Joshua 3
3
ƲaIsraeri ʋanoyambuka Joridani.
1Ɀino Joshua wakamuka maŋgwanani, ʋakabva Shitimi, ʋakaȿika paJoridani, iye naʋana ʋaIsraeri ʋose; ʋakaʋata’po ʋasati ʋayambuka. 2Mazuʋa matatu akati apera, ʋatariri ʋakapinda napakati pemisasa, 3ʋakaraira ʋanhu, ʋaciti: Kana muciʋona areka yesuŋgano yaJehova Mŋari wenyu, naʋaprista ʋaRevi ʋoitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuiteʋera. 4Asi munofanira kusiya nɀimbo pakati penyu naiyo, inoȿika makubiti#3:4 Kubiti rimŋe kubva pagokora kusikira paminwe. aneŋge ɀuru ɀiʋiri; regai kusweɗera kwairi, kuti muziʋe nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi. 5Ɀino Joshua akati kuʋanhu: Ɀinatsei, nokuti maŋgwana Jehova ucaita ɀinoshamisa pakati penyu. 6Joshua akataura naʋaprista, akati: Simudzai areka yesuŋgano, mutuŋgamirire ʋanhu pakuyambuka. Iʋo ʋakasimudza areka yesuŋgano, ʋakatuŋgamirira ʋanhu. 7Ipapo Jehova akati kunaJoshua: Nhasi ndicataŋga kukukudza pamberi paʋaIsraeri ʋose, ʋaziʋe kuti ndicaʋa newe, seɀandaisiʋa naMosesi. 8Iwe unofanira kuraira ʋaprista kuti ʋatakure areka yesuŋgano, uciti: Kana maȿika parutiʋi rwemvura yaJoridani, munofanira kumira muJoridani.
9Ɀino Joshua akati kuʋana ʋaIsraeri: Ʋuyai pano, munzwe mashoko aJehova Mŋari wenyu. 10Joshua akati: Mucaziʋa necinhu ici kuti Mŋari mupenyu uri pakati penyu, ʋuye kuti ucadziŋga ɀirokwaɀo pamberi penyu ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaHivi, naʋaPerezi, naʋaGirgashi, naʋaAmori, naʋaJebusi. 11Tarirai, areka yesuŋgano yaShe wenyika yose inokutuŋgamirirai pakuyambuka Joridani. 12Naiɀoɀo ɀino muɀitorerei ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri pamarudzi ose aʋaIsraeri, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe. 13Ɀino kana tsoka dzaʋaprista ʋanotakura areka yaJehova, Ishe wenyika yose, dzicitsika mumvura yaJoridani, mvura yaJoridani icagurwa, iyo mvura inobva kumsoro; icamira, ikaita murwi mukuru. 14Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacibva pamatente aʋo, kuti ʋayambuke Joridani, ʋaprista ʋaitakura areka ʋakatuŋgamirira ʋanhu; 15ɀino ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋakati ʋaciȿika paJoridani, netsoka dzaʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka dzicinyikwa pamuceto wemvura, (nokuti Joridani runofashamira nhiʋi dzarwo dzose ŋguʋa yose yokukohwa,) 16mvura yakaŋga icibva kumsoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kuȿikira kurekure paAdama, guta riri kurutiʋi rweZaretani; neyakaŋga iciyerera kuguŋgwa reAraba, ndiro Guŋgwa roMunyu, yakagurwa cose; ʋanhu ʋakayambuka pakatarisana neJeriko. 17Ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka yesuŋgano yaJehova ʋakaramba ʋamire pasi pakawoma pakati paJoridani; ʋaIsraeri ʋose ʋakayambuka pavu rakawoma kuȿikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Joridani.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018