Iwe uti kuʋanhu aʋa: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yoʋupenyu nenzira yorufu. Aninani unorambira muguta rino ucaʋurawa nomunondo nenzara nehosha; asi aninani unoɓuɗa akaenda kuʋaKardea ʋanokukombai, iye ucararama, ʋupenyu bgake ʋucaʋa kwaari cinhu caakapamba.