Deuteronomio 19
19
Maguta oʋutiziro.
1Ɀino kana Jehova Mŋari wako aciparadza ndudzi dzaunopiwa nyika yadzo naJehova Mŋari wako, iwe ukapinda panɀimbo yaʋo, ukagara mumaguta aʋo nomudzimba dzaʋo; 2unofanira kuɀitsaurira maguta matatu munyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe yako. 3Unofanira kuɀigadzirira nzira, nokuganhura nyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe nhaka yako, uciita migoʋe mitatu, kuti munhu upi noupi wakaʋuraya agone kutizira’ko. 4Ɀino ndiwo murairo womuʋurayi unotizira’ko akazorarama: Munhu upi noupi unoʋuraya wokwake, nokusaziʋa, asina‐kumuʋeŋga kare; 5somunhu unoti kana acienda nowokwake kuɗondo kundotema huni, akasimudza ruʋoko rwake kuti ateme muti nesanhu, ɗare ndokuvomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kunerimŋe ramaguta awa, ararame. 6Kuti mutsiʋi weropa arege kuteʋerera muʋurayi, mŋoyo wake ucineshuŋgu, akamuɓata nokuti kure, akamuroʋa akafa; iɀo wakaŋga asina‐kufanirwa norufu, nokuti wakaŋga asina‐kumuʋeŋga kare. 7Saka ndinokuraira, ndiciti: Unofanira kuɀitsaurira maguta matatu. 8Ɀino kana Jehova Mŋari wako acizokurisa nyika yako, seɀaakapikira madziɓaɓa ako, akakupa nyika yose yaakapikira madziɓaɓa ako, kuti ucaʋapa iyo; 9kana ukaceŋgeta murairo uyu wose nokuuita, uyu wandinokuraira nhasi, kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake, ŋguʋa dzose; ipapo unofanira kuzowedzera ɀe mamŋe maguta matatu kunawawa matatu; 10kuti ropa romunhu usinemhoȿa rirege kuteʋurwa panyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe yako; kuti nokuɗaro ropa rirege kuʋa pamsoro pako. 11Asi kana munhu upi noupi akaʋeŋga wokwake, akamuʋandira, akamumukira, ndokumuroʋa akafa, kana iye akatizira kunerimŋe ramaguta awa; 12ipapo ʋakuru ʋeguta rake ʋanofanira kutuma munhu kundomutora’ko, ʋagomuisa mumaʋoko omutsiʋi weropa, afe. 13Haufaniri kumunzwira tsitsi, asi iwe unofanira kubvisa ropa romunhu usinemhoȿa pakati paIsraeri, kuti ɀiʋe ɀakanaka newe.
Unotorera mumŋe nyika yake nounopupura nhema ʋanofanira kurobga.
14Usashandura miganho yowokwako, yakatarwa naʋekare, panhaka yako yaucazopiwa, panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe yako.
15Capupu cimŋe hacifaniri kupupurira munhu pacinhu cakaipa cipi necipi, kana ciʋi cipi necipi, ciri ciʋi cipi necipi caakatadza; shoko rinofanira kusimbiswa neɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu. 16Kana capupu cisina‐kururama cikapupurira munhu upi noupi kuti wakatadza; 17ipapo ʋarume ʋaʋiri ʋose ʋanenharo ʋanofanira kumira pamberi paJehova, pamberi paʋaprista naʋatoŋgi ʋacaʋa’po namazuʋa iwayo; 18ɀino ʋatoŋgi ʋanofanira kuferefeta kwaɀo; kana ʋakaʋona kuti capupu ico capupu cenhema, cakapupurira hama yaco nhema, 19munofanira kumuitira iye seɀaakafuŋga kuitira hama yake; nokuɗaro iwe unofanira kubvisa cakaipa pakati pako. 20Ʋakasara ʋanofanira kuɀinzwa ʋo, ʋatye, ʋarege kuzoita cakaipa cakaɗai pakati pako. 21Haufaniri kumunzwira tsitsi; ʋupenyu bgunofanira kutsibga noʋupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruʋoko noruʋoko, rutsoka norutsoka.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 19: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018