Jeremia 27
27
Ʋanhu ʋanorairwa naJeremia kuɀiisa pasi pamambo Nebukadnezari.
1Pakuʋamba kwokuɓata ʋushe kwaJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, shoko iri rakaȿika kunaJeremia ricibva kunaJehova, riciti: 2Ɀanzi naJehova kwandiri: Ɀiitire ɀisuŋgo namatanda, uɀiise pamutsipa wako; 3uɀitumire kunamambo waEdomi, nokunamambo waMoabi, nokunamambo waʋana ʋaAmoni, nokunamambo weTire, nokunamambo weSidoni, noruʋoko rwenhume dzinoʋuya Jerusarema kunaZedekia mambo waJuda; 4utume shoko naʋo kunatenzi waʋo, uti: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Mundoti kunatenzi wenyu: 5Ini ndakaita nyika, naʋanhu neɀipfuwo ɀiri pasi pose, nesimba raŋgu guru ʋuye noruʋoko rwaŋgu rwakatambanudzwa; ɀino ndinoɀipa wandinoti ndiye wakafanirwa naɀo. 6Ɀino ini ndakaisa nyika idzi dzose muruʋoko rwaNebukadnezari mambo weBabironi, muranda waŋgu; nemhuka dzose dzeɓundo ndakamupa ʋo kuti dzimushumire. 7Marudzi ose acamushumira, iye nomŋanakomana wake, nomŋanakomana womŋanakomana wake, kuȿikira ŋguʋa yenyika yake yaȿika ʋo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru acamuita muranda waʋo. 8Ɀino rudzi rupi norupi noʋushe bgupi nobgupi ʋanoramba kushumira iye Nebukadnezari mambo weBabironi, ʋanoramba kuisa mutsipa waʋo pasi pejoko ramambo weBabironi, rudzi urwo ndicaruroʋa nomunondo ʋuye nenzara, nehosha yakaipa, kuȿikira ndaʋapedza noruʋoko rwake — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 9Asi kana muri’mi, regai kuterera ʋaprofita ʋenyu, kana ʋaʋuki ʋenyu, kana kurota kwenyu, kana ʋafemberi ʋenyu, kana ʋaroyi ʋenyu, ʋanotaura nemi, ʋaciti: Hamuŋgashumiri mambo weBabironi; 10nokuti ʋanokuprofiterai nhema, kuti muiswe kure nenyika yenyu, kuti ini ndikudziŋgirei kunze, muparare. 11Asi rudzi, rucaisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBabironi, nokumushumira, rudzi urwo ndicarutendera kugara munyika yarwo, ʋacairima, nokugara’mo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
12Ɀino ndikataura naZedekia mambo waJuda mashoko awa ose, ndiciti: Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBabironi, mumushumire iye naʋanhu ʋake, murarame. 13Mucafireiko, imi naʋanhu ʋenyu, nomunondo, ʋuye nenzara, nehosha yakaipa, seɀakataura Jehova pamsoro porudzi runoramba kushumira mambo weBabironi? 14Regai kuterera mashoko aʋaprofita ʋanotaura kwamuri ʋaciti: Hamuŋgashumiri mambo weBabironi; nokuti ʋanokuprofiterai nhema. 15Nokuti ini handina‐kuʋatuma — ndiɀo ɀinotaura Jehova — asi ʋanoprofita nhema nezita raŋgu; kuti ndikudziŋgirei kunze, mupere, imi naʋaprofita ʋanokuprofiterai. 16Ndakataura ʋo naʋaprista, ʋuye naʋanhu aʋa ʋose, ndikati: Ɀanzi naJehova: Regai kuterera mashoko aʋaprofita ʋenyu ʋanokuprofiterai, ʋaciti: Tarirai, midziyo yeimba yaJehova yoɗo‐kudzoswa icibva Babironi; nokuti ʋanokuprofiterai nhema. 17Regai kuʋaterera; shumirai mambo weBabironi, murarame; guta rino ricaitwa ɗoŋgo neiko? 18Asi kana ʋari ʋaprofita, kana shoko raJehova rinaʋo, ŋgaʋanyeŋgetere Jehova wehondo ɀino, kuti midziyo yakasara mumba maJehova nomumba mamambo waJuda, napaJerusarema, irege kuenda Babironi. 19Nokuti ɀanzi naJehova wehondo pamsoro pembiru, napamsoro peguŋgwa, napamsoro peɀigadziko, napamsoro pemidziyo yakasara muguta rino; 20ɀisina‐kutorwa naNebukadnezari mambo weBabironi, paŋguʋa yaakatapa Jekonia, mŋanakomana waJehoiakimi, mambo waʋaJuda, paJerusarema, akamuisa Babironi, pamŋe cete naʋakuru ʋose ʋaʋaJuda naʋeJerusarema; 21nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri, pamsoro pemidziyo yakasara mumba maJehova, nomumba mamambo waJuda, napaJerusarema: 22Icandoiswa Babironi, ikagara’ko, kuȿikira zuʋa randicaʋashanyira — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ipapo ndicaʋaʋuyisa ɀe, ndikaʋadzosera kunɀimbo ino.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 27: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018