Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 18

18
Ɀaʋaprista ʋaRevi.
1Ʋaprista ʋaRevi, norudzi rwose rwaRevi, haʋafaniri kuʋa nomugoʋe kana nhaka pamŋe cete naIsraeri; ʋanofanira kudya ɀipiriso ɀaJehova ɀinopiswa nenhaka yake. 2Haʋafaniri kuʋa nenhaka pakati pehama dzaʋo; Jehova ndiye nhaka yaʋo, seɀaakataura kwaʋari. 3Ɀino ndiɀo ɀinofanira kupiwa ʋaprista naʋanhu, naiʋo ʋanoʋuya neciɓayiro, kana iri nzombe kana gwai; ʋanofanira kupa muprista ɓandauko, neshaya mbiri, nesusu. 4Ɀitȿa ɀeɀiyo ɀako, neɀewaini yako, neɀamafuta ako, nemvere dzokutaŋga dzamakwai ako, ndiɀo ɀaunofanira kuʋapa. 5Nokuti Jehova Mŋari wako wakamutsaura iye pakati pamarudzi ako ose, kuti amire acishumira nezita raJehova, iye, naʋanakomana ʋake nokusiŋgaperi.
6Ɀino kana muRevi akabva kunerimŋe ramasuʋo ako maIsraeri mose, kwaagere, akaʋuya nomŋoyo wake wose kunɀimbo icatsaurwa naJehova, 7iye unofanira kuɓate‐ɓasa nezita reJehova Mŋari wake, seɀinoita hama dzake dzose ʋaRevi dzinomira’po pamberi paJehova. 8Ʋanofanira kupiwa migoʋe yakaenzana yeɀokudya, kunze kweɀaakawana pakuteŋgesa nhaka yamadziɓaɓa ake.
Haʋafaniri kuteʋera tsika dzaʋahedeni.
9Ɀino kana waȿika munyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, usadzidza kuteʋera ɀinonyaŋgadza ɀendudzi idzo. 10Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mŋanakomana wake kana mŋanasikana wake mumŋoto, kana unoʋuka, kana unotenda mashura, kana unoita mazaŋgo, kana muroyi, 11kana ŋaŋga, kana unobvunza maȿikiro, kana muʋuki, kana unobvunza ʋakafa. 12Nokuti ʋose ʋanoita ɀinhu iɀi ʋanonyaŋgadza Jehova; nokuɗa kweɀinonyaŋgadza iɀi Jehova Mŋari wako unoʋadziŋga pamberi pako. 13Unofanira kuʋa wakarurama pamberi paJehova Mŋari wako. 14Nokuti ndudzi idzi dzamunopiwa dziʋe dzenyu, dzinoterera ʋanotenda mashura naʋanoʋuka; asi iwe Jehova Mŋari wako haanakukutendera kuita iɀoɀo. 15Jehova Mŋari wako ucakumutsira muprofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuterera iye; 16seɀawakakumbira kunaJehova Mŋari wako paHorebi nomusi weʋuŋgano, uciti: Ndirege haŋgu kuzonzwa ɀe inzwi raJehova Mŋari waŋgu, ʋuye ndirege haŋgu kuzoʋona ɀe mŋoto uyu mukuru, ndirege kufa. 17Jehova akati kwandiri: Ɀose ɀaʋakareʋa, ʋakataura haʋo ɀakanaka. 18Ndicaʋamutsira muprofita, unobva pakati pehama dzaʋo, wakafanana newe; ndicaisa mashoko aŋgu mumuromo make, iye ucaʋaʋudza ɀose ɀandinomuraira. 19Ɀino munhu upi noupi usiŋgatereri mashoko aŋgu, aacataura muzita raŋgu, ndicamubvunza pamsoro paiɀoɀo. 20Asi muprofita unotaura shoko muzita raŋgu aciɀikudza, riri shoko randisina‐kumuraira kuti aritaure, kana ɀimŋe unotaura muzita raʋamŋe ʋamŋari, muprofita uyo unofanira kufa. 21Ɀino kana iwe ukati mumŋoyo mako: Ko ticaziʋa seiko shoko risina‐kutaurwa naJehova? 22Kana muprofita aciŋge ataura muzita raJehova, cinhu ico cikasaitika, cikasaʋa’po, ndico cinhu cisina‐kutaurwa naJehova; muprofita wakaritaura aciɀikudza, haufaniri kumutya.

Zvasarudzwa nguva ino

Deuteronomio 18: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda