Deuteronomio 16
16
Mitambo mikuru yegore rimŋe nerimŋe.
1Raŋgarira mŋedzi weAbibi, udye paseka yaJehova Mŋari wako nawo; nokuti nomŋedzi weAbibi Jehova Mŋari wako wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita ʋusiku. 2Unofanira kuɓayira Jehova Mŋari wako paseka yamakwai neŋombe panɀimbo inotsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise zita rake’po. 3Usadya ciŋgwa cakaʋiriswa pamŋe cete nayo; unofanira kuita mazuʋa manomŋe ucidya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa pamŋe cete nayo, ndico ciŋgwa cokutambudzika; nokuti wakaɓuɗa panyika yeEgipita nokukurumidza; kuti uraŋgarire zuʋa rawakaɓuɗa naro panyika yeEgipita mazuʋa ose oʋupenyu bgako. 4Mazuʋa manomŋe mbiriso haifaniri kutoŋgoʋonekwa panyika yako yose; ʋuye nyama yamunoɓayira pazuʋa rokutaŋga maɗekwana, haifaniri kutoŋgosara ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana. 5Haufaniri kuɓayira paseka mukati merimŋe ramasuʋo ako, aunopiwa naJehova Mŋari wako; 6asi panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise zita rake’po, ndipo paunofanira kuɓayira paseka maɗekwana, kana zuʋa roʋira, paŋguʋa yawakaɓuɗa nayo Egipita. 7Unofanira kuiɓika, nokuidya panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako; fume maŋgwana unofanira kudzokera kumatente ako. 8Unofanira kudya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa matanhatu; pazuʋa recinomŋe unofanira kuita ʋuŋgano huru kunaJehova Mŋari wako; usaɓata maɓasa naro.
9Unofanira kuʋereŋga maviki manomŋe; kubva paŋguʋa yaunotaŋga kukohwa ɀiyo ɀigere kukohiwa, unofanira kuʋereŋga maviki manomŋe. 10Ɀino uitire Jehova Mŋari wako mutambo wamaviki, uciʋuya muruʋoko rwako necipo cokuɗa kwako, ucipa seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako. 11Unofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wako, iwe nomŋanakomana wako nomŋanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevi uri mukati mamasuʋo ako, nomŋeni, nenherera, necirikadzi, ʋagere pakati pako, panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise zita rake’po. 12Unofanira kuraŋgarira kuti iwe wakaŋga uri muranda paEgipita; unofanira kuceŋgeta nokuita iɀi ɀakatemŋa.
13Unofanira kutamba mutambo wamatumba mazuʋa manomŋe, kana wapedza kuʋuŋganidza ɀose ɀapaɓuriro rako neciȿiniro cako cewaini. 14Unofanira kufara pamutambo wako, iwe, nomŋanakomana wako, nomŋanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevi, nomŋeni, nenherera, necirikadzi, ʋari mukati mamasuʋo ako. 15Unofanira kutambira Jehova Mŋari wako mutambo mazuʋa manomŋe panɀimbo icatsaurwa naJehova; nokuti Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paɀiɓereko ɀose ɀeminda yako, napamaɓasa ose amaʋoko ako, kuti ufare kwaɀo. 16Ʋarume ʋenyu ʋose ʋanofanira kuʋuya pamberi paJehova Mŋari wako katatu pagore panɀimbo yaacatsaura, pamutambo weciŋgwa cisina‐kuʋiriswa, napamutambo wamaviki, napamutambo wamatumba; haʋafaniri kuʋuya pamberi paJehova ʋasinecinhu. 17Mumŋe nomumŋe ŋgaaʋuye necipo mumaʋoko ake, seɀaanogona, seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako, seɀaakakupa.
Maɓasa aʋatoŋgi namadzishe.
18Unofanira kuɀitsaurira ʋatoŋgi naʋakuru mukati mamasuʋo ako, aunopiwa naJehova Mŋari wako, namarudzi ako; iʋo ʋanofanira kutoŋga ʋanhu nokutoŋga kwakarurama. 19Usakaŋganisa pakutoŋga kwako, usatsaura ʋanhu, usagamucira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza meso aʋakaŋgwara, nokuminamisa mashoko aʋakarurama. 20Teʋera ɀakarurama kwaɀo cete, kuti urarame, ugare nhaka yenyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako.
21Usaɀisimira matanda okunamata nawo, emiti ipi neipi, parutiʋi rweartari yaJehova Mŋari wako, yaunofanira kuɀiitira. 22Ʋuye usaɀimisira shoŋgwe, inoʋeŋgwa naJehova Mŋari wako.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 16: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018