Deuteronomio 20
20
Mirairo yehondo.
1Kana ukaɓuɗa kundorwa naʋaʋeŋgi ʋako, ukaʋona mabiza, neŋgoro, naʋanhu ʋakawanda kupfuʋura iwe, usaʋatya; nokuti Jehova Mŋari wako unewe, iye wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita. 2Ɀino kana mosweɗera pakurwa, muprista unofanira kuʋuya kuzotaura naʋanhu, 3aciti kwaʋari: Inzwai imi Israeri, nhasi mosweɗera pakurwa naʋaʋeŋgi ʋenyu; mŋoyo yenyu ŋgairege kupera simba; regai kutya, kana kuɗeɗera, kana kuvunduka pamberi paʋo; 4nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye unoenda nemi, kukurwirai paʋaʋeŋgi ʋenyu, kukuponesai. 5Naʋakuru ʋanofanira kutaura naʋanhu, ʋaciti: Panomunhu here wakaʋaka imba itȿa, ucigere kutaŋga kuigara? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumŋe akataŋga kuigara. 6Ʋuye, panomunhu here wakarima munda wemizambiriŋga, ucigere kudya micero yawo? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumŋe akadya micero yawo. 7Ʋuye, panomunhu here wakanyeŋga musikana, ucigere kumuwana? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumŋe akamuwana. 8Ʋuye ʋakuru ʋanofanira kutaura ʋo kuʋanhu, ʋaciti: Panomunhu here unotya, unomŋoyo unovunduka? Ŋgaadzokere kumba kwake; kuti mŋoyo yehama dzake irege kunyauka somŋoyo wake. 9Ɀino kana ʋakuru ʋapedza kutaura naʋanhu, ʋanofanira kugadza ʋatariri ʋehondo ʋaŋgatuŋgamirira ʋanhu.
10Kana wosweɗera pedyo neguta kuti urwe naro, unofanira kuriparidzira rugare. 11Ɀino kana iʋo ʋacikupindura norugare, ʋakakuzarurira masuʋo aʋo, ipapo ʋanhu ʋose ʋanowanikwa mukati maro ʋanofanira kukuterera mutero nokukuɓatira. 12Kana ʋasiŋgaɗi kuyanana newe, asi kurwa newe, iwe unofanira kurikomba; 13kana Jehova Mŋari wako akariisa mumaʋoko ako, unofanira kuparadza ʋarume ʋose ʋari’mo nomunondo unopinza; 14asi ʋakadzi, nepxere, neŋombe, neɀose ɀiri muguta, ɀose ɀiŋgapambga, unofanira kuɀitapira iɀo; iwe ucadya ɀakapambga kuʋaʋeŋgi ʋako, ɀaunopiwa naJehova Mŋari wako. 15Unofanira kuita saiɀoɀo namaguta ose ari kure kwaɀo newe, asati ari maguta endudzi idzi. 16Asi kana ari maguta aʋanhu aʋa, ʋaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti ʋaʋe nhaka yako, haufaniri kurega cinhu cimŋe cinofema ciri cipenyu; 17asi unofanira kuʋaparadza cose, iʋo ʋaHeti, naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi; seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako; 18kuti ʋarege kukudzidzisai kuita ɀose ɀaʋo ɀinonyaŋgadza, ɀaʋakaitira ʋamŋari ʋaʋo; imi mukatadzira Jehova Mŋari wenyu.
19Kana ukakomba guta ŋguʋa refu, ucirwa naro, kuti urikunde, haufaniri kuparadza miti yaro, uciitema nesanhu; uŋgaidya, haufaniri kuitema; nokuti muti womusaŋgo munhu here, kuti ukombge newe? 20Asi miti yaunoziʋa kuti miti isiŋgadyiwi, unofanira kuiparadza uciitema; guta rinorwa newe unofanira kuriʋakira mhanda kuȿikira rakundwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 20: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018