II Samueri 8
8
Davidi unokunda ʋaFiristia nedzimŋe ndudzi.
1Ɀino shure kwaiɀoɀo Davidi wakarwa naʋaFiristia akaʋakunda; Davidi akatorera ʋaFiristia cikuriri comuzinda waʋo. 2Akakunda Moabi ʋo, akaʋayera neɓote, amboʋaʋatisa pasi; akayera namaɓote maʋiri ʋaifanira kuʋurawa, ʋuye neɓote rimŋe rose ʋaifanira kuregwa ʋari ʋapenyu. ʋaMoabi ʋakaitwa ʋaranda ʋaDavidi ʋakamuʋigira ɀipo. 3Davidi akakunda ʋo Hadadezeri mŋanakomana waRehobi, mambo weZoba, pakuenda kwake kundotora ʋushe bgake paRwizi. 4Davidi akamutorera ʋataȿi ʋamabiza ʋanecuru cimŋe namazana manomŋe, naʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri; Davidi akagura marunda amakumbo amabiza ose aikweʋa ŋgoro, asi wakaceŋgetera ŋgoro dzinezana mamŋe awo. 5Ɀino ʋaSiria ʋeDamasko ʋakati ʋaciʋuya kuzoɓatsira Hadadezeri mambo weZoba, Davidi akaʋuraya ʋaSiria ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri. 6Davidi akaisa mapoka aʋarwi muSiria paDamasko; ʋaSiria ʋakaʋa ʋaranda ʋaDavidi ʋakamuʋigira ɀipo. Jehova akakundisa Davidi pose paakaenda. 7Davidi akatora nhoʋo dzendarama dzakaŋga dzakashoŋgwa naʋaranda ʋaHadadezeri, akadziisa Jerusarema. 8Mambo Davidi akatora ʋo ndarira zhinji kwaɀo paBeta napaBerotai, aiʋa maguta aHadadezeri. 9Ɀino Toi mambo weHamati wakati anzwa kuti Davidi wakaŋga aparadza hondo yose yaHadadezeri, 10Toi akatuma mŋanakomana wake Jorami kunamambo Davidi kumukwazisa nokumukorokotedza, pamsoro pokurwa kwake naHadadezeri nokumukunda, nokuti Hadadezeri wairwa naToi. Jorami akaʋuya nemidziyo yesirveri, nemidziyo yendarama, nemidziyo yendarira. 11Neyiyi ʋo mambo Davidi wakaitsaurira Jehova, pamŋe cete nesirveri nendarama yaakamutsaurira, yakabva kundudzi dzose dzaakaŋga akunda; 12kuʋaSiria, naʋaMoabi, naʋana ʋaAmoni, naʋaFiristia, naʋaAmareki, neɀakaŋga ɀatapxa kunaHadadezeri mŋanakomana waRehobi, mambo weZoba. 13Davidi akakurumbira kwaɀo ŋguʋa yaakadzoka pakuʋuraya ʋaSiria paMupata woMunyu, ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi neɀisere. 14Akaisa mapoka aʋarwi paEdomi; wakaisa mapoka aʋarwi paEdomi yose, ʋaEdomi ʋose ʋakaʋa ʋaranda ʋaDavidi. Jehova akakundisa Davidi pose paakaenda.
15Davidi akaɓata ʋaIsraeri ʋose; Davidi akatoŋga ʋanhu ʋake ʋose akaʋaitira ɀakarurama. 16Joabi mŋanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mŋanakomana waAhirudi waiʋa sahwira; 17Zadoki mŋanakomana waAhitubi, naAhimereki mŋanakomana waAbiatari, ʋaiʋa ʋaprista, naSeraya waiʋa munyori. 18Benaya mŋanakomana waJehoyada ndiye wairaira ʋaKereti naʋaPereti; ʋuye ʋanakomana ʋaDavidi ʋaiʋa ʋanheʋanje.
Zvasarudzwa nguva ino
II Samueri 8: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018