Jeremiya 23
23
Chitarisiro chezvichauya mune ramangwana
1Zvichavawana vafudzi vanoparadza vachimwararisa hwai dzamafuro angu! Ndizvo zviri kutaura Tenzi. 2Naizvozvo Tenzi, Mwari weIsiraeri ari kutaura zvinonangana nemi vafudzi iyemi munochengeta vanhu vangu achiti, “Makamwararisa danga rehwai dzangu, mukadzidzinga mukarega kudzifudza. Chinzwai, zvino ini ndava kunangana nemi pamusana pezviito zvenyu zvakaipa ndizvo zviri kutaura Tenzi. 3Ipapo ndopandichakokorodza danga rehwai dzangu dzinenge dzasara kunyika dzese kwandakambodzidzingira ndivaunze mudanga ravo, vachaberekana vagowanda. 4Ndichavaisira vafudzi vokuvachengeta, uye zvokutya vasisatyi kana kudumbirwa zvako; hakuna kana neimwe icharasika ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
5Chionai, zvanzi naTenzi, “Mazuva achasvika andichamutsira Dhavhidhi Bazi rakarurama iyeyo achazotonga samambo zvino ungwaru achitonga zvino ruenzaniso zvakarurama munyika muno. 6Mumazuva ake iyeyu nyika yokwaJudha ichanunurwa, Isiraeri ichagarikika zvakanaka. Iri ndiro zita ravachamudaidza naro rokuti, ‘Tenzihururamihwedu.’
7“Naizvozvo, chinzwai, zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya acharega vanhu kupika vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa vanhu veIsiraeri munyika yeIjipiti’ 8asi kutoti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa akatungamirira zvizvarwa zvemba yeIsiraeri kubva kunyika yokuchamhembe uye kubva kunyika dzose kwandakanga#23:8 Kwandakanga: MuchiGiriki munonzi, “Kwaakanga.” ndavadzingira.’ Ndipo pavachazogara munyika yavo chaiyo.
Shoko raMwari kuvaporofita vasiriivo
9“Maererano nezvevaporofita zvandirwadza mumwoyo;
zvandisvika pamapfupa chaipo.
Ndaita somunhu araradza
somunhu adhakwa newaini
pamusana paTenzi
uye pamusanawo peshoko rake rinoera
10nokuti nyika yazara mhombwe,
pamusana pokurengererwa
nyika iri kuchema
uye mafuro okurenje aoma.
Chavo chavakananga kuipa chete,
simba ravo vachiripedzera
mukuita zvisina kururama.
11“Vose zvavo muporofita nomupristi
havambotya Mwari kunyange nomumba mangu
kuipa kwavo ndakakuona
ndizvo zviri kutaura Tenzi.
12“Naizvozvo kwavari ivo nzira yavo
ichava sotunzira tunotsvedza murima
mavachatinhirwa vachitsvedzemuka
nokuti ndichavapinza nhamo mugore rokurangwa kwavo,
ndizvo zvinotaura Tenzi.
13“Muvaporofita vokuSamaria,
ndakaona chinhu chisina musoro
chokuti vakaporofita naBhaari.
Vakateteresera vanhu vangu veIsiraeri kusiko.
14“Kana muvaporofita vomuJerusaremu
ndakaonawo chinhu chakaora kwazvo
chokuti vanoita upombwe
vachitevedza nhema zvadzo
vachitsigira vaiti vezvakaipa
zvokuti hapana anozopinduka
achisiyana nouipi hwake.
Kwandiri ini, vose zvavo
vaita seSodhomu,
navagari vacho vaita seGomora.
15“Naizvozvo Tenzi wehondo nehondo
ari kutaura nezvevaporofita ivavo achiti:
‘Chinzwa, ndichadyisa vanhu ivava gavakava,
ndichivapa mvura yokunwa ine chepfu
nokuti muvaporofita vomuJerusaremu
ndimo makabva
zvokurega kutya Mwari
zvikatekeshera nenyika iyoyi yose.’ ”
16Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Musateerere zvinorehwa navaporofita vanoporofita kwamuri vachikuzadzai nezvitarisiro zvisina maturo. Vanotaura nezviratidzo zvomusoro yavo zvisingabvi mumuromo waTenzi. 17Kune vanhu vanoshora shoko raTenzi vanoramba vachingovati, ‘Zvichakunakirai!’ Uye kune wosewo anenge achitevera zvomusoro wake, vanenge vachingoti, ‘Hapana chakaipa chichakuwira.’
18“Chiripo chaicho ndechokuti
pakati pavo, ndiani chaizvo,
akambopindawo mudare raTenzi
kundozvionera nokunzwa shoko rake,
kana kuti ndiani zvake
akamboteerera nokunzwa shoko rake?
19“Hero dutu remhepo raTenzi
rovhuvhuta rakashatirwa chaizvo
riri chamupupuri chaicho chine simba
chichaputikira pamusoro pavanhu vakaipa.
20“Hasha dzaTenzi hadzichadzoreki
kusvikira atopedza kuita
zvaakaronga mumwoyo make.
Mumazuva okupedzisira
uchanyatsonzwisisa.
21“Vaporofita ivavo
ini handina kuvatuma
asi ivo vari kumhanya.
Ini handina zvandakataura kwavari
asi ivo vari kuporofita.
22“Dai kuri kuti
vakambopindawo mudare rangu,
vangadai vakaparidza mazwi angu
kuvanhu vangu,
vangadaiwo vakavadzora munzira dzavo dzakaipa
nokuzviito zvavo zvakaipa.
23“Tenzi ari kuti ko ndiri Mwari ari pedyo chete, handisi Mwari ari kurewo here? 24Iye munhu angagone nhai kubva ahwanda munzvimbo dzokuvanda zvokubva ndatadza kumuona? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Handiti ini ndinozadza denga nenyika here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. 25Ndakazvinzwa zvinotaura vaporofita vachiporofita zvenhema muzita rangu vachiti, ‘Ndarotswa! Ndarotswa!’ 26Kusvikira riniko chaizvo mukati mavanhu muine vaporofita vanotaura zvenhema#23:26 Zvenhema: ChiHebheru chacho hachinyatsonzwisiki. vachiporofita zvomusoro wavo, 27vanoda kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu pamusana pezviroto zvavo zvavanotaurirana sezvakazoita madzibaba avo vakakanganwa zita rangu voyeuka raBhaari. 28Regai muporofita ane chaarota arotomoke zvake, asi munhu ane shoko rangu ngaaritaure sezvazviri. Musvo wekoroni namashanga hapana maenzanisiro aungazviite? Ndizvo zvinotaura Tenzi. 29Izwi rangu harina kuita somoto here, ndizvo zviri kutaura Tenzi kana senyundo inopwanya-pwanya mabwe? 30Naizvozvo chionai zviri kunzi naTenzi handiwirirani navaporofita ivavo vanobirana mashoko avanoti anobva kwandiri. 31Chinzwai, ini handiwirirani navaporofita vanoshandisa rurimi rwavo vachiti, ‘Zvanzi naTenzi,’ kana kuti, ‘Ndizvo zvinotaura Tenzi.’ 32Chinzwai, ini handiwirirani navanoporofita vanotaura kurotswa kwenhema. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vanozvitaura vachitungamirira vanhu vangu kusiri iko nenhema dzavo nokushaya hanya kwavo ini ndisina kumbovatuma kana kuvaudza kuti vaite. Naizvozvo hapana chavanombobatsira vanhu ava nacho. Ndizvo zvinotaura Tenzi.
Mutoro waTenzi
33“Kana mumwe munhu, muporofita kana mupristi, akubvunzai achiti, ‘Mutoro waTenzi ndoupi?’ Vataurirei kuti, ‘Iyemi ndimi mutoro wacho.’ Ini ndichakukandai kwakadaro, ndizvo zvinotaura Tenzi. 34Kana ari muporofita kana mupristi kunyange mumwe wavanhu ava anotaura achiti, ‘Mutoro waTenzi’ munhu iyeyo ndichamuranga iye nemba yake. 35Mose zvenyu muchazotaurirana mumwe nomumwe mugarisani nomugarisani wake, hama nehama muchiti, ‘Nhaimi, Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’ 36Asi regai kuzombodomazve mutoro waTenzi nokuti mutoro iwoyo ishoko rava kurehwa nomunhu wose. Zvino imi munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Tenzi wehondo nehondo, Mwari wedu. 37Muporofita wacho iyeyo mubvunzei kuti, ‘Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’ 38Asi kana uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ zvanzi naTenzi, pamusana pokutaura kwako ikoko kwokuti, ‘Mutoro waTenzi,’ ini ndakambokutumira yambiro yokuti, rega zvokutaura uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ 39naizvozvo chinzwa, ndichakusumudza ndigokukanda kure neni, iyewe neguta randakapa iwe namadzibaba ako. 40Ndichakuita chiseko chenyika narini wose chinhu chinonyadzisa zvokugara zvakadaro zvisingazokanganwiki.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 23: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.