Deuteronomio 13
13
Kunamata kwenhema.
1Ɀino kana muprofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza ciratidzo kana cinoshamisa, 2ico ciratidzo kana cinoshamisa cikaitika, caakataura kwauri, aciti: Ŋgatiteʋere ʋamŋe ʋamŋari, ʋawakaŋga usiŋgaziʋi, tiʋashumire; 3usaterera mashoko omuprofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehova Mŋari wenyu unokuidzai, kuti aziʋe kana muciɗa Jehova Mŋari wenyu nomŋoyo wenyu wose ʋuye nomŋeya wenyu wose. 4Munofanira kuteʋera Jehova Mŋari wenyu nokumutya, nokuceŋgeta mirairo yake, nokuterera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira. 5Asi muprofita uyo kana muroti uyo ʋanofanira kuʋurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehova Mŋari wenyu, iye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, nokukudzikinurai muimba yoʋuranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJehova Mŋari wako, kuti ufambe’mo. Naiɀoɀo unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
6Kana munuŋuna wako, kana mŋanakomana wamai ʋako, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana mukadzi unoɗikanwa newe, kana shamŋari yako yaunoɗa kwaɀo, ʋakakutsausa pakaʋanda, ʋaciti: Hendei tindoshumira ʋamŋe ʋamŋari, ʋawakaŋga usiŋgaziʋi, iwe, kana madziɓaɓa ako; 7ʋari ʋamŋari ʋendudzi dzakakupoteredzai, dziri pedyo newe, kana kure newe, kubva panorumŋe rutiʋi rwenyika kuȿikira kunorumŋe rutiʋi rwenyika; 8haufaniri kumutenda, kana kumuterera; ziso rako rirege kumunzwira tsitsi, kana kumurega, kana kumuʋanza; 9asi unofanira kumuʋuraya ɀirokwaɀo; ruʋoko rwako ŋgarutaŋge kumuʋuraya, pashure maʋoko aʋamŋe ʋanhu ʋose. 10Unofanira kumutaka namabge, afe, nokuti wakatȿaka kukutsausa ubve kunaJehova Mŋari wako, iye wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita paimba yoʋuranda. 11ƲaIsraeri ʋose ʋaɀinzwe, ʋatye, ʋarege kuzoita ɀakaipa ɀakaɗai pakati pako.
12Kana ukanzwa ʋacikuʋudza munerimŋe ramaguta ako aunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti ugare’mo, ʋaciti: 13Ʋananyakuti ʋakaiȿo‐ipa ʋari’po, ʋakaɓuɗa pakati pako, ʋakatsausa ʋagere muguta raʋo, ʋaciti: Hendei tindoshumira ʋamŋe ʋamŋari, ʋamakaŋga musiŋgaziʋi; 14ɀino unofanira kuferefeta, nokutȿakisisa, nokubvunzisisa kwaɀo; ɀino kana ukaʋona kuti ndeɀamaɀokwaɗi, kuti ndiɀo, kuti cinhu cinonyaŋgadza cakaɗai cakaitwa pakati pako; 15ɀirokwaɀo unofanira kuparadza ʋanhu ʋagere muguta iro nomunondo unopinza, nokuriparadza cose, iro neɀose ɀiri mukati maro, neɀipfuwo ɀaro, nomunondo unopinza. 16Ɀakapambga ɀose unofanira kuɀiʋuŋganidzira pakati penzira huru yaro, ndokupisira Jehova Mŋari wako guta neɀakapambga ɀaro ɀose‐ɀose; ɀinofanira kuʋa murwi nokusiŋgaperi; harifaniri kuʋakwa ɀe. 17Cinhu cimŋe ceɀakayeriswa ŋgacirege kunamatira pamaʋoko ako, kuti Jehova aɀidzore pakutsamŋa kwake kukuru, akunzwire nyasha, aʋe netsitsi newe, akuwanze, seɀaakapikira madziɓaɓa ako; 18kana ukaterera inzwi raJehova Mŋari wako, ukaceŋgeta mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, uciita ɀakarurama pamberi paJehova Mŋari wako.
Zvasarudzwa nguva ino
Deuteronomio 13: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018