Jeremiya 22
22
Shoko raMwari rakanangana nemba huru yokwaJudha
1Zvanzi naTenzi, “Dzika kumba yamambo wokwaJudha undotaurako shoko iri 2rokuti: ‘Iwe mambo wokwaJudha ugere pachigaro choumambo chokwaDhavhidhi, iwe namakurukota ako navanhu vako vanopinda napamisuo mikuru iyi, zvanzi naTenzi. 3Zvanzi naTenzi itai zvinhu zvine ruenzaniso, zvakarurama muchinunura munhu anenge apambwa mumaoko maanenge achimuonesa nhamo achimudzvanyirira. Uye musakanganisire kana kuitira utsinye mutorwa kana nherera kana chirikadzi kana kudeura ropa risina mhosva munzvimbo ino.’ 4Ndinodaro nokuti mukanyatsoteerera chaizvo shoko irori, pamisuo mikuru yemba ino iyi pachazopinda madzimambo achazogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi vari mungoro dzehondo napamabhiza, ivo namakurukota avo navanhu vavo. 5Asi kana mukarega kuteerera mazwi aya, zvanzi naTenzi, ndinopika neni pachangu kuti imba ino ichava dongo, 6nokuti zviri kutaura Tenzi zvinonangana nemba yamambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti:
“Kwandiri ini, iwe unoyevedza
senyika yokwaGireadhi kudai
uye somutunhu chaiwo wakakwirira weRebhanoni
asi ndichanyatsokuita gwenga zvaro,
guta risina ageremo.
7Ndichavarongera mharadzi dzokuvapadza
imwe neimwe nezvombo zvayo zvehondo.
Dzichatemera pasi
iyo misidhari yako yakaisvonaka
vagoikanda mumoto.
8“Marudzi avanhu akawanda achadarika napaguta irori, munhu wose achitaurirana nomumwe wake achiti, ‘Tenzi akadarirei chaizvo kubva aita chinhu chakadai kuguta iri rakakura sezvizvi?’ 9Ipapo vachapana mhinduro yokuti, ‘Chikonzero chacho ndechokuti vakafuratira chitenderano chaTenzi, Mwari wavo vakanamata vamwe vamwari vachivashandira.’ ”
Shoko rakanangana naJehoahazi
10Anenge afa musamucheme
kana kuchema nhamo yake
asi kuti motohwihwidza kuchema zvinosiririsa
uyo anoenda nokuti haachadzokizve
kuzoona nyika yaakaberekerwa
11nokuti zvanzi naTenzi nezvaSharumu
naSharumu mwanakomana waJosiya
mambo wokwaJudha uya akazotonga
panzvimbo yababa wake Josiya,
Sharumu uya akazoenda
achibva kunzvimbo kuno,
“Haasi kuzombodzokazve kuno.
12Asi kuti kwaanenge
aendwa naye senhapwa,
ndokwaachafira ikoko
uye nyika ino haazombofa akaionazve.”
Shoko rakanangana naJehoyakimu
13Ane nhamo munhu
anovaka imba yake nokusarurama,
dzimba dzake dzemunhurikidzwa
achidzivaka nezvinhu zvisiri pamutemo
achiita kuti mumwe amushandire pasina,
asina kana chaanomutambirisa
14achizviti, “Regai ndizvivakire zimba gurusa,
rine munhurikidzwa ine dzimba dzakafara kwazvo.”
Izvozvo anoichekera muhwindo
achiiti kumadziro uku
tsveete kuroverera musidhari
nokuipenda nependi tsvuku.
15Heya wava kutofungawo kuti
uri mambowo nhai
pamusana pokukwikwidzana navamwe
nezvomusidhari izvozvi izvi?
Handiti baba vako
vaidya nokunwa vachiita zvinhu
zvine ruenzaniso zvakarurama?
Saka zvinhu zvakavafambirawo zvakanaka.
16Vaitonga zvichemo zvavarombo
nezvavasina chavanacho
zvikabva zvavafambira zvakanaka.
Zvanzi naTenzi,
“Hakusiri iko kundiziva here ikoko?
17“Asi meso nomwoyo wenyu
zviri pakubiridzira chete
nokudeura ropa risina mhosva
nokuita udzvinyiriri noutsinye.
18“Ndokusaka Tenzi achitaura nezvaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo weJudha achiti:
“Havasi kuzombomuchema. Vachiti,
‘Maiwe-e hama yangu!’
Kana kuti, ‘Yowe-e hanzvadzi kani!’
Havasi kuzombozviita zvokuchema vachiti,
‘Maiwe-e kani Tenzi!’
Kana kuti, ‘Changamire kani!’
19“Achavigwa sedhongi zvaro
achiita zvokuzvuzvurudzwa napasi
agonzi hupukupu kukandwa
kunze kwemisuo mikuru yeJerusaremu.”
Shoko rokuparara kweJerusaremu
20Kwira kuRebhanoni uridze mhere
ubongomore uri kuBhashani
uridze mhere uri kuAbharimu
nokuti vadiwa vako vose vaparadzwa.
21Ndakataura newe uchakagarika,
asi iwe wakati,
“Zvokuteerera, handidi!”
Ndiwo maitiro ako
kubvira pauduku hwako
okurega kuteerera inzwi rangu.
22Mhepo ndoichafudza vafudzi vako vose.
Vadiwa vako vose vachaendeswa kuutapwa.
Ipapo uchanyara uchikangaidzwa nazvo,
pamusana pouipi hwako hwose.
23Iwe chidza cheRebhanoni
nyakurererwa mudendere pakati pemisidhari
uchanzwisa tsitsi pauchabatwa namarwadzo,
marwadzo soumukadzi
ari pakusununguka mwana.
Zvakatemerwa Jehoyakimu naMwari
24“Zvanzi naTenzi, hezvino ndiripo kudai, kunyange zvazvo iye Koniya mwanakomana waJehoyakimu mambo wokwaJudha ariye ringi rechidhindo rokuruoko rworudyi rwangu asi ini ndichakubvarura 25ndigokuisa mumaoko avanotsvaka kupfuudza upenyu hwako, mumaoko aivo vaunotya, mumaoko aNebhukadhireza mambo weBhabhironi uye mumaoko mevanhu vechiKaridhea. 26Iwe namai vakakubereka ndichakukandai kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa ikoko ndokwamuchafira. 27Asi kunyika kuno kwavanenge vosuwira kudzokera, havasiri kuzodzokerako.
28“Ko iye Koniya wava
munhu akashoreka here
kana kuti hari zvayo yakaputsika,
mudziyo usina ani anouchengeta?
Ko iye navana vake vanzarirwei
kubva vakandwa kunyika yavasingazive?”
29Nhai nyika! Nyika wee! Iwe nyika!
Teerera shoko raTenzi!
30Zvanzi naTenzi,
“Nyora munhu uyo
somunhu asina mwana,
munhu asingazofa akabudirira
mumazuva ake oupenyu
nokuti hapana nomumwe
wechizvarwa chake achazombogara
pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi
achitongazve kwaJudha.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 22: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.