Ezekieri 38
38
Kuparadzwa kwaGogi.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti: 2Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kunaGogi, wenyika yaMagogi, mucinda waRoshi naMesheki naTubari, uprofite pamsoro pake, 3uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira ndinemhaka newe, iwe Gogi, mucinda waRoshi naMesheki naTubari; 4ndicakutsausa, nokukuisa ɀikokoʋono mushaya dzako; ndicakuɓuɗisa, iwe nehondo yako yose, mabiza naʋataȿi ʋamabiza, ʋose ʋakafuka ŋguʋo dzose dzokurwa, ɓoka guru ʋanenhoʋo huru nenhoʋo ɗuku, ʋose ʋakaɓata minondo; 5ʋaPersia naʋaKushi naʋaPuti pamŋe cete naʋo, ʋose ʋanenhoʋo neŋgowani dzokurwa; 6naGomeri namapoka ake ose, neimba yaTogarma kumatiʋi okumsoro‐soro, namapoka ake ose, marudzi mazhinji aʋanhu anewe. 7Gara wakaɀigadzira, ɀirokwaɀo uɀigadzire, iwe namapoka ako ose akaʋuŋgana kwauri, iwe uʋe mutuŋgamiriri waʋo. 8Kana mazuʋa mazhinji apfuʋura, ucashanyirwa; pamakore okupedzisira ucapinda munyika yakarwirwa pamunondo, yakaʋuŋganidzwa icibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa icibva kumarudzi aʋanhu, ʋose ʋacagara ɀakanaka. 9Ipapo iwe ucakwira, ucaʋuya seɗutu remhepo, ucaʋa segore rinofukidza nyika, iwe, namapoka ako ose, naʋanhu ʋazhinji ʋanewe. 10Ɀanzi naShe Jehova: Nezuʋa iro mŋoyo wako ucapindwa nemiraŋgariro, ucafuŋga zano rakaipa; 11ucati: Ndicaenda kunyika inemisha isina‐kuʋakirwa; ndicaenda kunaʋanorugare, ʋagere ɀakanaka, ʋose ʋagere ʋasinamaȿiŋgo, ʋasineɀipfigiso kana masuʋo; 12nditore’ko ɀandiŋgapamba neɀandiŋgatapa; kuti utambanudzire ruʋoko rwako kuzorwa nenɀimbo dzakaŋga dzaparadzwa dzinogarwa ɀino, nokurudzi rwakaʋuŋganidzwa kumarudzi aʋanhu, ʋakawana ɀipfuwo nefuma, ʋagere pakati penyika. 13Sheba neDedani naʋashambadziri ʋeTarshishi, pamŋe cete neshumba ɗuku dzose dza’po, ʋacati kwauri: Waʋuya kuzotora ɀakapambga here? Waʋunganidza ɓoka rako kuzotora ɀakatapxa here? Kuti utore sirveri nendarama, kuti utore ɀipfuwo nefuma, kuti utore ɀakapambga ɀizhinji here?
14Naiɀoɀo, mŋanakomana womunhu, profita uti kunaGogi: Ɀanzi naShe Jehova: Zuʋa iro kana ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri ʋacigara ɀakanaka, ko iwe hauŋgaɀiziʋi here? 15Ɀino iwe ucaʋuya, ucibva kuʋugaro bgako kumatiʋi okumsoro‐soro, iwe naʋanhu ʋazhinji ʋanewe, ʋose ʋakataȿa maɓiza, riri ɓoka guru nehondo inesimba; 16ucaʋuya kuzorwa naʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, wakaita segore rinofukidza nyika; ɀino namazuʋa okupedzisira ndicakuʋuyisa kuti urwe nenyika yaŋgu, kuti marudzi andiziʋe, kana ndaitwa mutȿene pakati pako, iwe Gogi, iʋo ʋaciɀiʋona. 17Ɀanzi naShe Jehova: Ko ndiwe wandakareʋa neŋguʋa yakare naʋaranda ʋaŋgu ʋaprofita ʋaIsraeri, ʋaiprofita namazuʋa iwayo ʋaciita makore mazhinji, kuti ndicakuʋuyisa kuzorwa naʋo here? 18Ɀino nezuʋa iro kana Gogi aciʋuya kuzorwa nenyika yaIsraeri, hasha dzaŋgu dzicakwira mumhino dzaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 19Nokuti ndakataura negoɗo raŋgu ʋuye nomŋoto wehasha dzaŋgu, ndiciti: Ɀirokwaɀo, nezuʋa iro kuzunuŋguka kukuru kucaʋa’po panyika yaIsraeri; 20nokuɗaro kuti hoʋe dzeguŋgwa, neshiri dzokuɗeŋga, nemhuka dzesaŋgo, neɀinokambaira ɀose ɀinokambaira panyika, naʋanhu ʋose ʋari pasi pose, ɀicazunuŋguka pamberi paŋgu, namakomo acawiswa pasi, namawere acawira pasi, noruȿiŋgo rumŋe norumŋe rucawira pasi. 21Ndicaɗana munondo uʋuye kuzorwa naye kumakomo aŋgu ose — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; munondo womunhu mumŋe nomumŋe ucarwa nehama yake. 22Ndicamutoŋga nehosha yakaipa neropa; ndicanisa pamsoro pake, napamsoro pamapoka ake, napamsoro pamarudzi mazhinji aʋanhu ʋanaye, mvura inoturuka, necimvuramabge cikuru, nomŋoto nesurferi. 23Ini ndicaɀikurisa, nokuɀiita mutȿene, nokuɀiziʋisa pamberi pamarudzi mazhinji; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 38: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018