Jeremia 28
28
Jeremia nomuprofita wenhema Hanania.
1Ɀino pagore irero, pakuʋamba kwokuɓata ʋushe kwaZedekia mambo waJuda, pagore recinna, nomŋedzi wecishanu, Hanania mŋanakomana waAzuri muprofita, waiʋa weGibeoni, akataura neni mumba maJehova, ʋaprista naʋanhu ʋose ʋari’po, akati: 2Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ndavuna joko ramambo weBabironi. 3Makore maʋiri asati apera kwaɀo, ndicadzosera ɀe kunɀimbo ino midziyo yose yeimba yaJehova, yakatorwa naNebukadnezari mambo weBabironi panɀimbo ino, akaiisa Babironi; 4ndicadzosera ɀe kunɀimbo ino Jekonia mŋanakomana waJehoiakimi mambo waJuda, pamŋe cete naʋatapxa ʋose ʋaJuda, ʋakaenda Babironi — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndicavuna joko ramambo weBabironi. 5Ipapo muprofita Jeremia akati kumuprofita Hanania, ʋaprista naʋanhu ʋose ʋari’po ʋamire mumba maJehova, 6iye muprofita Jeremia akati: Ameni, Jehova ŋgaaite ɀakaɗaro; Jehova ŋgaasimbise mashoko ako awakaprofita, adzosere ɀe midziyo yeimba yaJehova, naʋose ʋakatapxa, ʋabve Babironi ʋaʋuye kunɀimbo ino. 7Asi ɀino cinzwa shoko iri randinotaura munzeʋe dzako, nomunzeʋe dzaʋanhu ʋose: 8Ʋaprofita, ʋakanditaŋgira ini newe, ʋakaprofitera nyika zhinji, noʋushe ʋukuru, ʋacireʋa ɀokurwa, nenzara, nehosha yakaipa. 9Muprofita, unoprofita ɀorugare, kana shoko romuprofita uyo rikaitika, muprofita uyo ucazikanwa kuti wakatumŋa naJehova ɀirokwaɀo. 10Ipapo muprofita Hanania wakabvisa joko pamutsipa womuprofita Jeremia, akarivuna. 11Ɀino Hanania akataura pamberi paʋanhu ʋose, aciti: Ɀanzi naJehova: Saiɀoɀo ndicavuna joko raNebukadnezari mambo weBabironi pamitsipa yamarudzi ose makore maʋiri asati apera kwaɀo. Muprofita Jeremia ndokuenda ɀake. 12Ipapo shoko raJehova rakaʋuya kunaJeremia, muprofita Hanania apedza kuvuna joko pamutsipa womuprofita Jeremia, ɀicinzi: 13Enda undoʋudza Hanania, uti: Ɀanzi naJehova: Wavuna majoko amatanda, asi waita panɀimbo yaɀo majoko esimbi. 14Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ndakaisa joko resimbi pamitsipa yamarudzi awa ose, kuti ashumire Nebukadnezari mambo weBabironi; acamushumira, ʋuye ndakamupa ʋo mhuka dzeɓundo. 15Ipapo muprofita Jeremia wakati kumuprofita Hanania: Cinzwa ɀino, Hanania: Jehova haana‐kukutuma, asi iwe unotendisa ʋanhu aʋa nhema. 16Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarira, ndicakudziŋga pasi pose; ucafa nhaka, nokuti wakataura ɀinomukira Jehova. 17Naiɀoɀo muprofita Hanania wakafa negore iro nomŋedzi wecinomŋe.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 28: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018