciso cake, akanamata kwaari, akati kwaari: Ishe waŋgu unoreʋeiko kumuranda wake? 15Mukuru wehondo yaJehova akati kunaJoshua: Bvisa shaŋgu yako parutsoka rwako, nokuti paumire patȿene; Joshua akaita saiɀoɀo.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda