Deuteronomio 15
15
Sunuŋguro paɀikwerete.
1Ŋguʋa dzose kana makore manomŋe apera munofanira kuʋa nesunuŋguro. 2Nzira yesunuŋguro ndiyo: Mumŋe nomumŋe wakapa cikwerete, unofanira kusunuŋgura ico caakapa hama yake; ŋgaarege kucireʋa kunowokwake kana hama yake; nokuti sunuŋguro yaJehova yaparidzwa. 3Uŋgaɀireʋa kumutorwa; asi ɀose ɀako ɀiri paruʋoko rwehama yako, unofanira kuɀisunuŋgura. 4Asi usaʋa naʋarombo pakati pako (nokuti ɀirokwaɀo, Jehova ucakuropafadza panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe nhaka yako), 5kana uciŋgoshiŋgaira kwoga kuterera inzwi raJehova Mŋari wako, kuti ucenjere kuita murairo uyu wose, wandinokuraira nhasi. 6Nokuti Jehova Mŋari wako ucakuropafadza, seɀaakakupikira; iwe ucapa dzimŋe ndudzi zhinji cikwerete, asi iwe usatora cikwerete; iwe ucaɓata ndudzi zhinji, asi idzo hadziŋgakuɓati iwe.
Ʋarombo naʋaranda.
7Kana kunomurombo kwauri, mumŋe wehama dzako, mukati mamasuʋo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, usatsuŋgira hama yako murombo, kana kumufumbatirira ruʋoko rwako; 8asi umutambanudzire ruʋoko rwako kwaɀo, umuɓatsire necikwerete ɀinoriŋgana pakushaiwa kwake, seɀaanokumbira. 9Cenjera kuti urege kufuŋga ɀakaipa mumŋoyo mako, uciti: Gore recinomŋe, iro gore resunuŋguro, riri pedyo; iwe ukaʋa nomufuŋgo wakaipa kuhama yako, ukasamupa cinhu; iye akacema kunaJehova Mŋari wako pamsoro pako, cikaʋa ciʋi kwauri. 10Unofanira kumupa ɀakanaka, mŋoyo wako haufaniri kuʋa neshuŋgu, kana ucimupa; nokuti nokuɗa kwecinhu ici Jehova Mŋari wako ucakuropafadza pamaɓasa ako ose, napaɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako. 11Nokuti ʋarombo haʋaŋgatoŋgoperi panyika; naiɀoɀo ndinokuraira ndiciti: Utambanudzire ruʋoko rwako ɀakanaka kuhama yako, kunaiye unoshaiwa, nokunaʋarombo ʋako panyika yako.
12Kana hama yako murume muHeberu kana mukadzi muHeberu aciŋge ateŋgeswa kwauri, akakuɓatira makore matanhatu, iwe unofanira kumurega negore recinomŋe aende hake. 13Ɀino kana ucimurega kuti aende hake, usamuendisa asinecinhu. 14Unofanira kumugoʋerera ɀakanaka pamakwai ako, napaɓuriro rako, napaciȿiniro cako cewaini; seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako, unofanira kumupa saiɀoɀo. 15Unofanira kuraŋgarira iwe kuti wakaŋga uri muranda munyika yeEgipita, Jehova Mŋari wako akakudzikinura; naiɀoɀo ndinokuraira cinhu ici nhasi. 16Asi kana akati kwauri: Handiɗi haŋgu kubva kwamuri, nokuti unokuɗa iwe naʋeimba yako, nokuti unofara hake newe, 17ipapo unofanira kutora runji ndokuʋurura nzeʋe yake narwo pamukoʋa, iye agoʋa muranda wako nokusiŋgaperi. Ʋuye murandakadzi wako unofanira kumuitira ʋo saiɀoɀo. 18Haɀifaniri kuita sokukuȿiɓisa mŋoyo wako kana ucimurega kuti aende hake; nokuti wakakuɓatira makore matanhatu, acifanirwa nomuɓairo waʋaranda ʋaʋiri; Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paneɀose ɀaunoita.
Ʋana ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo.
19Mikono yose yaʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehova Mŋari wako; haufaniri kuɓate‐ɓasa nomŋana wemhoŋgora dzeŋombe dzako, kana kuʋeʋura ʋana ʋemhoŋgora dzamakwai ako. 20Unofanira kuɀidya pamberi paJehova Mŋari wako gore rimŋe nerimŋe panɀimbo icatsaurwa naJehova, iwe nemhuri yako. 21Kana cakaremara, ɀimŋe cinokuremara kwokukamhina, kana ʋupofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuciɓayira Jehova Mŋari wako. 22Unofanira kucidya mukati mamasuʋo ako; wakanaka nousina‐kunaka ʋose ʋanofanira kucidya, seɀaʋanodya mhara nenondo. 23Asi urege kudya ropa raco, unofanira kuriteʋurira pasi semvura.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 15: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018