Jeremia 21
21
Jeremia unoprofita kuti Jerusarema ricaparadzwa.
1Shoko, rakaʋuya kunaJeremia, ricibva kunaJehova, paŋguʋa yakatuma mambo Zedekia kwaari Pashuri mŋanakomana waMarkija, naZefania mŋanakomana waMaaseya muprista, aciti: 2ɗotibvunzirai ʋo kunaJehova, nokuti Nebukadrezari mambo weBabironi worwa nesu; ɀimŋe Jehova uŋgatiitira cishamiso cakafanana namaɓasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri.
3Ipapo Jeremia akati kwaʋari: Itiyi kunaZedekia: 4Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaʋoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBabironi naʋaKardea ʋanokukombai kunze kwamaȿiŋgo; ndicadziʋuŋganidzira mukati meguta rino. 5Ini ndimene ndicarwa nemi necanza cakatambanudzwa noruʋoko runesimba, nokutsamŋa nehasha, neshuŋgu kwadzo. 6Ndicaroʋa ʋagere muguta rino, ʋanhu neɀipfuwo ɀose; ɀicafa nehosha yakaipa. 7Pashure — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaisa Zedekia mambo waJuda, naʋaranda ʋake naʋanhu ʋake, iʋo ʋakasara muguta rino, ʋakapukunyuka pahosha, napamunondo, napanzara, mumaʋoko aNebukadrezari mambo weBabironi, nomumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, nomumaʋoko aʋanotȿaka kuʋaʋuraya; iye ucaʋaroʋa nomunondo unopinza, haaŋgaʋaregi, kana kuʋanzwira ŋgoni, kana kuʋa nenyasha naʋo. 8Iwe uti kuʋanhu aʋa: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yoʋupenyu nenzira yorufu. 9Aninani unorambira muguta rino ucaʋurawa nomunondo nenzara nehosha; asi aninani unoɓuɗa akaenda kuʋaKardea ʋanokukombai, iye ucararama, ʋupenyu bgake ʋucaʋa kwaari cinhu caakapamba. 10Nokuti ɀanzi naJehova: Ndakarinzira guta rino ciso caŋgu kuti ndiriitire ɀakaipa, ndirege kuriitira ɀakanaka; ricaiswa mumaʋoko amambo weBabironi, iye ucaripisa nomŋoto.
11Ɀino kana iri imba yamambo waJuda, inzwai shoko raJehova: 12Nhai imba yaDavidi — ndiɀo ɀinotaura Jehova — toŋgai ɀakarurama maŋgwanani, murwire wakaɓirwa muruʋoko rwounomumanikidza, kuti kutsamŋa kwaŋgu kurege kuɓuɗa somŋoto, kucipfuta kusina‐uŋgakudzima, nokuɗa kweɀakaipa ɀamaɓasa enyu. 13Tarira, ndinemhoȿa newe, iwe ugere mumupata, paɗombo romuɓani — ndiɀo ɀinotaura Jehova; imi, munoti: Ndiani uŋgaɓuruka kuzorwa nesu? Ndiani ucapinda mudzimba dzeɗu? 14Ndicakuroʋai ɀakaenzana neɀiɓereko ɀamaɓasa enyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicaɓatidza mŋoto muɗondo raro, ucapedza ɀose ɀakaripoteredza.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018