Jakobo 5
5
Ʋafumi ʋasineŋgoni ʋanotukwa.
1Nhai, imi ʋafumi, cemai muridze mhere nokuɗa kwamaɗambudziko acakuwirai. 2Fuma yenyu yakaʋora, ŋguʋo dzenyu dzapera neɀiʋundudzi. 3Ndarama yenyu nesirveri yenyu ɀineŋgura; ŋgura yaɀo icakupupurirai ɀakaipa, icapedza nyama yenyu somŋoto. Makaɀiceŋgetera fuma pamazuʋa okupedzisira. 4Tarirai, muɓairo waʋaranda ʋenyu ʋakaceka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyeŋgera, unoɗanidzira; nokuɗana kwaʋaceki kwakaȿika kunzeʋe dzaShe wehondo. 5Makagara ɀinonaka panyika mucikarira ɀinofadza; makakodza mŋoyo yenyu nezuʋa rokuɓaya. 6Makatoŋgera wakarurama, mukamuʋuraya; haakudziʋisiyi.
Tsuŋgirirai kuȿikira Ishe aciʋuya.
7Naiɀoɀo hama dzaŋgu, tsuŋgirirai kuȿikira pakuʋuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira ciɓereko cenyika cinokosha, acitsuŋgirira pamsoro paɀo kuȿikira ɀapiwa mvura yokutaŋga neyokuguma. 8Nemi ʋo tsuŋgirirai; simbisai mŋoyo yenyu, nokuti kuʋuya kwaShe kwaʋa pedyo. 9Hama dzaŋgu, musanyunyutirana kuti murege kutoŋgwa; tarirai, mutoŋgi umire pamukoʋa. 10Hama dzaŋgu, pakutambudzika nokutsuŋgirira teʋerai makwara aʋaprofita ʋakataura nezita raShe. 11Tarirai, ʋakatsuŋga mŋoyo tinoti ʋakaropafadzwa; makanzwa ɀokutsuŋgirira kwaJobo, makaʋona Ishe ɀaakaʋaʋarira naye, kuti Ishe unomŋoyo munyoro kwaɀo, unetsitsi.
Musapika.
12Asi, hama dzaŋgu, kupfuʋura ɀinhu ɀose, musapika, kunyaŋge neɗeŋga, kana nenyika, kana nokupika kumŋe kwose; asi hoŋo, yenyu ŋgaiʋe hoŋo, kwete yenyu ŋgaiʋe kwete; kuti murege kutoŋgwa.
Kunyeŋgetera kunesimba.
13Kunomumŋe unotambudzika pakati penyu here? Ŋgaanyeŋgetere. Kunomumŋe unofara here? Ŋgaaimbe nziyo. 14Kunomumŋe unorwara pakati penyu here? Ŋgaaɗane ʋakuru ʋekereke; ŋgaʋamunyeŋgeterere, ʋamuzodze namafuta nezita raShe. 15Kunyeŋgetera kwokutenda kucaponesa unorwara, Ishe ucamumutsa; kana akaita ɀiʋi, ucaɀikaŋganwirwa. 16Naiɀoɀo reʋururanai ɀiʋi ɀenyu, munyeŋgetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu wakarurama kunesimba guru pakuɓata kwako. 17Eria wakaŋga ari munhu wakaita sesu, akanyeŋgetera nomunyeŋgetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemŋedzi mitanhatu. 18Akanyeŋgetera ɀe; ɗeŋga rikanisa mvura, nyika ikaɓereka ɀiɓereko ɀayo.
19Hama dzaŋgu, kana kunomunhu pakati penyu wakatsauka paɀokwaɗi, mumŋe akamudzora, 20ŋgaaziʋe kuti unodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, ucaponesa mŋeya parufu nokufukidza ɀiʋi ɀizhinji.
Zvasarudzwa nguva ino
Jakobo 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018