Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 7

7
Jehova unoramba kuti Davidi amuʋakire tembere.
1Ɀino mambo wakati agere mumba make, Jehova amuzorodza paʋaʋeŋgi ʋake ʋose ʋakaŋga ʋakamupoteredza, 2mambo akati kumuprofita Natani: Ɀino tarira, ini ndigere muimba yomusidari, asi areka yaMŋari igere pakati pemiceka. 3Natani akati kunamambo: Endai, muite henyu ɀose ɀiri mumŋoyo menyu, nokuti Jehova unemi. 4Ɀino noʋusiku ubgo shoko raJehova rakaȿika kunaNatani, riciti: 5Enda undoʋudza muranda waŋgu Davidi, uti: Ɀanzi naJehova: Iwe ucandiʋakira imba mandiŋgagara here? 6Nokuti handina‐kugara mumba kubva pazuʋa randakandotora ʋana ʋaIsraeri Egipita kuȿikira zuʋa ranhasi, asi ndaifamba mutente nomutabernakeri. 7Pose pandakafamba naʋana ʋaIsraeri ʋose, ndakatoŋgotaura here shoko rimŋe kunomumŋe waʋatoŋgi ʋaIsraeri, ʋandakaraira kufudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ndiciti: Makaregereiko kundiʋakira imba yomusidari? 8Naiɀoɀo ɀino, unofanira kuti kumuranda waŋgu Davidi: Ɀanzi naJehova wehondo: Ndakakutora kumafuro, kwawakaŋga ucifudza makwai, kuti uʋe muɓati waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; 9ndikaʋa newe pose pawakafamba, ndikaparadza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose pamberi pako; ndicakuitira zita guru, riŋgafanana namazita aʋakuru ʋari panyika. 10Ndicatarira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri nɀimbo, ndicaʋasima, ʋagare panɀimbo yaʋo, ʋarege kubviswa ɀe; naʋakaipa haʋaŋgaʋatambudzi ɀe sapakutaŋga, 11nokubva pazuʋa randakaraira ʋatoŋgi kuti ʋaɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. Asi iwe ndicakuzorodza paʋaʋeŋgi ʋako ʋose. Ʋuye ɀe Jehova unokuʋudza kuti Jehova ucakumisira imba. 12Kana ŋguʋa yako yaȿika, iwe ukaʋata namadziɓaɓa ako, ndicamutsa mumŋe worudzi rwako ucakuteʋera, ucaɓuɗa muʋura mako, ndikasimbisa ʋushe bgake. 13Iye ucaʋakira zita raŋgu imba, neni ndicasimbisa cigaro cake coʋushe nokusiŋgaperi. 14Ini ndicaʋa ɓaɓa ʋake, naiye ucaʋa mŋanakomana waŋgu; kana akazoita ɀakaipa, ndicamuraŋga neshamhu yaʋanhu, ʋuye nokurobga kwaʋana ʋaʋanhu; 15asi nyasha dzaŋgu hadziŋgabvi kwaari, seɀandakadzibvisa kunaSauro, wandakabvisa pamberi pako. 16Imba yako noʋushe bgako ɀicasimbiswa pamberi pako nokusiŋgaperi; necigaro cako coʋushe cicasimbiswa nokusiŋgaperi. 17Natani akaʋudza Davidi mashoko awa ose, neɀose ɀaakaŋga aratidzwa.
18Ipapo mambo Davidi akapinda, akagara pamberi paJehova, akati: Jehova Mŋari, ndini aniko, neimba yaŋgu cinyiko, ɀamakandiȿitsa kuȿikira pano? 19Asi cinhu ici cakaŋga cici ciɗuku pamberi penyu, Jehova Mŋari, asi makataura ʋo pamsoro peimba yomuranda wenyu kuȿikira paŋguʋa huru inozoʋuya; asi iyi ndiyo tsika yaʋanhu, Jehova Mŋari! 20Ko Davidi uŋgareʋei ɀe kwamuri? Nokuti munoziʋa henyu muranda wenyu, Jehova Mŋari. 21Nokuɗa kweshoko renyu, ʋuye seɀamakafuŋga mumŋoyo menyu, makaita ɀinhu iɀi ɀikuru ɀose, kuɀiziʋisa muranda wenyu. 22Naiɀoɀo muri mukuru, Jehova Mŋari, nokuti hakunomumŋe wakafanana nemi, hakunomumŋe Mŋari kunze kwenyu, seɀatakanzwa ɀose nenzeʋe dzeɗu. 23Rumŋe rudzi ruripiko panyika rwakafanana naʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋakandodzikinurwa naMŋari, ʋaʋe ʋanhu ʋake, kuti iye akurumbire, ʋuye akuitirei imi ɀinhu ɀikuru, nenyika yenyu ɀinhu ɀinotyisa, pamberi paʋanhu ʋenyu, ʋamakaɀidzikinurira paEgipita, ʋabve pakati paʋahedeni naʋamŋari ʋaʋo? 24Mukaɀisimbisira ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kuti ʋaʋe ʋanhu ʋenyu nokusiŋgaperi; imi Jehova mukaʋa Mŋari waʋo. 25Ɀino Jehova Mŋari, shoko ramakataura pamsoro pomuranda wenyu napamsoro peimba yake, murisimbisei henyu nokusiŋgaperi, muite seɀamakataura. 26Zita renyu ŋgarikudzwe nokusiŋgaperi, ɀicinzi: Jehova wehondo ndiMŋari waIsraeri; imba yomuranda wenyu Davidi icasimbiswa pamberi penyu. 27Nokuti imi Jehova wehondo, Mŋari waIsraeri, makaziʋisa muranda wenyu, muciti: Ndicakuʋakira imba; naiɀoɀo muranda wenyu wakatsuŋga kunyeŋgetera munyeŋgetero uyu kwamuri. 28Ɀino Jehova Mŋari, ndimi Mŋari, ʋuye mashoko enyu ndeeɀokwaɗi, makapikira muranda wenyu cinhu ici cakanaka; 29naiɀoɀo ɀino ciropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri’po pamberi penyu nokusiŋgaperi, nokuti imi Jehova Mŋari makataura saiɀoɀo; imba yomuranda wenyu ŋgairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusiŋgaperi.

Zvasarudzwa nguva ino

II Samueri 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda