Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 26

26
Ʋanoɗa kuʋuraya Jeremia pamsoro pokuprofita kwake.
1Ɀino pakuʋamba kwokuɓata ʋushe kwaJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, shoko iri rakabva kunaJehova, riciti: 2Ɀanzi naJehova: Mira paruʋazhe rweimba yaJehova, uʋudze maguta ose aJuda, anoʋuya kuzonamata mumba maJehova, mashoko ose andinokuraira kuti uʋaʋudze; usatapudza kunyaŋge neshoko rimŋe. 3Ɀimŋe ʋaŋgaterera, ʋakadzoka mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa; kuti ndiɀiɗembe pamsoro peɀakaipa ɀandinofuŋga kuʋaitira nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋo ɀaʋanoita. 4Uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Kana musiŋgaɗi kundinzwa, kuti mufambe nomurairo waŋgu, wandakaisa pamberi penyu, 5kuti munzwe mashoko aʋaranda ʋaŋgu ʋaprofita, ʋandinotuma kwamuri, ndicimuka maŋgwanani ndiciʋatuma, asi hamuna‐kunzwa; 6ɀino ndicaita imba ino iʋe seShiro, neguta rino ndicariita cinhu cinotukwa namarudzi ose enyika. 7Ʋaprista naʋaprofita naʋanhu ʋose ʋakanzwa Jeremia acitaura mashoko awa mumba maJehova. 8Ɀino Jeremia wakati apedza kutaura ɀose ɀaakaŋga arairwa naJehova kuti aʋudze ʋanhu ʋose, ʋaprista naʋaprofita naʋanhu ʋose ʋakamuɓata, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, ucafa iwe. 9Wakaprofiterei nezita raJehova, uciti: Imba ino icaʋa seShiro, guta rino ricaʋa ɗoŋgo, risina‐unogara’mo? Ʋanhu ʋose ʋakaʋuŋganira Jeremia mumba maJehova.
10Ɀino macinda aJuda akati anzwa ɀinhu iɀi, ʋakaʋuya ʋacibva kuimba yamambo ʋakaenda kuimba yaJehova, ʋakagara pasi panopindwa pasuʋo idɀa reimba yaJehova. 11Ipapo ʋaprista naʋaprofita ʋakataura namacinda ʋuye naʋanhu ʋose, ʋaciti: Munhu uyu wakafanira rufu, nokuti wakaprofitera guta rino ɀakaipa, seɀamakanzwa nenzeʋe dzenyu. 12Ipapo Jeremia wakataura namacinda ose ʋuye naʋanhu ʋose, aciti: Jehova ndiye wakandituma kuti ndiprofitere imba ino neguta rino mashoko ose amakanzwa. 13Naiɀoɀo ɀino natsai nzira dzenyu neɀamunoita, muterere inzwi raJehova Mŋari wenyu; ipapo Jehova ucaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀaakareʋa pamsoro penyu. 14Asi kana ndirini, tarirai, ndiri mumaʋoko enyu; ndiitirei ɀakanaka neɀakarurama pakuʋona kwenyu. 15Asi muziʋe ɀirokwaɀo, kuti kana mukandiʋuraya ini, mucaʋuyisa mhoȿa yeropa risinemhaka pamsoro penyu, napamsoro peguta rino, napamsoro paʋagere’mo; nokuti ɀirokwaɀo Jehova wakandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeʋe dzenyu. 16Ipapo macinda naʋanhu ʋose ʋakati kuʋaprista naʋaprofita: Munhu uyu haafaniri rufu, nokuti wakataura nesu nezita raJehova Mŋari weɗu. 17Ɀino ʋamŋe ʋaʋakuru ʋenyika ʋakasimuka, ʋakataura neʋuŋgano yose yaʋanhu, ʋaciti: 18Mikaya muMorashtiti wakaprofita pamazuʋa aHezekia mambo waJuda; akataura naʋanhu ʋose ʋaJuda, aciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Zioni ricarimŋa somunda, neJerusarema ricaʋa mirwi yamabge, negomo reimba ricaita senɀimbo dzakakwirira dzeɗondo. 19Ko Hezekia mambo waJuda, naʋaJuda ʋose ʋakamuʋuraya here? Ko haana‐kutya Jehova, akanyeŋgetera Jehova, Jehova akaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀaakaŋga areʋa pamsoro paʋo here? Saiɀoɀo tiŋgatadzira mŋeya yeɗu kwaɀo. 20Ʋuye ɀe, kwakaŋga kunomunhu waiprofita nezita raJehova, wainzi Uria, mŋanakomana waShemaia weKiriati‐jearimi; iye wakaprofita ɀakaipa pamsoro peguta rino nenyika ino ɀakafanana namashoko ose aJeremia. 21Ɀino mambo Jehoiakimi, naʋakuru ʋake ʋose, namacinda ose, ʋakati ʋanzwa mashoko ake, mambo akatȿaka kumuʋuraya; asi Uria wakati aciɀinzwa, akatya, akatizira Egipita. 22Mambo Jehoiakimi akatuma ʋanhu Egipita, ʋaiti Ernatani mŋanakomana waAkbori, naʋamŋe ʋanhu naye, ʋaende Egipita; 23akandotora Uria Egipita, ʋakaʋuya naye kuna mambo Jehoiakimi, iye ndokumuʋuraya nomunondo, akakandira citunha cake mumarinda aʋanhu ʋasiŋgakudzwi. 24Asi ruʋoko rwaAhikami mŋanakomana waShafani rwakaɓatsira Jeremia, ʋakasamuisa mumaʋoko aʋanhu kuti ʋamuʋuraye.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 26: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda