Jakobo 3
3
Rurimi runofanira kudzorwa.
1Hama dzaŋgu, musaʋa ʋadzidzisi ʋazhinji, ɀamunoziʋa kuti ticatoŋgwa nokupfuʋurisa. 2Nokuti tinogumburwa tose paɀinhu ɀizhinji. Kana munhu asiŋgagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muʋiri wose ʋo. 3Ɀino kana ticiisa matare amabiza mumiromo yawo, kuti atiterere, tinodzora ʋo muʋiri wawo wose. 4Tarirai magwa makuru, kunyaŋge ari makuru akaɗai, acidziŋgwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa necidzoreso ciɗuku‐ɗuku kwose‐kwose nokuɗa kwomŋoyo womufambisi wawo. 5Saiɀoɀo ʋo rurimi mutezo muɗuku, runoɀirumbidza ɀikuru. Tarirai, mŋoto muɗuku unotuŋgidza huni zhinji sei! 6Rurimi mŋoto, rwakaita se nyika izere neɀisakarurama; ndiɀo ɀakaita rurimi pakati pemitezo yeɗu, runoȿiɓisa muʋiri wose, runotuŋgidza nzira yose yoʋupenyu, runotuŋgidzwa irwo neGehena. 7Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neeɀinokambaira, neeɀiri muguŋgwa aŋgapiŋgudzwa, ʋuye akambopiŋgudzwa naʋanhu; 8asi hakunomunhu uŋgapiŋgudza rurimi; ndico cinhu cakaipa cinoshanduka‐shanduka, cizere nomuti unoʋuraya. 9Narwo tinorumbidza Ishe Ƃaɓa; narwo tinotuka ʋanhu, ʋakaitwa nomufananidzo waMŋari; 10mumuromo mumŋe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzaŋgu, hatifaniri kuɗaro. 11Tsime rinoɓuɗisa pacituɓu cimŋe mvura inonaka neinoʋaʋa here? 12Hama dzaŋgu, muʋonde uŋgaɓereka maorivi, kana muzambiriŋga maʋonde here? Kunyaŋge nemvura inoʋaʋa haiŋgaɓuɗisi inonaka.
Kucenjera kunobʋa kumsoro.
13Ndiani pakati penyu wakacenjera, wakaŋgwara? Ŋgaaratidze nomufambire wake wakanaka maɓasa ake noʋunyoro bgoʋucenjeri. 14Asi kana munegoɗo rinoʋaʋa norukaʋe mumŋoyo menyu, musaɀirumbidza nokureʋera ɀokwaɗi nhema. 15Kucenjera uku hakuɓuruki kucibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomŋeya wakaipa. 16Nokuti panegoɗo norukaʋe, ndi’po panenyoŋganiso namaɓasa ose akaipa. 17Asi kucenjera, kunobva kumsoro, ɀikuru kwakacena, ʋuye kunorugare, kunyoro, kunoterera, kuzere neŋgoni neɀiɓereko ɀakanaka, kusiŋgatsauri kusiŋganyeŋgeri. 18Ciɓereko cokururama cinodɀarwa parugare naʋanoita rugare.
Zvasarudzwa nguva ino
Jakobo 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018