1
Jeremia 22:3
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Toŋgai ɀakarurama neɀakatendeka, murwire wakaɓirwa muruʋoko rwounomumanikidza; mutorwa, nenherera, necirikadzi, regai kuʋaitira ɀisakarurama, regai kuʋaitira nesimba; ʋuye musateʋura ropa risinemhoȿa panɀimbo ino.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Jeremia 22:15-16
Ko uŋgaɓata ʋushe, ɀaunotȿaka kupfuʋura ʋamŋe nemisidari here? Ko ɓaɓa ʋako haʋana‐kudya nokunwa, ʋaciita ɀakarurama neɀakatendeka here? Ipapo ʋakagara nomufaro. Ʋaitamba mhaka dzaʋarombo naʋanoshaiwa; ipapo ʋaiʋa nomufaro. Ko iɀoɀi hakuzi kundiziʋa here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
3
Jeremia 22:13
Unenhamo iye unoʋaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumsoro aciita ɀisakarurama; unoɓatisa wokwake asiŋgamupi cinhu, asiŋgamupi muɓairo wokuɓata kwake
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo