Jeremia 25
25
Kurobga kwaJuda pamŋe cete namamŋe marudzi aʋanhu.
1Shoko, rakaʋuya kunaJeremia pamsoro paʋanhu ʋose ʋaJuda, negore recinna raJehoiakimi, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda; ndiro gore rokutaŋga raNebukadrezari mambo weBabironi, 2iro rakataurwa nomuprofita Jeremia kuʋanhu ʋose ʋaJuda, naʋose ʋagere Jerusarema, aciti: 3Kubva pagore regumi namatatu raJosia mŋanakomana waAmoni, mambo waʋaJuda, kuȿikira pazuʋa rino, makore awa anamakumi maʋiri namatatu, shoko raJehova raiʋuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndicimuka maŋgwanani, ndicitaura; asi imi hamuna‐kuterera. 4Jehova wakatuma kwamuri ʋaranda ʋake ʋose ʋaprofita, acimuka maŋgwanani, aciʋatuma, asi imi hamuna‐kuterera, kana kurerekera nzeʋe dzenyu kuti munzwe, 5ʋaciti: Dzokai ɀino mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa, napaɀakaipa ɀamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehova, imi namadziɓaɓa enyu, kubva kare nakare kuȿikira pakusiŋgaperi; 6regai kuteʋera ʋamŋe ʋamŋari kuti muʋashumire, nokuʋanamata, murege kunditsamŋisa namaɓasa amaʋoko enyu; ini ndigorega kukuitirai ɀakaipa. 7Asi hamuna‐kunditerera — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kuti munditsamŋise namaɓasa amaʋoko enyu, muitirwe ɀakaipa. 8Naiɀoɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ɀamusina‐kunzwa mashoko aŋgu, 9tarirai, ndicatuma shoko kumarudzi ose ari kurutiʋi rwokumsoro, ndiʋaʋuyise, nokunaNebukadrezari mambo weBabironi, muranda waŋgu, ndiʋaʋuyise ʋarwe nenyika ino, naʋagere’mo, namarudzi awa ose akaipoteredza; ndicaʋaparadza cose, nokuʋaita cishamiso, necinoridzirwa muridzo, namatoŋgo nokusiŋgaperi. 10Ndicabvisa ʋo kwaʋari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi recikomba, nenzwi romŋeŋga, nenzwi ramakuyo, neciedza comŋenje. 11Nyika ino yose ricaʋa ɗoŋgo, necishamiso; marudzi awa acaɓatira mambo weBabironi makore anamakumi manomŋe. 12Ɀino kana makore anamakumi manomŋe apera — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaroʋa mambo weBabironi, norudzi urwo pamsoro peɀakaipa ɀaʋo, nenyika yaʋaKardea; ndicaiita matoŋgo nokusiŋgaperi. 13Ndicaʋuyisa pamsoro penyika iyo mashoko aŋgu ose andakataura pamsoro payo, ɀose ɀakanyorwa mubuku iyi, ɀakaprofitiwa naJeremia pamsoro pamarudzi ose. 14Nokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru ʋacaʋasuŋga iʋo ʋamene ʋaʋe ʋaranda ʋaʋo; ini ndicaʋaripira ɀakaenzana nokuɓata kwaʋo, neɀakaenzana neɓasa ramaʋoko aʋo.
15Nokuti Jehova Mŋari waIsraeri, wakati kwandiri: Tora mukombe uyu wewaini yokutsamŋa kwaŋgu paruʋoko rwaŋgu, unwise’po marudzi ose andinokutumira kwaari. 16Ʋacanwa, nokudzedzereka, nokupeŋga, nokuɗa kwomunondo wandicatuma pakati paʋo. 17Ipapo ndakatora mukombe paruʋoko rwaJehova, ndikanwisa marudzi ose, andakatumirwa kwaari naJehova; 18ʋaiti Jerusarema, namaguta aJuda, namadzimambo awo, namacinda awo, kuti ʋaitwe ɗoŋgo, necishamiso, necinoridzirwa muridzo, necinotukwa, seɀaɀakaita nhasi. 19NaFarao mambo weEgipita, naʋaranda ʋake, namacinda ake, naʋanhu ʋake ʋose; 20namarudzi ose akaveŋgana, namadzimambo ose enyika yeUzi, namadzimambo ose enyika yaʋaFiristia, neAshkeroni, neGaza, neEkroni, naʋakasara ʋeAshdodi; 21naEdomi, naMoabi, naʋana ʋaAmoni; 22namadzimambo ose eTire, namadzimambo ose eSidoni, namadzimambo eciwi ciri mhiri kweguŋgwa; 23neDedani, neTema, neBuzi, naʋose ʋakaʋeʋurwa vudzi raʋo kumatiʋi; 24namadzimambo ose eArabia, namadzimambo ose amarudzi akaveŋgana ʋanogara kurenje; 25namadzimambo ose eZimri, namadzimambo ose eErami, namadzimambo ose aʋaMedia; 26namadzimambo ose okumsoro, kure napedyo, mumŋe nomumŋe; noʋushe bgose bgenyika, ʋuri pasi pose; mambo weSheshaki ucanwa shure kwaʋo. 27Ɀino iwe uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Inwai, muɓatwe, murutse, muwe, murege kuzosimuka ɀe, nokuɗa kwomunondo wandicatuma pakati penyu. 28Ɀino kana ʋaciramba kutora mukombe paruʋoko rwako kuti ʋanwe, ipapo uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova wehondo: Munofanira kunwa, ɀirokwaɀo! 29Nokuti tarirai ndinotaŋga kuitira ɀakaipa guta rakatumidzwa nezita raŋgu; ɀino imi muŋgaregwa cose musiŋgarobgi here? Hamuŋgaregwi musiŋgarobgi; nokuti ndicaɗana munondo pamsoro paʋose ʋagere panyika — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 30Naiɀoɀo iwe uʋaprofitere mashoko awa ose, uti kwaʋari: Jehova ucaʋomba ari kumsoro, ucaɓuɗisa inzwi rake ari paʋugaro bgake ʋutȿene; ucaʋombera mafuro ake; ucapururudzira ʋose ʋagere panyika, seɀinoita ʋanotsika mazambiriŋga. 31Mubvumo ucaȿika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehova unegakaʋa namarudzi, ucatoŋga nyama yose; kana ʋari ʋakaipa, ucaʋaisa kumunondo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
32Ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ɀakaipa ɀicaɓuɗa kunorumŋe rudzi ɀicienda kunorumŋe rudzi, neɗutu guru remhepo ricamutswa kumigumo yenyika. 33Nezuʋa iro ʋakaʋurawa naJehova ʋacaʋa’po kubva kunomumŋe mugumo wenyika kuȿikira kunomumŋe mugumo wenyika; haʋaŋgacemŋi, kana kuʋuŋganidzwa, kana kuʋigwa; ʋacaʋa mupfudze pasi pose. 34Wuŋgudzai, imi ʋafudzi, muceme; ʋumburukai mumaɗota, imi ʋakuru ʋamapoka; nokuti mazuʋa okuʋurawa kwenyu aȿika kwaɀo, nookuparadzirwa kwenyu, mucawira pasi somudziyo unoɗikanwa. 35Ʋafudzi ʋacashaiwa matizire, naʋakuru ʋamapoka mapukunyukire. 36Inzwai inzwi rokucema kwaʋafudzi, nokuwuŋgudza kwaʋakuru ʋamapoka! Nokuti Jehova unoparadza mafuro aʋo. 37Mafuro orugare anoparadzwa nokutsamŋa kukuru kwaJehova. 38Wakabva paanoʋanda seshumba; nokuti nyika yaʋo yaʋa cishamiso, nokuɗa kwokunyanya kwomunondo unomanikidza, ʋuye nokuɗa kwokutsamŋa kwake kukuru.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 25: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018