Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 17

17
1Usaɓayira Jehova Mŋari wako ŋombe kana gwai rakaremara, kana rinecakaipa cipi necipi; nokuti iɀo ɀinonyaŋgadza Jehova Mŋari wako.
2Kana pakati pako mukati merimŋe ramasuʋo ako, aunopiwa naJehova Mŋari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari wako, aciɗarika suŋgano yake, 3akandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, akanamata kwaʋari, kana kuzuʋa kana mŋedzi, kana kunecimŋe cehondo dzokuɗeŋga, candisina‐kukuraira; 4iwe ukaʋudzwa iɀoɀo, ukaɀinzwa, ipapo unofanira kubvunzisisa kwaɀo; ɀino kana ukaʋona kuti ndiɀo, ndeɀamaɀokwaɗi, kuti cinhu cinonyaŋgadza cakaɗai caitwa pakati paIsraeri; 5ipapo unofanira kuɓuɗisa murume uyo, kana mukadzi uyo, wakaita cinhu ici cakaipa, kumasuʋo ako, iye murume nomukadzi, ugoʋataka namabge, ʋafe. 6Nokupupura kweɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu iye unofanira kufa, ŋgaaʋurawe; nokupupura kwecapupu cimŋe ŋgaarege kuʋurawa. 7Maʋoko eɀapupu ndiwo anofanira kutaŋga kumuʋuraya; pashure maʋoko aʋanhu ʋose. Saiɀoɀo unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
8Kana mhaka ikamuka yamusiŋgagoni kutoŋga, kana yokuʋurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuʋadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuʋo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako; 9uende kuʋaprista ʋaRevi, nokumutoŋgi ucaʋa’po pamazuʋa iwayo, uʋabvunze; iʋo ʋacakuziʋisa kutoŋga kwakafanira. 10Ɀino unofanira kuita seɀaʋanokutoŋgera panɀimbo icatsaurwa naJehova; ucenjere kuti uite seɀaʋanokudzidzisa; 11unofanira kuita nomurairo waʋanokuraira, ʋuye nokutoŋga kwaʋanokuʋudza; haufaniri kutsauka kana kurudyi kana kuruɓoshwe, pakutoŋga kwaʋacakuratidza. 12Munhu unoita nokuɀikudza, asiŋgaɗi kuterera muprista unomira’po pakushumira Jehova Mŋari wako, kana mutoŋgi, munhu uyo unofanira kufa; iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati paIsraeri. 13Ʋanhu ʋose ʋacaɀinzwa, ʋacatya, ʋakasazoita nokuɀikudza.
14Ɀino kana ukaȿika panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, ikaʋa yako, ukagara’mo, ukati: Ndicaɀigadzira mambo, seɀinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza; 15ɀirokwaɀo unofanira kuɀigadzira hako mambo ucatsaurwa naJehova Mŋari wako; unofanira kugadza mumŋe kuhama dzako, kuti aʋe mambo wako; haufaniri kugadza mutorwa, isati iri hama yako. 16Asi ŋgaarege kuɀiwanzira mabiza, kana kudzosera ʋanhu Egipita, kuti aɀiwanzire mabiza; nokuti Jehova wakati kwauri: Usadzoka ɀe kubva ɀino nenzira iyo. 17Ʋuye ŋgaarege kuɀiwanzira ʋakadzi, kuti mŋoyo wake urege kutsauka; ʋuye ŋgaarege kuɀiwanzira ɀikuru sirveri nendarama. 18Ɀino kana iye ogara pacigaro cake coʋushe, unofanira kunyora murairo uyu mubuku yake, acitora mashoko ari kuʋaprista ʋaRevi; 19inofanira kugara naye, kuti araʋe’mo mazuʋa ose oʋupenyu bgake; kuti adzidze kutya Jehova Mŋari wake, nokuceŋgeta mashoko ose omurairo uyu neɀakatemŋa iɀi, kuti aɀiite; 20kuti mŋoyo wake urege kuɀikudza pamsoro pehama dzake, arege kutsauka pamurairo uyu, kana kurudyi, kana kuruɓoshwe; kuti awedzere mazuʋa ake paʋushe bgake, iye, naʋana ʋake, pakati paIsraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 17: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda