Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 37

37
Jeremia unosuŋgwa mutoroŋgo.
1Ɀino Zedekia mŋanakomana waJosia wakaɓata ʋushe ari mambo panɀimbo yaKonia mŋanakomana waJehoiakimi, wakaŋga apiwa ʋushe munyika yaJuda naNebukadrezari mambo weBabironi. 2Asi iye, kunyaŋge ʋaranda ʋake, kana ʋanhu ʋenyika, haʋana‐kuterera mashoko aJehova, aakataura nomuprofita Jeremia.
3Ɀino mambo Zedekia wakatuma Jehukari mŋanakomana waSheremia, naZefania mŋanakomana womuprista Maaseia, kunomuprofita Jeremia, aciti: Tinyeŋgeterere hako ɀino kunaJehova Mŋari weɗu. 4Ɀino Jeremia wakaŋga aciŋgopinda nokuɓuɗa hake pakati paʋanhu, nokuti ʋakaŋga ʋacigere kumusuŋga mutoroŋgo. 5Hondo yaFarao yakaŋga yabva ʋo Egipita; ɀino ʋaKardea, ʋakaŋga ʋakakomba Jerusarema, ʋakati ʋacinzwa ɀaʋo, ʋakarega kukomba Jerusarema. 6Ipapo shoko raJehova rakaȿika kumuprofita Jeremia, riciti: 7Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Itiyi kunamambo waJuda wakakutumai kuzondibvunza: Tarirai, hondo yaFarao, yakaʋuya kuzokuɓatsirai, icadzokera Egipita kunyika yaʋo. 8ƲaKardea ʋacaʋuya ɀe ʋacirwa neguta rino; ʋacarikunda, nokuripisa nomŋoto. 9Ɀanzi naJehova: Musaɀinyeŋgera henyu, muciti: Ɀirokwaɀo, ʋaKardea ʋacabva kwatiri, nokuti haʋaŋgabvi. 10Nokuti kunyaŋge maikunda henyu hondo yose yaʋaKardea, ʋanorwa nemi, kukaŋgosara kwaʋari ʋanhu ʋakakuʋadzwa ɓedzi, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋaisimuka, mumŋe nomumŋe mutente rake, ʋakapisa guta rino nomŋoto.
11Ɀino hondo yaʋaKardea yakati yarega kukomba Jerusarema nemhaka yokutya hondo yaFarao, 12Jeremia akaɓuɗa Jerusarema aciɗa kuenda kunyika yaʋaBenjamini, kuzopiwa mugoʋe wake’po pakati paʋanhu ʋake. 13Ɀino wakati ari pasuʋo raBenjamini, mumŋe mukuru waʋarindi akaȿika’po, wainzi Irija mŋanakomana waSheremia, mŋanakomana waHanania, iye akaɓata muprofita Jeremia, aciti: Iwe wotishandukira ucienda kuʋaKardea. 14Jeremia akati: Inhema, handikushandukiriyi ndicienda kuʋaKardea. Asi haana‐kumuterera; ipapo Irija akaɓata Jeremia, akandomuisa kumacinda. 15Macinda akaitira Jeremia hasha, akamuroʋa, ndokumuisa mutoroŋgo mumba momunyori Jonatani; nokuti ʋakaŋga ʋaiita toroŋgo. 16Ɀino Jeremia wakati apinda mutoroŋgo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremia agara’mo mazuʋa mazhinji, 17mambo Zedekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza cinyararire mumba make, aciti: Kuneshoko rinobva kunaJehova here? Jeremia akati: Riri’ko. Akati ʋo: Imi mucaiswa muruʋoko rwamambo weBabironi. 18Jeremia akati ʋo kunamambo Zedekia: Ndakakutadzirai neiko, imi, kana ʋaranda ʋenyu, kana ʋanhu aʋa, ɀamakandisuŋga mutoroŋgo? 19Ko ɀino ʋaprofita ʋenyu ʋaripi, iʋo ʋaikuprofiterai, ʋaciti: Mambo weBabironi haaŋgaʋuyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino? 20Ɀino ciɗonzwai henyu, ishe waŋgu mambo; kunyeŋgetera kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, kuti murege kundidzosa ɀe kumba kwomunyori Jonatani, ndirege kufira’po. 21Ipapo mambo Zedekia wakatema cireʋo, ʋakaisa Jeremia kuruʋazhe rwaʋarindi, ʋakamupa zuʋa rimŋe nerime ɓundu reciŋgwa, raibva munzira yomuguta yainzi yaʋaɓiki ʋeciŋgwa, kuȿikira ciŋgwa cose capera muguta. Saiɀoɀo Jeremia akagara muruʋazhe rwaʋarindi.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 37: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda