Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobo 2

2
Regai kutsaura ʋanhu.
1Hama dzaŋgu, kutenda kwenyu kunaShe weɗu Jesu Kristu, iye wokubginya, ŋgakurege kuʋa nokutenda ɀinoʋonekwa ɀomunhu. 2Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu unemhete yendarama, akapfeka ŋguʋo dzakanaka, mukapinda ʋo murombo, wakapfeka ŋguʋo dzakaipa; 3mukatarira uyo wakapfeka ŋguʋo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira papo, kana: Gara pasi pecitsiko cetsoka dzaŋgu; 4ko hamuna‐kutsaura mumŋoyo yenyu, mukaʋa ʋatoŋgi ʋanemifuŋgo yakaipa here? 5Inzwai, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa: Ko Mŋari haana‐kusanaŋgura ʋarombo ʋenyika here kuti ʋaʋe ʋafumi pakutenda, naʋadyi ʋenhaka yoʋushe bgaakapikira ʋanomuɗa? 6Asi imi makaɀidza murombo. Ko haʋazi ʋafumi ʋanokuremedzai, naiʋo ʋanokukwirirai kuɀigaro ɀokutoŋga here? 7Ko haʋazi iʋo ʋanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here? 8Asi ɀino kana mucizadzisa murairo woʋushe, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe, munoita ɀakanaka. 9Asi kana mucitenda ɀinoʋonekwa ɀomunhu, munoita ɀiʋi, munopiwa mhoȿa nomurairo mucinzi ʋaɗariki. 10Nokuti munhu unoceŋgeta murairo wose, akagumburwa kunecinhu cimŋe cete, waʋa nemhoȿa kuneɀose. 11Nokuti iye, wakati: Usaita ʋupombge, ndiye ʋo, wakati: Usaʋuraya. Ɀino, kana usiŋgaiti ʋupombge, asi uciʋuraya, waʋa muɗariki womurairo. 12Taurai, ʋuye itai saʋanhu ʋanozotoŋgwa nomurairo wokusunuŋgurwa. 13Nokuti kutoŋga hakuŋgaʋi neŋgoni kunousina‐kuitira ʋamŋe ŋgoni; ŋgoni dzinoɀirumbidza dzicikunda kutoŋga.
Kutenda kusinamaɓasa kwakafa.
14Ɀinoɓatsirei hama dzaŋgu, kana munhu aciti: Ndinokutenda, asi asinamaɓasa? Ko kutenda uko kuŋgamuponesa here? 15Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina‐ɀokufuka, unoshaiwa ɀokudya zuʋa rimŋe nerimŋe, 16mumŋe wenyu akati kwaʋari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musiŋgaʋapi iɀo ɀinoɗikanwa nomuʋiri, ɀinogoɓatsirei? 17Saiɀoɀo, ʋo, nokutenda kana kusinamaɓasa, kwakafa hako. 18Asi mumŋe uŋgati: Iwe unokutenda, neni ndinamaɓasa; ndiratidze kutenda kwako kusinamaɓasa, neni ndigokuratidza namaɓasa aŋgu kutenda kwaŋgu. 19Iwe unotenda kuti Mŋari ndiye mumŋe cete; unoita ɀakanaka; mŋeya yakaipa inotenda ʋo iɀoɀo, iciɗeɗera. 20Ɀino iwe munhu woʋupenzi, unoɗa kuziʋa here kuti kutenda kusinamaɓasa kwakafa? 21Ko Abrahama, ɓaɓa ʋeɗu, haana‐kururamiswa namaɓasa here, ŋguʋa yaakaɓayira mŋanakomana wake Isaka paartari? 22Unoʋona kuti kutenda kwake kwakaɓata pamŋe cete namaɓasa ake, ʋuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namaɓasa; 23rugwaro rukaitika, runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMŋari. 24Munoʋona kuti munhu unoruramiswa namaɓasa, haaruramiswi nokutenda ɓedzi. 25Saiɀoɀo ʋo, Rakabi, cifeʋe, haana‐kururamiswa here namaɓasa, ŋguʋa yaakaciŋgamidza nhume, nokuʋaendisa neimŋe nzira? 26Nokuti somuʋiri usinomŋeya wakafa, saiɀoɀo kutenda kusinamaɓasa kwakafa ʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Jakobo 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda