Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 4

4
Ɀiratidzo ɀamabge anegumi namaʋiri.
1Ɀino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Joridani, Jehova akataura naJoshua, akati: 2Uɀitorere ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri kuʋanhu, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe; 3ugoʋaraira, uciti: Pano pakati paJoridani, pakaramba pamire tsoka dzaʋaprista, muɀitorere mabge anegumi namaʋiri, muyambuke nawo, mundoaisa paʋato, pamucandoʋata ʋusiku bguno. 4Ipapo Joshua akaɗana ʋarume aʋo ʋanegumi naʋaʋiri, ʋaakaŋga agadza pakati paʋana ʋaIsraeri, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe, 5Joshua akati kwaʋari: Tuŋgamirirai areka yaJehova Mŋari wenyu, muyambuke kuȿikira pakati paJoridani, mumŋe nomumŋe wenyu anoŋge ibge ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi aʋana ʋaIsraeri. 6Kuti cinhu ici ciʋe ciratidzo pakati penyu, kuti kana ʋana ʋenyu ʋacizobvunza pashure, ʋaciti: Mabge awa anoti kuɗiniko? 7Imi muti kwaʋari: Nokuti mvura yaJoridani yakagurwa pamberi peareka yesuŋgano yaJehova; ŋguʋa yayakayambuka Joridani, mvura yaJoridani yakagurwa; mabge awa acaʋa ciraŋgaridzo pakati paʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi. 8Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakarairwa naJoshua, ʋakanoŋga mabge anegumi namaʋiri pakati paJoridani, seɀakataura Jehova kunaJoshua, akaenzana namarudzi aʋana ʋaIsraeri, ʋakayambuka nawo, ʋakaatakura, kuȿikira paʋakandoʋata, ʋakaaisa’po. 9Ɀino Joshua akamisa mabge anegumi namaʋiri mukati maJoridani, pakaŋga pamire tsoka dzaʋaprista ʋaitakura areka yesuŋgano; ari’po kuȿikira nhasi. 10Nokuti ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋakamira mukati maJoridani kuȿikira ɀose ɀapera ɀakaŋga ɀarairwa Joshua naJehova, kuti aɀiʋudze ʋanhu, ɀose ɀakaŋga ɀarairwa Joshua naMosesi; ʋanhu ʋakakurumidza kuyambuka. 11Ɀino ʋanhu ʋose ʋakati ʋapedza kuyambuka, areka yaJehova ikayambuka ʋo, naʋaprista pamberi paʋanhu. 12Naʋana ʋaRubeni, naʋana ʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase, ʋakayambuka pamberi paʋanhu, ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa, seɀaʋakaʋudzwa naMosesi. 13Ʋaneŋge ʋaneɀuru ɀinamakumi manna, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa, ndiʋo ʋakayambuka pamberi paJehova, ʋakaenda kumapani eJeriko kundorwa. 14Nomusi uyo Jehova akakudza Joshua pamberi paʋaIsraeri ʋose; ʋakamutya seɀaʋaitya Mosesi mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
15Ɀino Jehova akataura naJoshua, akati: 16Raira ʋaprista ʋanotakura areka yecipupuriro, kuti ʋakwire ʋaɓuɗe mukati maJoridani. 17Naiɀoɀo Joshua akaraira ʋaprista, akati: Kwirai, muɓuɗe mukati maJoridani. 18Ɀino ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka yesuŋgano yaJehova ʋakati ʋakwira ʋaɓuɗa mukati maJoridani, netsoka dzaʋaprista dzasimudzwa dzaȿika pasi pakawoma, mvura yaJoridani ikadzokera panɀimbo yayo, ikaɗarika nhiʋi dzarwo dzose sakare. 19Ʋanhu ʋakakwira ʋakaɓuɗa paJoridani pazuʋa regumi romŋedzi wokutaŋga, ʋakadzika matente aʋo muGirgari, pamuganho wamabvazuʋa eJeriko. 20Joshua akamisa aya mabge anegumi namaʋiri aʋakanoŋga muJoridani paGirgari. 21Akataura naʋana ʋaIsraeri, akati: Kana ʋana ʋenyu ʋacizobvunza madziɓaɓa aʋo paŋguʋa inoʋuya, ʋaciti: Mabge awa anoti kuɗiniko? 22Imi munofanira kuziʋisa ʋana ʋenyu, muciti: Israeri ʋakayambuka Joridani urwu ʋacitsika pasi pakawoma. 23Nokuti Jehova Mŋari wakapxisa mvura yaJoridani pamberi penyu, kuȿikira mayambuka, seɀaakaita iye Jehova Mŋari wenyu paGuŋgwa Dɀuku, raakapxisa pamberi peɗu, kuȿikira tayambuka; 24kuti ndudzi dzose dzenyika dziziʋe kuti ruʋoko rwaJehova ndirwo runesimba; kuti ʋatye Jehova Mŋari wenyu nokusiŋgaperi.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda