Deuteronomio 14
14
Mhuka dzakanaka nedzisina‐kunaka.
1Imi muri ʋana ʋaJehova Mŋari wenyu; musaɀitema, kana kuɀiʋeʋura pakati pameso pamsoro paʋakafa. 2Nokuti uri rudzi rutȿene kunaJehova Mŋari wako; Jehova wakakutsaura pakati pendudzi dzose dzaʋanhu ʋari panyika, kuti uʋe rudzi rwake cairwo.
3Usadya cinhu cipi necipi cinonyaŋgadza. 4Mhuka dzamuŋgadya ndidzo: Ŋombe, negwai, nembudzi; 5nenondo, nemhara, nemhembge, netsoma, nemharapara, nenyati, neŋgururu. 6Mhuka ipi neipi inamahwanda akaparadzana, inetsoka dzakaparadzana, inodzeva ndidzo dzamuŋgadya henyu. 7Asi idzi dzinodzeya, kana dzinamahwanda akaparadzana, regai kudzidya: Kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya, asi hadzinamahwanda akaparadzana, hadzina‐kunaka kwamuri; 8neŋguruʋe; nokuti inamahwanda akaparadzana, asi haidzeyi; haina‐kunaka kwamuri; musadya nyama yadzo, ʋuye musaɓata ɀitunha ɀadzo.
9Ndiɀo ɀamuŋgadya kuneɀose ɀiri mumvura: Ɀose ɀineɀimbi namakwande muŋgaɀidya; 10asi ɀose ɀisineɀimbi namakwande, musaɀidya iɀo, haɀina‐kunaka kwamuri.
11Muŋgadya shiri dzose dzakanaka. 12Asi dzamusiŋgafaniri kudya ndidzo: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura; 13norukodzi, nenjerere, noruʋaŋgu namarudzi arwo; 14namarudzi ose amakuŋguʋu; 15nemhou, nezizi, neshiri yeguŋgwa, namarudzi ose oruʋaŋgu; 16nezizi ɗuku, nezizi guru, nejicidza; 17nehukurwizi, negora, nekanyurura‐hoʋe; 18nezimudo, nekondo, namarudzi ayo, nemhupupu, neciremŋa‐remŋa. 19Ɀose ɀinamapapiro ɀinokambaira ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka kwamuri; haɀifaniri kudyiwa. 20Asi shiri dzose dzakanaka muŋgadzidya henyu.
21Musadya cinhu cakaŋgota coga; uŋgacipa mŋeni uri mukati mamasuʋo ako, iye acidye, kana uŋgaciteŋgesa kumutorwa; nokuti iwe uri rudzi rutȿene kunaJehova Mŋari wako. Usaɓika mbudzana mumukaka wamai ʋayo.
Ɀegumi.
22Utsaure ɀakanaka ɀegumi ɀeɀiɓereko ɀose ɀembeu dzako, dzinobva mumunda mako gore rimŋe nerimŋe. 23Unofanira kudya pamberi paJehova Mŋari wako, panɀimbo yaacatsaura kugarisa zita rake’po, ɀegumi ɀeɀiyo ɀako, neɀewaini yako, neɀamafuta ako, neɀaʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzako nedzamakwai ako, kuti udzidze kutya Jehova Mŋari wako ŋguʋa dzose. 24Kana nzira iri kuresa, ukasagona kuɀiȿitsa’ko, nokuti nɀimbo iyo yawakatsaurirwa naJehova Mŋari wako, kuti aise zita rake’po, iri kure newe, kana Jehova Mŋari wako akakuropafadza, 25unofanira kuɀiteŋgesa nemari, ndokuɓata mari mumaʋoko ako, ugoenda kunɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, 26ndokuteŋga nemari iyo ɀose ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako, kana ŋombe, kana makwai, kana waini, kana ɀinoɓata, kana ɀose ɀinoreʋa mŋoyo wako kwauri, udyire’po pamberi paJehova Mŋari wako, ufare, iwe nemhuri yako. 27Ʋuye muRevi uri mukati mamasuʋo ako, usamukaŋganwa, nokuti haanomugoʋe kana nhaka newe.
28Ŋguʋa dzose kana makore matatu apera, unofanira kuʋuya neɀegumi ɀose ɀeɀiɓereko ɀako ɀegore iro, ugoɀiceŋgeta mukati mamasuʋo ako. 29Ɀino muRevi, ɀaasinomugoʋe kana nhaka newe, nomŋeni, nenherera, necirikadzi, ʋari mumasuʋo ako, ʋanofanira kuʋuya kuzodya, ʋagute; kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze pamaɓasa ose aunoita namaʋoko ako.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 14: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018