Jeremia 22
22
Mambo waJuda unonyeʋerwa.
1Ɀanzi naJehova: Ƃurukira kumba kwamambo waJuda, undotaura’po shoko iri, 2uti: Inzwa shoko raJehova, iwe mambo waJuda, ugere pacigaro coʋushe caDavidi, iwe naʋaranda ʋako, naʋanhu ʋako ʋanopinda napamasuʋo awa. 3Ɀanzi naJehova: Toŋgai ɀakarurama neɀakatendeka, murwire wakaɓirwa muruʋoko rwounomumanikidza; mutorwa, nenherera, necirikadzi, regai kuʋaitira ɀisakarurama, regai kuʋaitira nesimba; ʋuye musateʋura ropa risinemhoȿa panɀimbo ino. 4Nokuti kana muciita cinhu ici nomŋoyo wose, pamasuʋo eimba iyi pacapinda madzimambo, acagara pacigaro coʋushe caDavidi, acifamba neŋgoro nokutaȿa mabiza, iye naʋaranda ʋake naʋanhu ʋake. 5Asi kana mukaramba kunzwa mashoko awa, ndinopika neni ndimene, kuti imba ino icaʋa ɗoŋgo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 6Nokuti ɀanzi naJehova pamsoro peimba yamambo waJuda: Uri Gireadi kwandiri, nomusoro weRebanoni; asi ɀirokwaɀo ndicakuita renje, namaguta asiŋgagarwi naʋanhu. 7Ndicakugadzirira ʋaparadzi, mumŋe nomumŋe anenhumbi dzake dzokurwa; ʋacatema misidari yenyu inoɗikanwa, ʋaciikandira mumŋoto. 8Marudzi mazhinji aʋanhu acapfuʋura napaguta rino, mumŋe nomumŋe ucati kunowokwake: Jehova wakaitireiko guta rino guru ɀakaɗaro? 9Ipapo ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya suŋgano yaJehova, Mŋari waʋo, ʋakanamata ʋamŋe ʋamŋari, ʋaciʋashumira.
10Musacema wakafa, kana kumuwuŋgudzira; asi muceme kwaɀo iye unoenda, nokuti haaŋgadzoki ɀe, kana kuʋona ɀe nyika yake yaakaɓerekerwa. 11Nokuti ɀanzi naJehova pamsoro paSharumi, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, wakaɓata ʋushe panɀimbo yaɓaɓa ʋake Josia, akaɓuɗa panɀimbo ino: Iye haaŋgadzokeri’po ɀe; 12asi kwaakatapirwa, ndiko kwaacandofira’ko; haaŋgazoʋoni ɀe nyika ino.
13Unenhamo iye unoʋaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumsoro aciita ɀisakarurama; unoɓatisa wokwake asiŋgamupi cinhu, asiŋgamupi muɓairo wokuɓata kwake; 14iye, unoti: Ndicaɀiʋakira imba huru namakamuri okumsoro akafara, aciɀiitira mawindi; ɀino yoitirwa ɗeŋga romusidari, icizodzwa muti mutȿuku. 15Ko uŋgaɓata ʋushe, ɀaunotȿaka kupfuʋura ʋamŋe nemisidari here? Ko ɓaɓa ʋako haʋana‐kudya nokunwa, ʋaciita ɀakarurama neɀakatendeka here? Ipapo ʋakagara nomufaro. 16Ʋaitamba mhaka dzaʋarombo naʋanoshaiwa; ipapo ʋaiʋa nomufaro. Ko iɀoɀi hakuzi kundiziʋa here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 17Asi meso ako nomŋoyo wako haɀiraŋgariri ɀimŋe, asi kuciʋa kwako nokuteʋura ropa risinemhoȿa, nokumanikidza, nokuita nesimba; kuti uɀiite. 18Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro paJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda: Haʋaŋgamucemi, ʋaciti: Haiwa, munuŋuna waŋgu! Kana: Haiwa, hanɀadzi! Haʋaŋgamucemi, ʋaciti: Haiwa, ishe! Kana: Haiwa, ʋukuru bgake! 19Ucaʋigwa sokuʋigwa kwemboŋgoro, ucakweʋerwa nokurashwa kunze kwamasuʋo eJerusarema.
20Kwirai Rebanoni, muɗanidzire; ɗanidzirai nenzwi renyu paBashani; ɗanidzirai muri paAbarimi; nokuti ʋaɗikani ʋenyu ʋose ʋakaparadzwa. 21Ndakataura newe pakufara kwako; asi iwe wakati: Handiɗi kunzwa. Ndiwo wakaŋga uri mutoʋo wako kubvira paʋuɗuku bgako, kuti hauna‐kuterera inzwi raŋgu. 22Mhepo icaparadza ʋafudzi ʋako ʋose, naʋaɗikani ʋako ʋacatapxa; ɀirokwaɀo neŋguʋa iyo ucanyadziswa nokukaŋganiswa nokuɗa kweɀakaipa ɀako ɀose. 23Haiwa, iwe, ugere Rebanoni, unoʋaka ɗendere rako mumisidari, ucanzwisa ʋurombo kwaɀo sei kana ucizowirwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka! 24Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kunyaŋge Konia, mŋanakomana waJehoiakimi, mambo waJuda, aiʋa cindori cokutsikisa naco paruʋoko rwaŋgu rworudyi, kunyaŋge ɀakaɗaro ndaikubvisa ’po. 25Ndicakuisa muruʋoko rwaʋanotȿaka kukuʋuraya, nomuruʋoko rwaiʋo ʋaunotya, muruʋoko rwaNebukadrezari mambo weBabironi, nomumaʋoko aʋaKardea. 26Iwe namai ʋako ʋakakuɓereka ndicakudziŋgirai kuneimŋe nyika kwamusina‐kuɓerekerwa; ipapo mucandofira’po. 27Asi kunyika kunopaŋga mŋoyo yaʋo kudzokera, haʋaŋgadzokeri’ko. 28Ko munhu uyu Konia mudziyo wakaputsika unoɀidzwa here? Iye mudziyo usiŋgafadzi munhu here? Ʋakadziŋgirweiko, iye naʋana ʋake, ʋakadziŋgirwa kunyika yaʋasiŋgaziʋi? 29Iwe nyika, nyika, nyika, inzwa inzwi raJehova. 30Ɀanzi naJehova: Nyora kuti munhu uyu haanaʋana, munhu usiŋgazofari pamazuʋa ake; nokuti hakucinomurume pakati paʋana ʋake ucaʋa nomufaro, ucagara pacigaro coʋushe caDavidi, aciɓata ʋushe bgaJuda.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 22: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018