Ezekieri 37
37
Ʋanhu ʋaJehova ʋacamutswa samafupa akawoma.
1Ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu, akandiɓuɗisa noMŋeya waJehova, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakaŋga uzere namafupa; 2akandipfuʋudza napakati pawo kumatiʋi ose; tarirai, aiʋa’po akawanda kwaɀo pakacena pamupata; ʋuye, tarirai, akaŋga akawoma kwaɀo. 3Akati kwandiri: Mŋanakomana, mafupa awa aŋgararama here? Ndikapindura, ndikati: Imi Ishe Jehova munoɀiziʋa. 4Ɀino akati kwandiri ɀe: Profita pamsoro pamafupa awa, uti kwaari: Imi mafupa akawoma, inzwai shoko raJehova. 5Ɀanzi naShe Jehova kumafupa awa: Tarirai, ndicapinza mŋeya mukati menyu, mucararama ɀe. 6Ndicaisa marunda pamsoro penyu, nokuʋuyisa nyama pamsoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mŋeya mukati menyu, murarame; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. 7Ipapo ndakaprofita seɀandakarairwa; ɀino ndakati ndiciprofita, mubvumo ukaʋa’po, ʋuye, tarira, kuɗeŋgenyeka kwenyika kwakaʋa’po ʋo; mafupa akasweɗerana, fupa rimŋe kunerimŋe fupa raro. 8Ndikatarira, wane marunda aʋa’po pamsoro pawo, nyama ikaʋuya, ganda rikaafukidza pamsoro payo; asi makaŋga musinomŋeya mukati mawo. 9Ipapo akati kwandiri: Profitera kumhepo, profita, mŋanakomana womunhu, uti kumhepo: Ɀanzi naShe Jehova: Ʋuya ucibva kumatiʋi manna anobva mhepo, iwe mŋeya, ufuridzire pamsoro paʋaʋa ʋakaʋurawa, kuti ʋararame. 10Ipapo ndakaprofita seɀaakandiraira, mŋeya ukapinda mukati maʋo, ʋakararama, ʋakamira netsoka dzaʋo, iri hondo huru kwaɀo. 11Ɀino akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, mafupa awa ndiyo imba yose yaIsraeri. Tarira iʋo ʋanoti: Mafupa eɗu awoma, tariro yeɗu yaenda, taparadzwa cose. 12Naiɀoɀo profita, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicazarura marinda enyu, ndicakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi ʋanhu ʋaŋgu; ndicakuȿitsai munyika yaIsraeri. 13Mucaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndazarura marinda enyu, ndikakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi ʋanhu ʋaŋgu. 14Ndicaisa Mŋeya waŋgu mukati menyu, murarame, ndicakuisai munyika yenyu; ɀino mucaziʋa kuti ini Jehova ndakaɀitaura ndikaɀiita — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
15Shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: 16Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, tora rutanda rumŋe, unyore pamsoro parwo, uti: ⱿaJuda, neɀaʋana ʋaIsraeri shamŋari dzake; ipapo utore rumŋe rutanda, unyore pamsoro parwo, uti: ⱿaJosefa, rutanda rwaEfraimi, neɀeimba yose yaʋaIsraeri shamŋari dzake; 17ɀino uɀiɓatanidzire matanda iwawo, ruʋe rutanda rumŋe, ruʋe rumŋe muruʋoko rwako. 18Ɀino kana ʋana ʋaʋanhu ʋako ʋakataura newe ʋaciti kwauri: Hauŋgatiziʋisi ɀaunoɗakuratidza neɀinhu iɀi here? 19Iwe uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicatora rutanda rwaJosefa, ruri muruʋoko rwaEfraimi, namarudzi aIsraeri shamŋari dzake; ndicaʋaisa kwaruri, kurutanda rwaJuda, ndiʋaite rutanda rumŋe, ʋacaita rumŋe muruʋoko rwaŋgu. 20Ɀino matanda aunonyora pamsoro pawo anofanira kuʋa muruʋoko rwako ʋaɀiʋone. 21Ipapo uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicabvisa ʋana ʋaIsraeri pakati pamarudzi, kwaʋakaenda, ndicaʋaʋuŋganidza ʋabve kumatiʋi ose, ndiʋaise kunyika yaʋo; 22ndicaʋaita rudzi rumŋe panyika, pamakomo aIsraeri; mambo mumŋe ucaʋa mambo waʋose, haʋaŋgazoʋi marudzi maʋiri, ʋuye haʋaŋgatoŋgozoʋi ʋushe ʋuʋiri bgakaparadzana; 23haʋaŋgazoɀiȿiɓisi neɀifananidzo ɀaʋo, kana neɀinhu ɀaʋo ɀinosemesa, kana necinhu cipi necipi caʋanoɗarika naco; asi ndicaʋaponesa pose paʋagere, paʋaitadza, nokuʋanatsa; saiɀoɀo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo. 24Muranda waŋgu Davidi ucaʋa mambo waʋo; ʋose ʋacaʋa nomufudzi mumŋe; ʋacafamba ʋo neɀandakaraira, nokuceŋgeta mitemo yaŋgu, ʋaciiita. 25Ʋacagara munyika yandakapa Jakobo muranda waŋgu, maigara madziɓaɓa enyu; ʋacagara’mo, iʋo naʋana ʋaʋo, naʋana ʋaʋana ʋaʋo, nokusiŋgaperi; Davidi muranda waŋgu ucaʋa mucinda waʋo nokusiŋgaperi. 26Ndicaita ʋo suŋgano yorugare naʋo, icaʋa suŋgano isiŋgaperi naʋo; ndicaʋaisa’po, nokuʋawanza, nokuisa nɀimbo yaŋgu tȿene pakati paʋo nokusiŋgaperi. 27Tabernakeri yaŋgu ʋo icaʋa pakati paʋo; ini ndicaʋa Mŋari waʋo, naiʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu. 28Ɀino marudzi acaziʋa kuti ndini Jehova, unoita ʋaIsraeri ʋatȿene, kana nɀimbo yaŋgu tȿene iri pakati paʋo nokusiŋgaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 37: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018