Jeremia 23:3-4
Jeremia 23:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ini pachangu ndichaunganidza akasara amakwai angu kubva kunyika dzose dzandakanga ndaadzingira uye ndichaadzosera kumafuro awo, kwaachava nezvibereko uye kwaachawanda. Ndichagadza vafudzi pamusoro pavo vachaafudza, uye havazotyi kana kuvhunduka, uye hakuna rimwe rawo ringashayikwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 23:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichaunganidza vakasara vamakwai angu kunyika dzose kwandakanga ndaadzingira, ndichaadzosera kumafuro awo; achaberekana nokuwanda. Ndichaagadzira vafudzi vanoafudza; haangazotyi kana kuvhunduswa, hakuna nerimwe ringashaikwa ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Jeremia 23:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo ndopandichakokorodza danga rehwai dzangu dzinenge dzasara kunyika dzese kwandakambodzidzingira ndivaunze mudanga ravo, vachaberekana vagowanda. Ndichavaisira vafudzi vokuvachengeta, uye zvokutya vasisatyi kana kudumbirwa zvako; hakuna kana neimwe icharasika ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Jeremia 23:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaʋuŋganidza ʋakasara ʋamakwai aŋgu kunyika dzose kwandakaŋga ndaadziŋgira, ndicaadzosera kumafuro awo; acaɓerekana nokuwanda. Ndicaagadzira ʋafudzi ʋanoafudza; haaŋgazotyi kana kuvunduswa, hakuna‐nerimŋe riŋgashaikwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Jeremia 23:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)