Jeremia 23
23
Ʋafudzi ʋasina‐kutendeka.
1Ʋanenhamo ʋafudzi ʋanoparadza nokuparadzira makwai amafuro aŋgu! ndiɀo ɀinotaura Jehova. 2Naiɀoɀo ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri, pamsoro paʋafudzi ʋanofudza ʋanhu ʋaŋgu: Makaparadzira makwai aŋgu, mukaadziŋga, mukasaatarira; tarirai, ndicakuroʋai nokuɗa kweɀakaipa ɀamaɓasa enyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 3Ndicaʋuŋganidza ʋakasara ʋamakwai aŋgu kunyika dzose kwandakaŋga ndaadziŋgira, ndicaadzosera kumafuro awo; acaɓerekana nokuwanda. 4Ndicaagadzira ʋafudzi ʋanoafudza; haaŋgazotyi kana kuvunduswa, hakuna‐nerimŋe riŋgashaikwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Ƃukira raDavidi.
5Tarirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova — mazuʋa acaʋuya, andicamutsira Davidi Ƃukira rakarurama, iye ucaɓata ʋushe ari mambo, ucaita noʋucenjeri acitoŋga nokururama aciita ɀakarurama panyika. 6Pamazuʋa ake Juda ʋacaponeswa, naIsraeri ʋacagara ʋakaceŋgetwa; zita rake raacatumidzwa ndireri: Jehova ndiye kururama kweɗu. 7Naiɀoɀo, tarirai, ndiɀo ɀinotaura Jehova — mazuʋa anoʋuya, aʋasiŋgazoti: NaJehova mupenyu, wakaɓuɗisa ʋana ʋaIsraeri munyika yeEgipita; 8asi: NaJehova mupenyu, wakaɓuɗisa rudzi rweimba yaIsraeri munyika yokumsoro, aciʋaperekedza, nomunyika dzose kwandakaŋga ndaʋadziŋgira. Iʋo ʋacagara munyika yaʋo.
Ʋaprofita ʋenhema ʋanotukwa.
9Kana ʋari ʋaprofita, mŋoyo waŋgu wakaputsika mukati maŋgu; mafupa aŋgu ose anozunuŋguka, ndakaita somunhu wakaɓatwa, somunhu wakundwa newaini, nokuɗa kwaJehova, ʋuye nokuɗa kwamashoko ake matȿene. 10Nokuti nyika izere nemhombge; nokuti nyika inocema nemhaka yokutuka; mafuro erenje akawoma; ɀaʋanoʋaʋarira ɀakaipa, simba raʋo harizakarurama. 11Nokuti ʋaprofita naʋaprista ʋose ʋanomhura Jehova; ɀirokwaɀo, mumba maŋgu ndakawana ɀakaipa ɀaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 12Naiɀoɀo nzira yaʋo icaʋa kwaʋari senɀimbo dzinotedza murima; ʋacatinhwa, ndokuwira’mo; nokuti ndicaʋaʋuyisira ɀakaipa pagore rokurobga kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 13Ndakaʋona ʋupenzi kuʋaprofita ʋeSamaria; ʋakaprofita naBaari, ʋakarashisa ʋanhu ʋaŋgu Israeri. 14Kuʋaprofita ʋeJerusarema ndakaʋona ʋo cinhu cinonyaŋgadza: Ʋanoita ʋupombge, nokufamba nenhema; ʋanosimbisa maʋoko aʋanoita ɀakaipa, naiɀoɀo hakuna‐nomumŋe unodzoka paɀakaipa ɀake; ʋose ʋaʋa kwandiri seSodoma, naʋagere’po seGomora.
15Naiɀoɀo ɀanzi naJehova wehondo pamsoro paʋaprofita: Tarirai, ndicaʋadyisa gaʋakaʋa, ndicaʋanwisa mvura yenduru; nokuti kumhura Jehova kwakaɓuɗa kuʋaprofita ʋeJerusarema kukaenda kunyika yose. 16Ɀanzi naJehova wehondo: Regai kuterera mashoko aʋaprofita ʋanokuprofiterai; ʋanokudzidzisai ɀisinamaturo, ʋanotaura ɀaʋakaʋona pamŋoyo yaʋo, ɀisati ɀiri iɀo ɀinoɓuɗa mumuromo waJehova 17Ʋanoramba ʋaciti kunaʋanondiɀidza: Jehova wakati: Mucaʋa norugare; ʋuye kunomumŋe nomumŋe unofamba noʋukukutu bgomŋoyo wake, ʋanoti: Hakunecakaipa ciŋgakuwira. 18Nokuti ndiani wakamira paraŋgano yaJehova, akaʋona nokunzwa shoko rake? Ndiani wakaterera akanzwa shoko rake? 19Tarirai, ɗutu remhepo raJehova, iko kutsamŋa kwake, raɓuɗa, ɀirokwaɀo ɗutu recampupuri; ricamonereka pamisoro yaʋakaipa. 20Kutsamŋa kwaJehova hakuŋgadzoki, kuȿikira aɀiita, apedza ndaŋgariro dzomŋoyo wake; pamazuʋa okupedzisira mucaɀinzwisisa kwaɀo. 21Ini handina‐kutuma ʋaprofita aʋa, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakamhanya; ini handina‐kutaura naʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaprofita. 22Asi ɗai ʋakaŋga ʋamira paraŋgano yaŋgu, ʋaŋgaɗai ʋakanzwisa ʋanhu ʋaŋgu mashoko aŋgu, ʋakaʋadzora panzira yaʋo yakaipa, napaɀakaipa ɀamaɓasa aʋo. 23Ko ini ndiri Mŋari uri pedyo, ndisati ndiri Mŋari uri kure here? ndiɀo ɀinotaura Jehova. 24Ko munhu uri’po uŋgaʋanda panɀimbo dzisiŋgazikanwi, ini ndikasamuʋona here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ko ini handizadzi ɗeŋga nenyika here? ndiɀo ɀinotaura Jehova. 25Ndakanzwa ɀakarebga naʋaprofita, ʋanoprofita nhema muzita raŋgu, ʋaciti: Ndarota hope, ndarota hope. 26Ko iɀi ɀicaʋa’po pamŋoyo yaʋaprofita ʋanoprofita nhema kuȿikira rini, iʋo ʋaprofita ʋeɀinonyeŋgera ɀemŋoyo yaʋo? 27Iʋo, ʋanofuŋga kukaŋganwisa ʋanhu ʋaŋgu zita raŋgu nokurota kwaʋo, kwaʋanoʋudza mumŋe nomumŋe hama yake, madziɓaɓa aʋo seɀaʋakakaŋganwa zita raŋgu no kunamata Baari. 28Muprofita, wakarota, ŋgaaʋudze kurota kwake; uneshoko raŋgu, ŋgaataure shoko raŋgu nokutendeka. Mashaŋga neɀiyo ɀakaenzana pai? ndiɀo ɀinotaura Jehova. 29Shoko raŋgu harina‐kufanana nomŋoto here? ndiɀo ɀinotaura Jehova; ʋuye senyundo inoputsanya ɗombo here? 30Naiɀoɀo, tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handinoʋukama naʋaprofita, ʋanoɓa mashoko aŋgu mumŋe nomumŋe kunowokwake. 31Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handinoʋukama naʋaprofita, ʋanoreʋa namarimi aʋo, ʋaciti: Ndiye unoɗaro. 32Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handinoʋukama naʋanoprofita kurota kwaʋo kwenhema, ʋaciʋudza ʋamŋe, ʋacirashisa ʋanhu ʋaŋgu nenhema dzaʋo ʋuye nokuɀirumbidza kwaʋo kusinamaturo; kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kuʋatuma, kana kuʋaraira; ʋuye haʋatoŋgoɓatsiri ʋanhu aʋa — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 33Ɀino kana ʋanhu aʋa, kana muprofita kana muprista, ʋakakubvunza, ʋaciti: Cireʋo caJehova ndecipiko? Ipapo uti kwaʋari: Cireʋo cei! Ini ndicakurashai — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 34Kana ari muprofita, kana muprista, kana ʋanhu, kana ʋaciti: Cireʋo caJehova; ndicaroʋa munhu uyo neimba yake. 35Ndiɀo ɀamunofanira kuti, mumŋe nomumŋe kunowokwake, nomumŋe nomumŋe kuhama yake: Jehova wakapindurei? Jehova wakataurei? 36Musazoti cireʋo caJehova; nokuti shoko romunhu mumŋe nomumŋe ndico cireʋo cake; nokuti makakaŋganisa mashoko aMŋari mupenyu, aJehova wehondo, Mŋari weɗu. 37Uti kumuprofita: Jehova wakakupindurei? Jehova wakataurei? 38Asi kana mukati: Cireʋo caJehova; ɀanzi naJehova: Ɀamunoreʋa shoko iri, muciti, cireʋo caJehova, ini ɀandakatuma shoko kwamuri ndiciti: Musati: Cireʋo caJehova; 39naiɀoɀo tarirai, ndicakukaŋganwai cose, ndicakurashai kure neni, imi, neguta randakakupai imi namadziɓaɓa enyu; 40ndicaʋuyisa pamsoro penyu kushoʋorwa kusiŋgaperi, nokunyadziswa kusiŋgaperi, ɀisiŋgazokaŋganikwi.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 23: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018