Unofanira kuraira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaʋuye kwauri namafuta omuorivi akaiȿo‐naka akaȿinhiwa omŋenje, kuti avenekese mŋenje ŋguʋa dzose. Mutente rokusoŋgana, kunze kwecidzitiro ciri pamberi pecipupuriro, Aroni naʋanakomana ʋake ŋgaʋaugadzire’mo pamberi paJehova, kubva pamaɗekwana kuȿikira maŋgwanani; ŋgauʋe mutemo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri.