Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 38

38
Jeremia unokandirwa mugomba rinamatope.
1Ɀino Shefatia mŋanakomana waMatani, naGedaria mŋanakomana waPashuri, naJukari mŋanakomana waSheremia, naPashuri mŋanakomana waMarkija, ʋakanzwa mashoko akataurwa naJeremia kuʋanhu ʋose, aciti: 2Ɀanzi naJehova: Aninani unorambira muguta rino ucaʋurawa nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha yakaipa, asi unoɓuɗa akaenda kuʋaKardea ucararama, ʋupenyu bgake ʋucaʋa kwaari cinhu cakapambga, ucararama. 3Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo guta rino ricaiswa mumaʋoko ehondo yamambo weBabironi, iye ucarikunda. 4Ipapo macinda akati kunamambo: Tinokumbira kuti munhu uyu aʋurawe, nokuti unoshaisa simba maʋoko aʋarwi ʋakasara muguta rino, namaʋoko aʋanhu ʋose nokutaura kwake mashoko akaɗai kwaʋari; nokuti munhu uyu haatȿaki mufaro waʋanhu aʋa asi kuti ʋaʋe nenjodzi. 5Mambo Zedekia ndokuti: Tarirai, uri pamaʋoko enyu, nokuti mambo haaŋgaiti cinhu camusiŋgaɗi. 6Ipapo ʋakatora Jeremia, ʋakamukandira mugomba raMarkija mŋanakomana wamambo, rakaŋga riri muruʋazhe rwaʋarindi; ʋakaɓurusa Jeremia namaɓote. Mugomba makaŋga musinemvura asi matope; Jeremia akanyura mumatope. 7Ɀino muEtiopia Ebedi‐mereki, waiʋa muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti ʋakaisa Jeremia mugomba (ɀino mambo wakaŋga agere musuʋo raBenjamini), 8Ebedi‐mereki akaɓuɗa mumba mamambo, akataura namambo, aciti: 9Ishe waŋgu mambo, ʋanhu aʋa ʋakaita ɀakaipa paɀose ɀaʋakaitira muprofita Jeremia, waʋakakandira mugomba; ɀino iye uneŋge ucafira panɀimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakucineciŋgwa muguta. 10Ipapo mambo akaraira muEtiopia Ebedi‐mereki, akati: Tora pano ʋanhu ʋanamakumi matatu, undoɓuɗisa muprofita Jeremia mugomba asati afa. 11Ipapo Ebedi‐mereki akatora ʋanhu iʋaʋo, akaenda naʋo mumba mamambo pasi peciʋigiro cefuma, akatora’po mamvemve neŋguʋo dzakasakara, akaɀiɓurusira namaɓote mugomba kunaJeremia. 12MuEtiopia Ebedi‐mereki akati kunaJeremia: Ɀino ciisai mamvemve awa neŋguʋo dzakasakara muhapxa dzenyu munyasi mamaɓote. Jeremia akaita saiɀoɀo. 13Naiɀoɀo ʋakakwidza Jeremia namaɓote, ʋakamuɓuɗisa mugomba, Jeremia akagara muruʋazhe rwaʋarindi.
14Ipapo mambo Zedekia akatuma nhume akaʋuyisa muprofita Jeremia kwaari pamukoʋa wecitatu uri mumba maJehova; mambo akati kunaJeremia: Ndicakubvunza shoko; usandiʋanzira cinhu. 15Ipapo Jeremia akati kunaZedekia: Kana ndikakuziʋisai iɀoɀo, hamuŋgatoŋgondiʋurayi here? Kana ndikakupai zano, hamuŋganditereri. 16Naiɀoɀo mambo Zedekia wakapikira Jeremia cinyerere, akati: NaJehova mupenyu, wakatipa ʋupenyu ubgu, handiŋgakuʋurayi, kana kukuisa mumaʋoko aʋanhu aʋa ʋanotȿaka kukuʋuraya. 17Ipapo Jeremia akati kunaZedekia: Ɀanzi naJehova, Mŋari wehondo, Mŋari waIsraeri: Kana mukatenda kuenda kumacinda amambo weBabironi, mŋeya wenyu ucararama, neguta rino hariŋgapiswi nomŋoto; imi mucararama, neimba yenyu. 18Asi kana mukaramba kuenda kumacinda amambo weBabironi, ipapo guta rino ricaiswa mumaʋoko aʋaKardea, iʋo ʋacaripisa nomŋoto, nemi hamuŋgapukunyuki pamaʋoko aʋo. 19Ipapo mambo Zedekia akati kunaJeremia: Ndinotya ʋaJuda, ʋakatishandukira ʋakaenda kuʋaKardea, ɀimŋe ʋaŋgandiisa mumaʋoko aʋo, iʋo ʋakandiseka. 20Asi Jeremia wakati: Haʋaŋgakuisiyi kwaʋari. Citererai henyu inzwi raJehova, seɀandinokuʋudzai; ipapo mucaʋa nomufaro, nomŋeya wenyu ucararama. 21Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziʋiswa naJehova: 22Tarirai, ʋakadzi ʋose ʋakasara mumba mamambo waJuda, ʋacaɓuɗisirwa kumacinda amambo weBabironi; ɀino ʋakadzi aʋo ʋacati: Shamŋari dzenyu dzinoɗikanwa nemi ndidzo dzakakunyeŋgerai, dzikakukundai; ɀino tsoka dzenyu ɀadzanyura mumatope, ʋokufuratirai. 23Ʋacaɓuɗisira ʋakadzi ʋenyu ʋose naʋana ʋenyu kuʋaKardea; nemi ʋo hamuŋgapukunyuki pamaʋoko aʋo asi mucaɓatwa noruʋoko rwamambo weBabironi; imi mucapisisa guta rino nomŋoto. 24Ipapo Zedekia akati kunaJeremia: Ŋgakurege kuʋa nomunhu unoziʋiswa mashoko awa, ipapo iwe hauŋgaʋurawi. 25Asi kana macinda akanzwa kuti ndakataura newe, ʋakaʋuya kwauri, ʋaciti: Citiziʋisa ɀino ɀawaʋudza mambo; usatiʋanzira iɀoɀo, isu tigosakuʋuraya; ʋuye ʋo ɀose ɀawakaʋudzwa namambo; 26ipapo uti kwaʋari: Ndakaȿitsa munyeŋgetero waŋgu kunamambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifire’ko. 27Ɀino macinda ose akaʋuya kunaJeremia, akamubvunza, akaʋaʋudza mashoko awa ose seɀakaŋga ɀarairwa namambo. Naiɀoɀo ʋakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakaŋga risina‐kuzikanwa. 28Naiɀoɀo Jeremia wakaramba agere muruʋazhe rwaʋarindi kuȿikira zuʋa rakakundwa Jerusarema.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 38: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda