Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 27

27
Artari yokupisira.
1Unofanira kuita artari nomuakasia; kureɓa kwayo makubiti mashanu, noʋupamhi bgayo makubiti mashanu; artari ŋgaiʋe nenhiʋi inna dzakaenzana; kukwirira kwayo ŋgakuʋe makubiti matatu. 2Uite ʋo nyaŋga dzayo pamakona ayo manna; nyaŋga dzayo dziʋe cinhu cimŋe nayo; uifukidze nendarira. 3Uiitire hari dzokubvisa maɗota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, neɀikokoʋonho ɀenyama, neɀaeŋga ɀomŋoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira. 4Unofanira kuiitira ʋo cakarukwa cendarira cakarukwa samambure; pamambure uite ɀindori ɀinna ɀendarira pamakona awo manna. 5Uɀiise pasi pecitsiko ceartari cakaipotedza necenyasi, kuti mambure aȿikire pakati peartari. 6Uitire artari matanda omuakasia, ugoafukidza nendarira. 7Matanda iwayo aiswe muɀindori, matanda agoʋa panhiʋi mbiri dzeartari kana ʋoitakura. 8Uiite namapuraŋga, isaʋa necinhu mukati, seɀawakaratidzwa mugomo, uiite saiɀoɀo.
Ruʋazhe rwetabernakeri.
9Unofanira kuita ʋo ruʋazhe rwetabernakeri; kurutiʋi rwezasi, rwakatarira zasi, ŋgakuʋe nemiceka yakarembedzwa yakaiȿo‐naka, yakarukwa; kureɓa kwayo makubiti anezana kurutiʋi rumŋe; 10ŋgapaʋe nembiru dzinamakumi maʋiri, neɀigadziko ɀadzo ɀinamakumi maʋiri, ɀendarira, neɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ɀiʋe ɀesirveri. 11Saiɀoɀo ʋo kurutiʋi rwokumsoro rwakareɓa ŋgapaʋe ʋo nemiceka yakarembedzwa, kureɓa kwayo makubiti anezana; nembiru dzayo dzinamakumi maʋiri, neɀigadziko ɀadzo ɀinamakumi maʋiri, ɀendarira; ɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ŋgaɀiʋe ɀesirveri. 12Paʋupamhi bgoruʋazhe kurutiʋi rwamaʋirazuʋa panofanira kuʋa nemiceka yakarembedzwa inamakubiti makumi mashanu, nembiru dzinegumi neɀigadziko ɀadzo ɀinegumi. 13Napaʋupamhi bgoruʋazhe kurutiʋi rwamabvazuʋa, kunotarira kumabvazuʋa, ŋgakuʋe namakubiti anamakumi mashanu. 14Miceka yakarembedzwa kurutiʋi rumŋe rwesuʋo inofanira kuʋa namakubiti anegumi namashanu, nembiru dzayo nhatu neɀigadziko ɀadzo ɀitatu. 15Nokunorumŋe rutiʋi ŋgapaʋe nemiceka yakarembedzwa inamakubiti anegumi namashanu, nembiru dzayo nhatu, neɀigadziko ɀadzo ɀitatu. 16napasuʋo roruʋazhe ŋgapaʋe necidzitiro cinamakubiti anamakumi maʋiri ceɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romusoni unogona, nembiru dzaco inna neɀigadziko ɀadzo ɀinna. 17Mbiru dzose dzoruʋazhe dzakapotedza ŋgadziʋe neɀindori ɀesirveri, neɀikorekedzo ɀadzo ɀesirveri, neɀigadziko ɀadzo ɀendarira. 18Kureɓa kworuʋazhe kunofanira kuʋa makubiti anezana, noʋupamhi makubiti makumi mashanu kwose, nokukwirira makubiti mashanu; ɀiitwe nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, neɀigadziko ɀadzo ɀendarira. 19Nhumbi dzose dzetabernakeri dzamaɓasa ayo ose, nembambo dzayo dzose, nembambo dzose dzoruʋazhe ŋgadziʋe dzendarira.
20Unofanira kuraira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaʋuye kwauri namafuta omuorivi akaiȿo‐naka akaȿinhiwa omŋenje, kuti avenekese mŋenje ŋguʋa dzose. 21Mutente rokusoŋgana, kunze kwecidzitiro ciri pamberi pecipupuriro, Aroni naʋanakomana ʋake ŋgaʋaugadzire’mo pamberi paJehova, kubva pamaɗekwana kuȿikira maŋgwanani; ŋgauʋe mutemo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 27: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda