Tarirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova — mazuʋa acaʋuya, andicamutsira Davidi Ƃukira rakarurama, iye ucaɓata ʋushe ari mambo, ucaita noʋucenjeri acitoŋga nokururama aciita ɀakarurama panyika. Pamazuʋa ake Juda ʋacaponeswa, naIsraeri ʋacagara ʋakaceŋgetwa; zita rake raacatumidzwa ndireri: Jehova ndiye kururama kweɗu.