II Samueri 10
10
Davidi unokunda ʋaAmoni naʋaSiria.
1Shure kwaiɀoɀo mambo waʋana ʋaAmoni wakafa, Hanuni mŋanakomana wake akaɓata ʋushe panɀimbo yake. 2Ɀino Davidi akati: Ndicaitira Hanuni mŋanakomana waNahashi ɀakanaka, seɀandakaitirwa ɀakanaka naɓaɓa ʋake. Naiɀoɀo Davidi akatuma ʋaranda ʋake kumuɓata ruʋoko pamsoro paɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaDavidi ʋakaȿika kunyika yaʋana ʋaAmoni. 3Asi macinda aʋana ʋaAmoni akati kunaHanuni ishe waʋo: Munofuŋga kuti Davidi unoɗa kukudza ɓaɓa ʋenyu ɀaatuma ʋaɓati ʋoruʋoko kwamuri here? Davidi haana‐kutuma ʋaranda ʋake kwamuri kuti anɀere guta nokurishora, nokuriputsa here? 4Naiɀoɀo Hanuni akaɓata ʋaranda ʋaDavidi, akaʋeʋura rumŋe rutiʋi rwendebvu dzaʋo, akagura ŋguʋo dzaʋo napakati kuȿikira pamagaro aʋo, akaʋadziŋga. 5Ɀino ʋakati ʋaʋudza Davidi iɀoɀo, akatuma ʋanhu kundosoŋgana naʋo; nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋacinyara kwaɀo. Mambo akati: Garai henyu Jeriko kuȿikira ndebvu dzenyu dzamera ɀe, mugodzoka henyu. 6Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋoʋeŋgwa naDavidi, ʋana ʋaAmoni ʋakatuma nhume ʋakaripira ʋaSiria ʋeBeti‐rehobi, naʋaSiria ʋeZoba, ʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri, namambo weMaaka anaʋarume ʋanecuru cimŋe, naʋarume ʋeTobi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri. 7Davidi wakati aɀinzwa, akatuma Joabi nehondo yose yaʋarume ʋanesimba. 8Ʋana ʋaAmoni ʋakaɓuɗa, ʋakagadzira hondo paʋanopinda napo pasuʋo; ʋaSiria ʋeZoba, naʋeRehobi, naʋarume ʋeTobi neMaaka ʋakaŋga ʋari pacaʋo ʋoga pasaŋgo. 9Ɀino Joabi wakati aciʋona kuti woʋaʋarirwa mberi neshure, akatsaura ʋamŋe kunaʋakatsaurwa ʋose ʋaIsraeri, akaʋagadzira kuti ʋarwe naʋaSiria. 10Ʋamŋe ʋanhu, ʋakaŋga ʋasara, akaʋaisa kunaAbishai, munuŋuna wake, akaʋagadzira kuti ʋarwe naʋana ʋaAmoni. 11Akati: Kana ʋaSiria ʋakandikurira, iwe unofanira kundiɓatsira; asi kana ʋana ʋaAmoni ʋakakukurira iwe, ini ndicaʋuya kukuɓatsira. 12Tsuŋga mŋoyo, tirwire ʋanhu ʋeɗu namaguta aMŋari weɗu saʋarume; naJehova ŋgaaite seɀaanoɗa. 13Naiɀoɀo Joabi naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo ʋakasweɗera kuzorwa naʋaSiria, iʋo ʋakatiza pamberi pake. 14Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaSiria ʋatiza, naiʋo ʋakatiza ʋo saiɀoɀo pamberi paAbishai, ʋakapinda muguta. Ipapo Joabi akadzoka kuʋana ʋaAmoni, akaȿika Jerusarema. 15Ɀino ʋaSiria ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana, 16Hadarezeri akatuma ʋanhu kundotora ʋaSiria ʋakaŋga ʋari mhiri kwoRwizi, ʋakaȿika paHerami, ʋakatuŋgamirirwa naShobaki mukuru wehondo yaHadarezeri. 17Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose, ʋakayambuka Joridani, ʋakaȿika paHerami. ƲaSiria ʋakaɀigadzira, ʋakarwa naDavidi. 18ƲaSiria ʋakatiza pamberi paʋaIsraeri; Davidi akaʋuraya kuʋaSiria ʋarume ʋeŋgoro dzinamazana manomŋe, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinamakumi manna, akaʋuraya ʋo Shobaki mukuru wehondo yaʋo, akafira’po. 19Ɀino madzimambo ose, akaŋga ari ʋaranda ʋaHadarezeri, ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naʋaIsraeri, ʋakayanana naʋaIsraeri, ʋakaʋashumira. Naiɀoɀo ʋaSiria ʋakatya kuzoɓatsira ʋana ʋaAmoni.
Zvasarudzwa nguva ino
II Samueri 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018