Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 9

9
Davidi unoceŋgeta Mefibosheti mŋanakomana waSauro.
1Ɀino Davidi wakati: Kucinomumŋe wakasara weimba yaSauro, wandiŋgaitira ɀakanaka nokuɗa kwaJonatani here? 2Ɀino kwakaŋga kucinomuranda weimba yaSauro wainzi Ziba, ʋakamuɗanira kunaDavidi; mambo akati kwaari: Ndiwe Ziba here? Iye akati: Muranda wenyu ndiye. 3Mambo akati kwaari: Hakucinomumŋe weimba yaSauro, wandiŋgaitira kunaka kwaMŋari here? Ziba akati kunamambo: Jonatani ucinomŋanakomana wakaremara tsoka. 4Mambo akati kwaari: Uripi? Ziba akati kunamambo: Tarirai, uri kumba kwaMakiri mŋanakomana waAmieri paRo‐debari. 5Ipapo mambo Davidi akatuma nhume kundomutora kumba kwaMakiri mŋanakomana waAmieri paRo‐debari. 6Naiɀoɀo Mefibosheti mŋanakomana waJonatani, mŋanakomana waSauro, akaȿika kunaDavidi, akawira pasi neciso cake, akamufugamira. Davidi akati: Mefibosheti! Iye akapindura, akati: Tarirai muranda wenyu. 7Davidi akati kwaari: Usatya, nokuti ɀirokwaɀo ndicakuitira ɀakanaka nokuɗa kwaJonatani ɓaɓa ʋako, ʋuye ndicakudzosera nyika yose yaɓaɓa ʋako Sauro; iwe ucagara ucidya ɀokudya patafura yaŋgu. 8Iye akamufugamira, akati: Muranda wenyu cinyiko, ɀamakatarira imbga yakafa seni? 9Ipapo mambo akaɗana Ziba muranda waSauro, akati kwaari: Ɀose ɀakaŋga ɀiri ɀaSauro neimba yake yose, ndakaɀipa mŋanakomana watenzi wako. 10Iwe unofanira kumurimira minda, iwe naʋanakomana ʋako, naʋaranda ʋako, nokukohwa micero, kuti mŋanakomana watenzi wako aʋe neɀokudya ɀaaŋgadya; asi Mefibosheti mŋanakomana watenzi wako, ucagara acidya ɀokudya patafura yaŋgu. Ɀino Ziba waiʋa naʋanakomana ʋanegumi naʋashanu naʋaranda ʋanamakumi maʋiri. 11Ipapo Ziba akati kunamambo: Muranda wenyu ucaita ɀose ɀinorairwa muranda wenyu nashe waŋgu mambo. Mambo akati: Kana ari Mefibosheti, iye ucaramba acidya patafura yaŋgu, somumŋe waʋanakomana ʋamambo. 12Ɀino Mefibosheti waiʋa nomŋanakomana muɗuku, wainzi Mika. Ʋuye ʋose ʋakaŋga ʋagere mumba maZiba ʋaiʋa ʋaranda ʋaMefibosheti. 13Naiɀoɀo Mefibosheti wakagara Jerusarema, nokuti waigara acidya patafura yamambo; wakaŋga akaremara tsoka dzake dzose.

Zvasarudzwa nguva ino

II Samueri 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda