Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 28

28
Ŋguʋo dzoMuprista Mukuru.
1Ɀino usweɗedze kwauri Aroni, mukuru wako, naʋanakomana ʋake pamŋe cete naye, ʋaɓuɗe pakati paʋana ʋaIsraeri, kuti andishumire paɓasa roʋuprista, ʋanoti, Aroni, naNadabi, naAbihu, naEreazari, naItamari, iʋo ʋanakomana ʋaAroni. 2Uitire Aroni, mukuru wako, ŋguʋo tȿene, akudzwe nadzo, ʋuye bguʋe ʋukomba. 3Utaure naʋose ʋanemŋoyo yakacenjera, ʋandakazadza nomŋeya woʋucenjeri, kuti ʋaitire Aroni ŋguʋo dzokumuita mutȿene nadzo, kuti andishumire paɓasa roʋuprista. 4Ŋguʋo dzaʋanofanira kuita ndidzo: Homboɗo yecifuʋa, neefodi, nejasi, neŋguʋo yakarukwa, neŋgoani, nebanhire; ŋgaʋaitire Aroni, mukoma wako, naʋanakomana ʋake ŋguʋo tȿene, kuti andishumire paɓasa roʋuprista. 5Ŋgaʋatore ndarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka.
6Efodi ŋgaʋaiite nendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romuɓati wakacenjera. 7Ŋgaiʋe namabande maʋiri pamafudzi akaɓatanidzwa pamiromo yayo miʋiri; kuti iɓatanidzwe saiɀoɀo. 8Nebanhire rakarukwa nomuɓati wakacenjera, riri pamsoro payo, rokuisuŋga naro, ŋgariitwe saiyo, ʋuye ciʋe cinhu cimŋe cete nayo, iitwe nendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa. 9Utore ʋo mabge maʋiri eoniksi, ugonyora pamsoro pawo mazita aʋana ʋaIsraeri, 10mazita matanhatu pabge rimŋe, namazita matanhatu akasara panerimŋe ibge ɀe, pakuɀarwa kwaʋo. 11Unyore pamabge iwayo maʋiri, seɓasa romuʋezi wamabge, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, mazita aʋana ʋaIsraeri; uanyudze muɀiruʋa ɀendarama. 12Ɀino uise mabge iwayo maʋiri pamabande apamafudzi eefodi, kuti aʋe mabge okuraŋgaridza ʋana ʋaIsraeri; Aroni ŋgaatakure mazita awo pamberi paJehova pamafudzi ake maʋiri, ciʋe cokuraŋgaridza.
13Unofanira kuita ʋo ɀiruʋa ɀendarama, 14neɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakaiȿo‐naka; uɀiite sorwonzi rwakakoshwa, ugoisa ɀiketani iɀo ɀakamoniwa paɀiruʋa iɀoɀo. 15Unofanira kuita ʋo homboɗo yecifuʋa yokutoŋga, riʋe ɓasa romuɓati wakacenjera; uiite ifanane neefodi, uiite nendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa. 16Ŋgaiʋe nenhiʋi inna dzakaenzana, dzakaita mheto mbiri; kureɓa kwayo kuite sapanoȿika minwe, noʋupamhi bgayo sapanoȿika minwe ʋo. 17Uise mukati mayo ɀiruʋa ɀinamabge, misara minna yamabge; mumŋe musara uʋe nesardio, netopasi, nekarbunkeri. Ndiwo musara wokutaŋga. 18Pamusara wecipiri smaragdino, nesafiri, nedaimani; 19pamusara wecitatu hiakinti, neagati, neametisi; 20pamusara wecinna beriri neoniksi, nejaspiri; ŋgaapotedzwe nendarama muɀiruʋa ɀawo. 21Mabge iwayo ŋgaaʋe namazita aʋana ʋaIsraeri anegumi namaʋiri, seɀinoita mazita aʋo; ŋgaaʋe namarudzi anegumi namaʋiri, rimŋe nerimŋe riʋe nezita raro, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa. 22Napahomboɗo yecifuʋa unofanira kuita ɀiketani ɀakafanana norwonzi, ɀendarama yakamoniwa yakaiȿo‐naka. 23Uite ʋo pahomboɗo yecifuʋa ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoisa ɀindori iɀo ɀiʋiri pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa. 24Ɀino uise ɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakamoniwa paɀindori ɀiʋiri ɀiri pamiceto yehomboɗo yecifuʋa. 25Nemimŋe miromo miʋiri yeɀiketani ɀiʋiri ɀakamoniwa uɀiise paɀiruʋa ɀiʋiri; uɀiise pamabande apamafudzi eefodi necemberi kwayo. 26Uite ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoɀiisa pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa pamupendero wayo uri kurutiʋi rweefodi necomukati. 27Unofanira kuita ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoɀiisa pamabande maʋiri apamafudzi eefodi zasi necemberi kwayo, pedyo payakaɓatanidzwa napo, pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri. 28Ɀino ŋgaʋasuŋganidze homboɗo yecifuʋa neɀindori ɀayo paɀindori ɀeefodi norwonzi rutema, kuti ruʋe pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri, kuti homboɗo yecifuʋa irege kusunuŋguka paefodi. 29Naiɀoɀo Aroni unofanira kutakura mazita aʋana ʋaIsraeri pahomboɗo yecifuʋa yokutoŋga pamŋoyo wake, kana acipinda panɀimbo tȿene, kuti ciʋe ciraŋgaridzo pamberi paJehova ŋguʋa dzose. 30Unofanira kuisa ʋo muhomboɗo yecifuʋa yokutoŋga Urimi neTumimi, kuti ɀiʋe pamŋoyo waAroni kana acipinda pamberi paJehova; Aroni agotakura kutoŋgwa kwaʋana ʋaIsraeri pamŋoyo wake pamberi paJehova ŋguʋa dzose.
31Unofanira kuita jasi reefodi rose romuceka mutema. 32Ŋgariʋe neburi rokupinza musoro pakati paro, riʋe nomupendero wakarukwa unopotedza ɓuri raro, sapaɓuri reŋguʋo yokurwa, kuti irege kubvaruka. 33Pamipendero yaro unofanira kuita matamba eɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, anopotedza mupendero, neɀitare ɀinorira ɀendarama pakati pawo kunhiʋi dzose. 34Ŋgapaʋe necitare cimŋe neɗamba rimŋe, citare cimŋe neɗamba rimŋe pamipendero yejasi kunhiʋi dzose. 35Aroni ŋgaarifuke kana acishumira, kuti kurira kwaɀo kunzwike, kana acipinda panɀimbo tȿene pamberi paJehova, ʋuye kana aciɓuɗa, kuti arege kufa.
36Unofanira kuita ʋo hwendefa rendarama yakaiȿo‐naka, ugonyora pamsoro paro seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, uciti: MUTⱾENE KUNAJEHOVA. 37Uriise parwonzi rutema, rigoiswa paŋgoani, riʋe necemberi kweŋgoani. 38Ŋgariʋe pahuma yaAroni, Aroni atakure ɀakaipa ɀiŋgaʋa’po paɀinhu ɀitȿene, ɀicaitwa ɀitȿene naʋana ʋaIsraeri paɀipo ɀaʋo ɀitȿene ɀose; rinofanira kugara pahuma yake ŋguʋa dzose, kuti iʋo ʋagamucirwe pamberi paJehova. 39Unofanira kuita ʋo ŋguʋo yakarukwa yomuceka wakaiȿo‐naka, ʋuye uite ŋgoani yomuceka wakaiȿo‐naka, ʋuye uite ʋo banhire, riʋe ɓasa romusoni unogona. 40Naʋanakomana ʋaAroni unofanira kuʋaitira ŋguʋo, uʋaitire ʋo mabanhire, uʋaitire ʋo ŋgoani dzomusoro, ʋakudzwe nadzo, ʋuye bguʋe ʋukomba. 41Udzifukidze Aroni, mukoma wako, pamŋe cete naʋanakomana ʋake; ʋuye uʋazodze, nokuʋagadza, nokuʋatsaura, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista. 42Unofanira kuʋaitira maburuku omuceka kuti ʋafukidze nyama yaʋo yakashama; ŋgaataŋge paɀiʋuno, aȿikire pacidɀa; 43ŋgaafukwe naAroni naʋanakomana ʋake kana ʋacipinda mutente rokusoŋgana, ʋuye kana ʋacisweɗera paartari kushumira panɀimbo tȿene; kuti ʋarege kuɀitorera mhoȿa, ʋakafa; ŋgauʋe mutemo usiŋgaperi kwaari nokuʋana ʋake ʋanomuteʋera.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 28: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda