Jeremia 24
24
Mufananidzo wetswanda mbiri dzinamaʋonde.
1Ɀino Nebukadrezari mambo weBabironi wakati atapa Jekonia mŋanakomana waJehoiakimi, mambo waJuda, namacinda aJuda, pamŋe cete naʋaʋezi naʋapfuri, paJerusarema, akaʋaisa Babironi, Jehova akandiratidza, ndikaʋona tswanda mbiri dzinamaʋonde dzakaŋga dzakaiswa pamberi petembere yaJehova. 2Imŋe tswanda yakaŋga inamaʋonde akanaka kwaɀo, samaʋonde anotaŋga kuibva; asi imŋe tswanda yakaŋga inamaʋonde akaipa kwaɀo, asiŋgabviri kudyiwa nokuipa kwawo. 3Ipapo Jehova akati kwandiri: Unoʋoneiko Jeremia? Ini ndikati: Maʋonde; maʋonde akanaka, akanaka kwaɀo, asi akaipa, akaipa kwaɀo, asiŋgabviri kudyiwa nokuipa kwawo. 4Ipapo shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: 5Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Seɀakaita maʋonde awa akanaka, ndiɀo ɀandicaraŋgarira nomŋoyo wakanaka ʋatapxa ʋaJuda, ʋandakatuma ʋabve panyika ino ʋaende kunyika yaʋaKardea. 6Nokuti ndicaʋatarira nameso aŋgu nomŋoyo wakanaka, ndiʋadzosere ɀe kunyika ino; ndicaʋaʋaka, handiŋgaʋakoromori; ndicaʋasima, handiŋgaʋadzuri. 7Ndicaʋapa mŋoyo wokundiziʋa, kuti ndini Jehova; iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo; nokuti ʋacadzokera kwandiri nomŋoyo waʋo wose. 8Ʋuye, seɀakaita maʋonde akaipa, asiŋgabviri kudyiwa nokuipa kwawo, ɀirokwaɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndiɀo ɀandicaita Zedekia mambo waJuda, namacinda ake, naʋakasara ʋeJerusarema, ʋakasara panyika ino, naʋagere panyika yeEgipita. 9Ndicaʋaita cinhu cinotyisa pakati poʋushe bgose bgenyika, ʋaitirwe ɀakaipa, ʋaʋe cinhu cinoshoʋorwa, neshumo, necinosekwa necinotukwa panɀimbo dzose kwandicaʋadziŋgira. 10Ndicatuma pakati paʋo munondo, nenzara, nehosha, kuȿikira ʋapera panyika yandakaʋapa iʋo namadziɓaɓa aʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 24: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018