Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobo 4

4
Musafarira ɀenyika.
1Kurwa nokukakaʋara pakati penyu ɀinobvepiko? Haɀibvi pakuciʋa kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? 2Munociʋa, asi hamunecinhu; munoʋuraya, munogoɗorana, musiŋgagoni kuwana cinhu; munokakaʋara, mucirwa; hamunecinhu, nokuti hamukumbiri. 3Munokumbira, musiŋgapiwi; nokuti munokumbira ɀakaipa, kuti muɀiparadze pakuciʋa kwenyu. 4Imi ʋoʋutere, hamuziʋi here kuti ʋushamŋari bgenyika bgunoʋeŋgana naMŋari? Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe, unoɗa kuʋa shamŋari yenyika, unoɀiita muʋeŋgi waMŋari. 5Munofuŋga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruciti: Mŋeya, waakagarisa mukati meɗu unotishuʋa negoɗo? 6Asi unopa nyasha dzakapfuʋura. Saka Rugwaro runoti: Mŋari unodziʋisa ʋanoɀikudza, asi unopa nyasha ʋanoɀininipisa. 7Naiɀoɀo muɀiise pasi paMŋari: dziʋisai Diaborosi, agokutizai. 8Sweɗerai kunaMŋari, iye agosweɗera kwamuri. Shambai maʋoko enyu, imi ʋatadzi; natsai mŋoyo yenyu, imi munemŋoyo miʋiri. 9Shuwai, muceme, murire; kuseka kwenyu ŋgakushandurwe kuʋe kucema, nokufara kwenyu dziʋe shuŋgu. 10Muɀininipise pamberi paShe, agokukudzai.
Musatoŋgana nokutoŋga vamŋe.
11Hama dzaŋgu, musareʋerana ɀakaipa. Unoreʋera hama yake ɀakaipa, kana kutoŋga hama yake, unoreʋera murairo ɀakaipa nokutoŋga murairo; ɀino kana ucitoŋga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutoŋgi. 12Mumŋe cete ndiye mutemi womurairo nomutoŋgi, iye unogona kuponesa nokuparadza; asi iwe ndiwe aniko unotoŋga wokwako?
Ɀamaŋgwana haɀizikanwi.
13Nhai imi, munoti: Nhasi, kana maŋgwana ticaenda kuguta rokuti, tigogara’ko gore, ticishambadzira, tifume — 14imi musiŋgaziʋi ɀamaŋgwana. Ʋupenyu bgenyu cinyiko? Nokuti muri mhute, inoʋonekwa ŋguʋa ɗuku, ndokunyaŋgarika. 15Muŋgaɗai muciti: Kana Ishe aciɗa, ticararama tiite ɀokuti neɀokuti. 16Asi ɀino munoɀirumbidza pakuɀikudza kwenyu; kuɀirumbidza kwose kwakaɗai kwakaipa. 17Naiɀoɀo uyo, unoziʋa kuita ɀakanaka, akasaɀiita, iye uneɀiʋi.

Zvasarudzwa nguva ino

Jakobo 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda