Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 39

39
1Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, profita pamsoro paGogi, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Gogi, mucinda waRoshi, naMesheki naTubari; 2ndicakutsausa, nokukutuŋgamirira, nokukuʋuyisa ucibva kumatiʋi okumsoro‐soro; ndicakuȿitsa pamakomo aIsraeri; 3ndicaroʋa ʋuta bgako ʋubve muruʋoko rwako rworuɓoshwe, nokuwisa miseʋe yako iri muruʋoko rwako rworudyi. 4Ucaparadzwa pamakomo aIsraeri, iwe namapoka ako ose, namarudzi aʋanhu anewe; ndicakupa iwe shiri dzamakondo dzamarudzi ose, neɀikara ɀesaŋgo, kuti udyiwe naɀo. 5Ucawira pakacena paɓani; nokuti ini ndakaɀitaura — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 6Ndicatuma mŋoto kunaMagogi, nokunaʋagere ɀakanaka paɀiwi; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova. 7Ndicaziʋisa zita raŋgu dɀene pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; handicatenderi kuti zita raŋgu dɀene rimhurwe; marudzi aʋanhu acaziʋa kuti ndini Jehova, iye Mutȿene waIsraeri. 8Tarirai, ɀinoʋuya, ɀicaitwa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndiro zuʋa randareʋa. 9Ʋagere pamaguta aIsraeri ʋacaɓuɗa, ʋacaʋesa mŋoto nenhumbi dzokurwa nokudzipisa, ɀinoti nhoʋo ɗuku nenhoʋo huru, noʋuta nemiseʋe, netȿimbo namapfumo; ʋacaʋesa mŋoto naɀo ʋaciita makore manomŋe; 10naiɀoɀo haʋaŋgandotori huni kusaŋgo, kana kundodzitema kumatondo, nokuti ʋacaʋesa mŋoto nenhumbi dzokurwa; ʋacaparadza ʋaiʋaparadza, nokupamba ʋaiʋapamba — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
11Ɀino nezuʋa iro ndicapa Gogi nɀimbo yamarinda pakati paIsraeri, iwo mupata waʋafambi kurutiʋi rwamabvazuʋa rweguŋgwa; iɀeɀo ɀicadziʋisa ʋanopfuʋura napo; ipapo ʋacaʋiga Gogi naʋanhu ʋake ʋazhinji ʋose, ndokupatumidza zita rinonzi Hamoni‐Gogi. 12Imba yaIsraeri icapedza mŋedzi minomŋe iciʋaʋiga, kuti ʋanatse nyika. 13Ɀirokwaɀo, ʋanhu ʋose ʋenyika ʋacaʋaʋiga; icaʋa mbiri kwaʋari nezuʋa randicakudzwa naro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 14Ʋacatsaura ʋanhu ʋanoɓata misi yose, ʋacapota nenyika pamŋe cete naʋanopfuʋura napo, ʋaciʋiga ʋakasiyiwa pacena, kuti ʋanatse nyika; kana mŋedzi minomŋe yapera ʋacacerekedza pose. 15Ʋanopfuʋura nap nyika ʋacapfuʋura haʋo; ɀino aninani kana aciŋge aciʋona fupa romunhu, ucaisa’po ciratidzo, kuȿikira ʋaʋigi ʋaciriʋiga pamupata waHamoni‐Gogi. 16Hamona ricaʋa zita ʋo reguta. Saiɀoɀo ʋacanatsa nyika.
17Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, ɀanzi naShe Jehova: Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesaŋgo, uti: Ʋuŋganai, muʋuye; muʋuŋgane mucibva kumatiʋi ose, muʋuye kuciɓayiro caŋgu candinokuɓayirai, ciɓayiro cikuru pamakomo aIsraeri, kuti mudye nyama nokunwa ropa. 18Mucadya nyama yaʋanesimba, nokunwa ropa ramacinda enyika, ramakondobge, neramakwaiana, nerembudzi, nerenzombe, ɀose ɀiri ɀakakodzwa ɀeBashani. 19Mucadya ɀakakora kuȿikira maguta, nokunwa ropa kuȿikira maɓatwa, ɀeciɓayiro candakakuɓayirai. 20Mucaguta patafura raŋgu namabiza neŋgoro, naʋanhu ʋanesimba, naʋarwi ʋamarudzi ose — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 21Ndicaisa mbiri yaŋgu pakati pamarudzi aʋanhu, marudzi ose acaʋona kutoŋga kwandakaita, noruʋoko rwaŋgu rwandakaisa pamsoro paʋo. 22Naiɀoɀo imba yaIsraeri icaziʋa kuti ndini Jehova Mŋari waʋo, kubva pazuʋa iro ɀicienda mberi. 23Marudzi ose acaziʋa kuti imba yaIsraeri yakatapxa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋo, nokuti ʋakandiɗarikira, ndikaʋaʋanzira ciso caŋgu; naiɀoɀo ndakaʋaisa mumaʋoko aʋadziʋisi ʋaʋo, ʋakaparadzwa ʋose nomunondo. 24Ndakaʋaitira ɀakafanira kusanaka kwaʋo nokuɗarika kwaʋo, ndicaʋaʋanzira ciso caŋgu.
25Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀino ndicadzosa kutapxa kwaJakobo, nokunzwira imba yose yaIsraeri nyasha; ndicashiŋgairira zita raŋgu dɀene. 26Ʋacaʋa nemhoȿa yokunyadziswa kwaʋo neyokuɗarika kwaʋo kwaʋakandiɗarikira nako, kana ʋacizogara ɀakanaka panyika yaʋo, kusina‐unozoʋatyisa; 27kana ndaʋadzosa kumarudzi aʋanhu, nokuʋaʋuŋganidza kunyika dzaʋaʋeŋgi ʋaʋo, ndikaɀiita mutȿene pamberi pamarudzi mazhinji. 28Ipapo ʋacaziʋa kuti ndini Jehova Mŋari waʋo, ɀandakaʋatapisa pakati pamarudzi, ndikaʋaʋuŋganidzira ɀe munyika yaʋo; handiŋgatoŋgozosiyi mumŋe waʋo’po; 29ʋuye handiŋgazoʋaʋanziri ciso caŋgu; nokuti ndakaɗurura Mŋeya waŋgu pamsoro peimba yaIsraeri — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 39: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda