II Samueri 6
6
Davidi unoisa areka Jerusarema.
1Ɀino Davidi wakaʋuŋganidza ɀe ʋarume ʋose ʋakaŋga ʋakatsaurwa ʋaʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu. 2Davidi akasimuka, akaenda naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo, ʋacibva Baari‐juda, kuti ʋatore’po areka yaMŋari, panoɗanwa Zita, iro Zita raJehova wehondo, ugere pamsoro pamakerubi. 3Ʋakaisa areka yaMŋari pamsoro peŋgoro itȿa, ʋakaibvisa paimba yaAbinadabi, yakaŋga iri pacikomo, Uza naAhiyo, ʋanakomana ʋaAbinadabi, ʋakafambisa ŋgoro itȿa. 4Ʋakaibvisa paimba yaAbinadabi, yakaŋga iri pacikomo, ineareka yaMŋari; Ahiyo akatuŋgamirira areka. 5Davidi neimba yose yaIsraeri ʋakaridza pamberi paJehova ɀinoridzwa ɀamarudzi ose, ɀomusipresi, nembira, nemiteŋgeranwa, neŋgoma, namatare, anoridzwa, namakandira. 6Ɀino ʋakati ʋaciȿika paɓuriro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruʋoko rwake kuareka yaMŋari, akaiɓata, nokuti nzombe dzakaŋga dzogumburwa. 7Kutsamŋa kwaJehova kukamukira Uza, Mŋari akamuʋuraya ipapo nemhaka yokutadza kwake, iye akafira’po paareka yaMŋari. 8Davidi akaʋora mŋoyo nokuti Jehova wakaŋga aroʋa Uza, akatumidza nɀimbo iyo Perezi‐uza kuȿikira zuʋa ranhasi. 9Davidi akatya Jehova zuʋa iro, akati: Ɀino areka yaJehova icaȿika seiko kwandiri? 10Naiɀoɀo Davidi akaramba kuisa areka yaJehova kwaari muguta raDavidi; asi Davidi wakaitsausira kumba kwaObedi‐edomi muGiti. 11Areka yaJehova ikagara mumba maObedi‐edomi muGiti mŋedzi mitatu; Jehova akaropafadza Obedi‐edomi neimba yake yose. 12Ɀino ʋakaʋudza mambo Davidi, ʋaciti: Jehova wakaropafadza imba yaObedi‐edomi neɀose ɀake nokuɗa kweareka yaMŋari. Ipapo Davidi akaenda akatora areka yaMŋari kumba kwaObedi‐edomi, akakwira nayo kuguta raDavidi nomufaro. 13Ɀino ŋguʋa dzose kana iʋo, ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋaciŋge ʋafamba nhambge nhanhatu, akaɓaya ŋombe nemhuru yakakora. 14Davidi akatamba pamberi paJehova nesimba rake rose; Davidi akaŋga akafuka efodi yomuceka. 15Naiɀoɀo Davidi neimba yose yaIsraeri ʋakakwira neareka yaJehova ʋacipururudza nokuridza hwamanda. 16Ɀino areka yaJehova yakati iciȿika muguta raDavidi, Mikari mukunda waSauro akatarira napawindi, akaʋona mambo Davidi acipembera nokutamba pamberi paJehova, akamushoʋora mumŋoyo make. 17Ʋakapinda neareka yaJehova, ʋakaiisa panɀimbo yayo pakati petente rayakaŋga yadzikirwa naDavidi; Davidi akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa pamberi paJehova. 18Ɀino Davidi wakati apedza kuɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa, akaropafadza ʋanhu nezita raJehova wehondo. 19Akagoʋera ʋanhu ʋose, iʋo ʋaIsraeri ʋazhinji ʋose, ʋarume naʋakadzi, mumŋe nomumŋe ɓundu reciŋgwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiriŋga akawomeswa. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakabva, mumŋe nomumŋe akaenda kumba kwake. 20Davidi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akaɓuɗa kuzosoŋgana naDavidi, akati: Haiwa, mambo waIsraeri waɀikudza sei nhasi, ɀaakaɀifukura pamberi paʋarandakadzi ʋaʋaranda ʋake, sokuɀifukura kweɓenzi risiŋganyari! 21Davidi akati kunaMikari: Ndakaɀiita pamberi paJehova, wakanditsaura pamsoro paɓaɓa ʋako, napamsoro peimba yake yose, kuti andiite muɓati waʋanhu ʋaJehova, iʋo ʋaIsraeri; naiɀoɀo ndicatamba haŋgu pamberi paJehova. 22Ndicaɀiɗukupisa kupfuʋura iɀoɀo, ndicaɀininipisa pacaŋgu; asi kana ʋari ʋarandakadzi ʋawareʋa, ndicakudzwa naʋo. 23Mikari mukunda waSauro, wakaŋga asinaʋana kuȿikira zuʋa rokufa kwake.
Zvasarudzwa nguva ino
II Samueri 6: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018