Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 36

36
Israeri ʋacaropafadzwa.
1Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, profita pamsoro pamakomo aIsraeri, uti: Imi makomo aIsraeri, inzwai shoko raJehova. 2Ɀanzi naShe Jehova: Muʋeŋgi wako ɀaakati pamsoro pako: Toko! ʋuye: Nɀimbo dzakakwirira dzekare inhaka yeɗu; 3naiɀoɀo profita, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Nemhaka iyi, ɀaʋakakuitai ɗoŋgo, nokukumedzai kumatiʋi ose, kuti muʋe nhaka yamarudzi aʋanhu akasara, ɀamakarebga nemiromo yaʋanotaura, mukaitirwa makuhwa naʋanhu; 4naiɀoɀo, imi makomo aIsraeri, inzwai shoko raShe Jehova: Ɀanzi naShe Jehova kumakomo nokuɀikomo nokuhoʋa nokumipata nokunɀimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiyiwa, aʋa cinhu cinopambga necinosekwa namarudzi akasara anoapoteredza; 5naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀirokwaɀo, ndakataura nomŋoto wegoɗo raŋgu pamsoro paʋakasara ʋamarudzi napamsoro peEdomi rose, iʋo ʋakaɀitorera nyika yaŋgu ʋaciti iʋe nhaka yaʋo, ʋaciŋgofara nomŋoyo waʋo wose ʋacishoʋora nemŋeya yaʋo, kuti ʋairashire kure ipambge. 6Naiɀoɀo profita pamsoro penyika yaIsraeri, uti kumakomo nokuɀikomo, nokuhoʋa nokumipata: Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai ndakataura negoɗo raŋgu nokutsamŋa kwaŋgu, nokuti makashoʋorwa namarudzi; 7naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ndakapika ndiciti: Ɀirokwaɀo marudzi anokupoteredza kwose, ndiwo acashoʋorwa. 8Asi imi, makomo aIsraeri, mucaɓuɗisa mataʋi enyu, nokuɓerekera ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri ɀiɓereko ɀenyu; nokuti ʋoɗo‐kuȿika. 9Nokuti tarirai, ndinemi, ndicatsaukira kwamuri, mucarimŋa nokudɀarwa; 10ndicawanza ʋanhu pamsoro pako, iyo imba yose yaIsraeri, iʋo ʋose; maguta acagarwa, namatoŋgo acaʋakwa; 11ndicawanza pamsoro penyu ʋanhu neɀipfuwo, ʋacawanda nokuɓereka; ndicagarisa ʋanhu mukati menyu, seɀamakaŋga makaita kare, nokukuitirai ɀakanaka ɀinopfuʋura ɀapakuʋamba kwenyu; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. 12Ɀirokwaɀo, ndicafambisa ʋanhu pamsoro penyu, iʋo ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; ʋacakuita waʋo, ucaʋa nhaka yaʋo, kubva ɀino hauŋgazoʋatoreri ʋana ʋaʋo. 13Ɀanzi naShe Jehova: Ɀaʋanoti kwauri: Iwe uri nyika inopedza ʋanhu, wakatorera rudzi rwako ʋana; 14naiɀoɀo haucazopedzi ʋanhu, kana kuzotorera rudzi rwako ʋana — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; 15handicazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, hauŋgazoshoʋorwi naʋanhu, hauŋgazogumbusi rudzi rwake — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
16Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: 17Mŋanakomana womunhu, ŋguʋa yaʋakagara panyika yaʋo, imba yaIsraeri yakaiȿiɓisa nomufambire waʋo neɀaʋaiita; mufambire waʋo pamberi paŋgu wakaŋga wakaita setȿina yomukadzi uri kumŋedzi kwake. 18Naiɀoɀo ndakateʋurira hasha dzaŋgu pamsoro paʋo nemhaka yeropa raʋakateʋurira pamsoro penyika, ɀaʋakaiȿiɓisa neɀifananidzo ɀaʋo; 19ndikaʋaparadzira pakati pamarudzi, ʋakadziŋgirwa kunyika dzose; ndakaʋatoŋga ɀakafanira mufambire waʋo neɀaʋakaita. 20Ɀino ʋakati ʋaciȿika kumarudzi, kwaʋakaenda, ʋakamhura zita raŋgu dɀene, nokuti ʋanhu ʋakati pamsoro paʋo: Aʋa ndiʋo ʋanhu ʋaJehova, ʋakaɓuɗa panyika yake. 21Asi ndakaŋga ndinehanya nezita raŋgu dɀene, rakaŋga ramhurwa neimba yaIsraeri pakati pamarudzi kwaʋakaenda. 22Naiɀoɀo citi kuimba yaIsraeri: Ɀanzi naShe Jehova: Handiiti cinhu ici nokuɗa kwako, iwe imba yaIsraeri, asi nokuɗa kwezita raŋgu dɀene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda. 23Zita raŋgu guru ndicariita dɀene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imi pakati paʋo; ɀino marudzi acaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandicaitwa mutȿene mamuri pamberi paʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 24Nokuti ndicakubvisai pakati pamarudzi, nokukuʋuŋganidzai kunyika dzose, ndikuisei kunyika yenyu. 25Ndicasasa mvura yakacena pamsoro penyu, muʋe ʋakacena; ndicakunatsai matȿina enyu ose neɀifananidzo ɀenyu ɀose. 26Ndicakupai ʋo mŋoyo mutȿa, nokuisa mukati menyu mŋeya mutȿa; ndicabvisa mŋoyo webge panyama yenyu, ndikupei mŋoyo wenyama. 27Ʋuye ndicaisa Mŋeya waŋgu mukati menyu, nokukufambisai nemitemo yaŋgu; mucaceŋgeta ɀandakaraira nokuɀiita. 28Mucagara munyika yandakapa madziɓaɓa enyu; mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari wenyu. 29Ndicakuponesai patȿina yenyu yose; ndicaɗana ɀiyo, nokuɀiwanza, handiŋgakuremedziyi nenzara. 30Ndicawanza ɀiɓereko ɀemiti, neɀinomera paminda, kuti murege kuzoshoʋorwa namarudzi aʋanhu ɀicinzi munenzara. 31Ipapo mucaraŋgarira mufambire wenyu wakaipa, neɀamakaita ɀisino‐kunaka; mucaɀisema mumene pamsoro peɀakaipa ɀenyu neɀinonyaŋgadza ɀenyu. 32Handiiti iɀoɀi nokuɗa kwenyu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — muziʋe iɀoɀo; nyarai muʋe nenyadzi pamsoro pomufambire wenyu, imi imba yaIsraeri. 33Ɀanzi naShe Jehova: Nezuʋa randicakunatsai paɀakaipa ɀenyu ɀose, ndicagarisa ʋanhu mumaguta, namatoŋgo acaʋakwa. 34Nyika yakaŋga iri ɗoŋgo icarimŋa, iyo yakaŋga iri ɗoŋgo pamberi paʋose ʋaipfuʋura napo. 35Ipapo ʋacati: Nyika iyi yaiʋa ɗoŋgo, yafanana nomunda weEdeni; maguta akaŋga akaparadzwa akasiyiwa aiʋa matoŋgo, iwo aʋakirwa ogarwa. 36Ipapo marudzi akasara kumatiʋi enyu ose acaziʋa kuti ini Jehova, ndini ndakaʋaka nɀimbo idzo dzaiʋa matoŋgo, ndikasima ɀe pakaŋga pakaparadzwa; ini Jehova ndakaɀitaura, ndicaɀiita.
37Ɀanzi naShe Jehova: Asi ndinoɗa kukumbirwa cinhu ici neimba yaIsraeri, kuti ndiʋaitire iɀoɀo; ndicaʋawanzira ʋanhu, ʋaʋe seɓoka ramakwai. 38Seɀakaita ɓoka ramakwai anoɓayirwa Jehova, seɀakaita ɓoka ramakwai paJerusarema pamitambo yakatarwa, saiɀoɀo maguta aiʋa matoŋgo acazadzwa namapoka aʋanhu; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 36: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda