Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 6

6
Kuputswa kweguta reJeriko.
1(Ɀino guta reJeriko rakaŋga rapfigwa kwaɀo nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri; kwakaŋga kusinomunhu waiɓuɗa kana kupinda.) 2Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Tarira, ndakapa mumaʋoko ako Jeriko, namambo waro, naʋarume ʋaro ʋanesimba noʋumhare. 3Munofanira kukomba guta, imi ʋarume ʋose ʋehondo, mupoteredze guta kamŋe cete. Unofanira kuita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu. 4Ʋaprista ʋanomŋe ʋanofanira kufamba pamberi peareka ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge; nomusi wecinomŋe munofanira kupoteredza guta kanomŋe, ʋaprista ʋaciridza hwamanda. 5Ɀino kana ʋoridzisa norunyaŋga rwegondobge, kana imi mucinzwa kurira kwehwamanda, ipapo ʋanhu ʋose ʋanofanira kuɗanidzira nokuɗanidzira kukuru; ipapo ruȿiŋgo rweguta rucakoromoka cose, naʋanhu ʋanofanira kupinda, mumŋe nomumŋe ipapo pakaruramana naye. 6Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, akaɗana ʋaprista, akati kwaʋari: Simudzai areka yesuŋgano, ʋaprista ʋanomŋe ʋafambe ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge pamberi peareka yaJehova. 7Akati kuʋanhu: Pfuʋurai, mupoteredze guta, ʋarume ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋatuŋgamirire areka yaJehova. 8Ɀino Joshua wakati ataura naʋanhu, ʋaprista ʋanomŋe ʋakatuŋgamira ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge, ʋakaridza hwamanda, areka yesuŋgano yaJehova ikaʋateʋera. 9Ʋarume ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋakatuŋgamirira ʋaprista ʋakaŋga ʋaciridza hwamanda, naʋarindi ʋeshure ʋakateʋera areka, ʋaprista ʋakafamba ʋaciŋgoridza hwamanda. 10Ɀino Joshua akaraira ʋanhu, akati: Regai kuɗanidzira, namanzwi enyu ŋgaarege kunzwika, kana shoko rimŋe ŋgarirege kuɓuɗa pamiromo yenyu, kuȿikira pamusi wandinokurairai kuti muɗanidzire; ipapo munofanira kuɗanidzira. 11Naiɀoɀo wakaraira kuti areka yaJehova ipoteredze guta, iripote kamŋe cete; ʋakapinda ɀe mumisasa, ʋakaʋata’mo.
12Joshua akamuka maŋgwanani, ʋaprista ʋakasimudza areka yaJehova. 13Naʋaprista ʋanomŋe ʋakaŋga ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge pamberi peareka yaJehova, ʋakaramba ʋacifamba ʋaciŋgoridza hwamanda; naʋarume ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋakaʋatuŋgamirira; naʋarindi ʋeshure ʋakateʋera areka yaJehova, ʋaprista ʋakafamba ʋaciŋgoridza hwamanda. 14Nomusi wecipiri ʋakapoteredza guta kamŋe cete, ʋakadzokera kumisasa; ʋakaita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu. 15Nomusi wecinomŋe ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapoteredza guta nomutoʋo iwoyo kanomŋe; nomusi iwoyo ɓedzi ʋakapoteredza guta kanomŋe. 16Ɀino paŋguʋa yecinomŋe, ʋaprista ʋakati ʋaciridza hwamanda, Joshua akati kuʋanhu: Ƌanidzirai, nokuti Jehova wakupai guta. 17Asi guta rinofanira kuyeriswa kunaJehova, iro neɀose ɀiri mukati maro; asi Rakabi ɓedzi, cifeʋe ciya, ŋgaaregwe ari mupenyu, iye naʋose ʋari mumba make, nokuti wakaʋanza nhume dzatakatuma. 18Asi imi, cenjerai paɀinhu ɀinoyera, kuti murege kutora cinhu cinoyera, mambociyerisa; naiɀoɀo muŋgatukisa misasa yaIsraeri mukaipinza muɗambudziko. 19Asi sirveri yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare ɀitȿene kunaJehova; ɀinofanira kuiswa muciʋigiro cefuma caJehova. 20Naiɀoɀo ʋanhu ʋakaɗanidzira, naʋaprista ʋakaridza hwamanda; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacinzwa kurira kwehwamanda, ʋanhu ʋakaɗanidzira nokuɗanidzira kukuru, ruȿiŋgo ndokukoromoka cose, ʋanhu ʋakakwira ʋacipinda muguta, mumŋe nomumŋe pakaruramana naye, ʋakakunda guta. 21Ʋakaparadza cose nomunondo unopinza ɀose ɀakaŋga ɀiri muguta, ʋarume naʋakadzi, ʋaɗuku naʋakuru, nenzombe, namakwai, nemboŋgoro. 22Joshua akati kuʋarume ʋaʋiri ʋakaŋga ʋandoshora nyika: Pindai muimba yecifeʋe, muɓuɗise mukadzi neɀose ɀaanaɀo, seɀamakapika kwaari. 23Ɀino majaya iwayo, ʋashori, ʋakapinda, ʋakaɓuɗisa Rakabi, naɓaɓa ʋake, namai ʋake, nehanɀadzi dzake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, ʋakaɓuɗisa ʋo hama dzake dzose, ʋakaʋaisa kunze kwemisasa yaIsraeri. 24Ipapo ʋakapisa guta nomŋoto, neɀose ɀakaŋga ɀiri mukati maro; asi sirveri, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare, ʋakaɀiisa muciʋigiro cefuma ceimba yaJehova. 25Asi Joshua wakarega Rakabi, cifeʋe ciya, ari mupenyu, iye naʋeimba yaɓaɓa ʋake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo; iye akagara pakati paIsraeri kuȿikira nhasi; nokuti wakaŋga aʋanza nhume dzakatumŋa naJoshua kundoshora Jeriko. 26Neŋguʋa iyo Joshua akaʋapikisa, aciti: Munhu unozomuka akaʋaka guta iri reJeriko ŋgaatukwe; ucarashikirwa neɗaŋgwe rake kana aciteya nheyo dzaro, ʋuye ucarashikirwa norugotwe rwake kana acimutsa masuʋo aro. 27Naiɀoɀo Jehova wakaŋga anaJoshua; mukurumbira wake ukanzwika panyika yose.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda