Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 36

36
Mashoko, akaprofitiwa naJeremia, anorabga mutembere ndokupiswa namambo Jehoiakimi.
1Ɀino negore recinna raJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, shoko iri rakaȿika kunaJeremia ricibva kunaJehova, riciti: 2Tora rugwaro rwakapetwa unyore’mo mashoko ose andakakuʋudza pamsoro paIsraeri, napamsoro paJuda, napamsoro pamarudzi ose, kubva pazuʋa randakataura newe, kubva pamazuʋa aJosia kuȿikira zuʋa ranhasi. 3Ɀimŋe imba yaJuda ʋacanzwa ɀakaipa ɀose ɀandinofuŋga kuʋaitira, kuti ʋadzoke mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa, ndiʋakaŋganwire kuipa kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo. 4Ipapo Jeremia wakaɗana Baruki mŋanakomana waNeria, Baruki akanyora parugwaro rwakapetwa mashoko ose aJehova akabva mumuromo waJeremia, aakataura kwaari. 5Jeremia akaraira Baruki, aciti: Ini ndakadziʋiswa, handigoni kupinda mumba maJehova. 6Naiɀoɀo cienda iwe, undoraʋa murugwaro rwakapetwa, mawanyora ɀakabva pamuromo waŋgu, mashoko aJehova ɀinzwike nenzeʋe dzaʋanhu mumba maJehova pazuʋa rokuɀinyima ɀokudya; ʋuye uaraʋe ʋo anzwike nenzeʋe dzaʋaJuda ʋose ʋanoɓuɗa mumaguta aʋo. 7Ɀimŋe kunyeŋgetera kwaʋo kucaȿika pamberi paJehova, ʋakadzoka mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa; nokuti kutsamŋa nehasha ɀakarebga naJehova pamsoro paʋanhu aʋa kwakakura kwaɀo. 8Baruki mŋanakomana waNeria akaita ɀose seɀaakarairwa nomuprofita Jeremia, akaraʋa mubuku mashoko aJehova mumba maJehova.
9Ɀino negore recishanu raJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, nomŋedzi wepfumbamŋe, ʋanhu ʋose ʋeJerusarema, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋabva kumaguta aJuda ʋaciʋuya Jerusarema, ʋakatara zuʋa rokuɀinyima ɀokudya pamberi paJehova. 10Ipapo Baruki akaraʋa mubuku mashoko aJeremia mumba maJehova, mukamuri yaGemaria mŋanakomana womunyori Shafani, muruʋazhe rwokumsoro, paʋaipinda pasuʋo idɀa reimba yaJehova, ʋanhu ʋose ʋaciɀinzwa nenzeʋe dzaʋo. 11Ɀino Micaia mŋanakomana waGemaria, mŋanakomana waShafani, wakati anzwa mashoko ose aJehova mubuku, 12akaɓurukira kumba kwamambo, mukamuri yomunyori, wanei, macinda ose agere’po, ʋaiti, Erishama munyori, naDeraia mŋanakomana waShemaia, naErnatani mŋanakomana waAkbori, naGemaria mŋanakomana waShafani, naZedekia mŋanakomana waHanania, namacinda ose. 13Ipapo Mikaia akaʋaparadzira mashoko ose aakanzwa, Baruki aciraʋa mubuku ʋanhu ʋaciɀinzwa nenzeʋe dzaʋo. 14Naiɀoɀo macinda ose akatuma Jehudi mŋanakomana waNetania, mŋanakomana waSheremia, mŋanakomana waKushi, kunaBaruki, aciti: Ƃata muruʋoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakaraʋa ɀicinzwika nenzeʋe dzaʋanhu, uʋuye. Ipapo Baruki mŋanakomana waNeria wakaɓata rugwaro rwakapetwa muruʋoko rwake, akaenda kwaʋari. 15Ʋakati kwaari: Ɀino cigara pasi, uiraʋe tinzwe nenzeʋe dzeɗu. Ipapo Baruki wakaʋaraʋira ʋakanzwa nenzeʋe dzaʋo. 16Ɀino ʋakati ʋanzwa mashoko ose, ʋakatarirana ʋacitya, ʋakati kunaBaruki: Ɀirokwaɀo ticaʋudza mambo mashoko awa ose. 17Ʋakabvunza Baruki, ʋaciti: Ɀino citiʋudza kuti wakanyora mashoko awa ose sei, acibva mumuromo make. 18Ipapo Baruki akaʋapindura, akati: Wakandiparidzira mashoko awa ose nomuromo wake, ndikaanyora neiŋgi mubuku. 19Ipapo macinda akati kunaBaruki: Endai mundoʋanda, iwe naJeremia, kurege kuʋa nomunhu unoziʋa kwamuri. 20Iʋo ndokupinda kunamambo muruʋazhe, asi ʋakaŋga ʋaʋiga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; ʋakaʋudza mambo mashoko ose aciɀinzwa nenzeʋe dzake. 21Ipapo mambo akatuma Jehudi kundotora rugwaro rwakapetwa, iye akandorutora mukamuri yomunyori Erishama. Jehudi akaraʋira mambo aciɀinzwa nenzeʋe dzake, namacinda ose akaŋga amire namambo iʋo ʋacinzwa nenzeʋe dzaʋo. 22Ɀino mambo wakaŋga agere muimba yakaʋakirwa ŋguʋa yecando nomŋedzi wepfumbamŋe, mŋoto ucipfuta pamberi pake pacaeŋga. 23Ɀino Jehudi wakati apedza kuraʋa ɀikamu ɀitatu kana ɀinna, mambo ndokuɀiceka neɓaŋga ndokuɀikandira mumŋoto wakaŋga uri mucaeŋga, kuȿikira rugwaro rwakapetwa rwose rwapedzwa nomŋoto wakaŋga uri mucaeŋga. 24Asi haʋana‐kutya, kana kubvarura ŋguʋo dzaʋo, kunyaŋge mambo kunyaŋge nomumŋe waʋaranda ʋake ʋakanzwa mashoko awa ose. 25Ernatani naDeraia naGemaria ʋakaŋga ʋanyeŋgetera haʋo mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa, asi haana‐kuʋaterera. 26Mambo akaraira Jerameeri mŋanakomana wamambo, naSeraia mŋanakomana waAzrieri, naSheremia mŋanakomana waAbdeeri, kuti ʋaɓate munyori Baruki nomuprofita Jeremia; asi Jehova wakaʋaʋanza.
27Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaJeremia, mambo apisa rugwaro rwakapetwa, namashoko akaŋga anyorwa naBaruki acibva mumuromo waJeremia, riciti: 28Citora ɀe rumŋe rugwaro rwakapetwa unyore’mo ɀe mashoko ose okutaŋga, akaŋga ari murugwaro rwakapetwa rwokutaŋga, rwakapiswa naJehoiakimi mambo waJuda. 29Ʋuye pamsoro paJehoiakimi mambo waʋaJuda, uti: Ɀanzi naJehova: Wapisa rugwaro urwu rwakapetwa, uciti: Wanyorerei’mo uciti: Ɀirokwaɀo mambo weBabironi ucaʋuya kuparadza nyika ino, nokubvisa’po ʋanhu neɀipfuwo? 30Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro paJehoiakimi mambo waJuda: Haaŋgaʋi nomumŋe ucagara pacigaro coʋushe caDavidi; citunha cake cicakandirwa kunze masikati kana kucipisa, noʋusiku kana kunecando. 31Ndicamuroʋa iye naʋana ʋake naʋaranda ʋake nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋo; ndicaʋuyisa pamsoro paʋo, napamsoro paʋagere Jerusarema, napamsoro paʋarume ʋaJuda, ɀakaipa ɀose ɀandakareʋa pamsoro paʋo, asi haʋana‐kuterera. 32Ipapo Jeremia wakatora rumŋe rugwaro rwakapetwa, akarupa munyori Baruki, mŋanakomana waNeria, iye akanyora’mo mashoko ose akabva mumuromo waJeremia, aiʋa mubuku yakapiswa mumŋoto naJehoiakimi mambo waJuda; mamŋe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwa ʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 36: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda