Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 26

26
Tabernakeri.
1Uite tabernakeri namacira anegumi, uaite nomuceka wakaiȿo‐naka, wakarukwa, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, ɀinamakerubi, riʋe ɓasa romunhu unogona kuruka. 2Kureɓa kwejira rimŋe nerimŋe ŋgakuʋe makubiti makumi maʋiri namasere, noʋupamhi bgejira rimŋe nerimŋe makubiti manna; macira ose aenzane. 3Macira mashanu ŋgaaɓatanidzwe pamŋe cete, namamŋe macira mashanu ŋgaaɓatanidzwe pamŋe cete ɀe. 4Uite ɀiswe ɀitema pamupendero wejira rimŋe rokupedzisira panaakaɓatanidzwa pamŋe cete; ugoita ʋo saiɀoɀo pamupendero wejira rokupedzisira panaakaɓatanidzwa ɀe pamŋe cete. 5Uite ɀiswe ɀinamakumi mashanu pajira rimŋe, nokuita ʋo ɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira ramamŋe akaɓatanidzwa pamŋe cete, ɀiswe ɀitarisane. 6Uite ʋo ɀikorekedzo ɀendarama ɀinamakumi mashanu, ugoɓatanidza macira neɀikorekedzo iɀoɀo, tabernakeri ciʋe cinhu cimŋe cete. 7Uite macira emvere dzembudzi riʋe tente pamsoro petabernakeri; uiite namacira anegumi nerimŋe. 8Kureɓa kwejira rimŋe ŋgakuʋe makubiti anamakumi matatu, noʋupamhi bgejira rimŋe makubiti manna; macira anegumi nerimŋe aenzane. 9Uɓatanidze macira mashanu pamŋe cete, namacira matanhatu pamŋe cete, ugopeta jira recitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetente. 10Uite ʋo ɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira rimŋe rokupedzisira panaakaɓatanidzwa pamŋe cete, neɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira rokupedzisira panamamŋe akaɓatanidzwa pamŋe cete. 11Uite ʋo ɀikorekedzo ɀinamakumi mashanu ɀendarira, ugoisa ɀikorekedzo muɀiswe, uɓatanidze tente pamŋe cete, ciʋe cinhu cimŋe cete. 12Rutiʋi rwakasara runorembera pamacira etente, hafu yejira rimŋe rakasara, ŋgarirembere neceshure kwetabernakeri. 13Ʋuye kubiti rimŋe panorumŋe rutiʋi, nekubiti rimŋe panorumŋe rutiʋi ɀe, ɀakasara pakureɓa kwamacira etente, ŋgaɀirembere panhiʋi dzetabernakeri necoʋuno necokoko, kuifukidza. 14Uitire ʋo tente cifukidzo camatebge amakondobge akazodzwa muti mutȿuku, necifukidzo camatebge amatenhe pamsoro paiɀoɀo.
15Uitire ʋo tabernakeri mapuraŋga anomiswa omuakasia. 16Kureɓa kwepuraŋga rimŋe nerimŋe ŋgakuʋe makubiti anegumi, noʋupamhi bgepuraŋga rimŋe nerimŋe kubiti rimŋe nehafu. 17Puraŋga rimŋe nerimŋe ŋgariitirwe ɀiɓato ɀiʋiri, ɀakaɓatanidzwa; ndiɀo ɀaunofanira kuitira mapuraŋga ose etabernakeri. 18Unofanira kuita mapuraŋga etabernakeri, mapuraŋga anamakumi maʋiri okurutiʋi rwezasi, anotarira zasi. 19Ita ʋo ɀigadziko ɀesirveri ɀinamakumi manna pasi pamapuraŋga anamakumi maʋiri, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe paɀiɓato ɀaro ɀiʋiri, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga paɀiɓato ɀaro ɀiʋiri; 20ʋuye mapuraŋga makumi maʋiri kurutiʋi rwecipiri rwetabernakeri kurutiʋi rwokumsoro; 21neɀigadziko ɀawo ɀesirveri ɀinamakumi manna, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga. 22Ita ʋo mapuraŋga matanhatu kurutiʋi rwemberi rwetabernakeri kumaʋirazuʋa. 23Uite ʋo mapuraŋga maʋiri kumakona etabernakeri kurutiʋi rwemberi. 24Ŋgaaite maʋiri necenyasi; saiɀoɀo ŋgaaʋe maʋiri akaɓatanidzwa kuȿikira kumsoro kucindori cokutaŋga; ŋgaaitwe saiɀoɀo ari maʋiri, aʋe’po pamakona maʋiri. 25Aʋe mapuraŋga masere aneɀigadziko ɀawo ɀesirveri, ɀiʋe ɀigadziko ɀinegumi neɀitanhatu; ɀigadziko ɀiʋiri ɀiʋe pasi pepuraŋga rimŋe, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga. 26Uite ʋo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuraŋga orumŋe rutiʋi rwetabernakeri; 27nembariro shanu dzamapuraŋga orutiʋi rwecipiri rwetabernakeri, nembariro shanu dzamapuraŋga orutiʋi rwetabernakeri kurutiʋi rwemberi kumaʋirazuʋa. 28Rumbariro rwapakati ŋgaruʋe pakati pamapuraŋga, rubve kunorumŋe rutiʋi rucindoȿikira kunorumŋe rutiʋi. 29Ufukidze mapuraŋga nendarama; uite ʋo ɀindori ɀawo nendarama, paŋgagara mbariro: nembariro udzifukidze nendarama. 30Uʋake tabernakeri nomufananidzo wayo wawakaratidzwa mugomo.
31Uite ʋo cidzitiro neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa; ŋgaciitwe cinamakerubi, riʋe ɓasa romunhu unogona kuruka. 32Ucirembedze pambiru inna dzomuakasia dzakafukidzwa nendarama; ɀikorekedzo ɀadzo ɀiʋe ɀendarama, ʋuye dzinofanira kumira paɀigadziko ɀadzo ɀinna ɀesirveri. 33Urembedze cidzitiro pasi peɀikorekedzo, ugoisa’mo areka yecipupuriro mukati mecidzitiro; cidzitiro cigoʋa kwamuri cinhu cinoparadzanisa pakati penɀimbo tȿene nenɀimbo tȿene‐tȿene. 34Uise ʋo cifunhiro cokuyananisa pamsoro peareka yecipupuriro panɀimbo tȿene‐tȿene. 35Tafura uiise kunze kwecidzitiro necigadziko cemŋenje cakatarisana netafura parutiʋi rwetabernakeri kurutiʋi rwenyasi; tafura uiise kurutiʋi rwokumsoro. 36Unofanira kuitira ʋo mukoʋa wetente cidzitiro ceɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romusoni unogona. 37Uitire cidzitiro mbiru shanu dzomuakasia, ucidzifukidza nendarama; ɀikorekedzo ɀadzo ɀiʋe ɀendarama, ʋuye uɀiʋumbire ɀigadziko ɀishanu ɀendarira.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 26: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda