Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Madzimambo 7

7
1Erisha akati: Inzwai shoko raJehova: Ɀanzi naJehova: Maŋgwana neŋguʋa ino, ciyero cimŋe#7:1 Ciyero cimŋe magaroni aneŋge matatu. coʋupfu bgakatsetseka cicateŋgeswa neshekeri#7:1 Shekeri rimŋe mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. rimŋe, neɀiyero ɀiʋiri ɀebari neshekeri rimŋe pasuʋo reSamaria. 2Ɀino mukuru uyo, mambo waakaŋga akasendama paruʋoko rwake, akapindura munhu waMŋari, akati: Tarirai, kunyaŋge Jehova akaita mawindi kuɗeŋga, cinhu ici ciŋgaitika here? Erisha akati: Tarira, ucaɀiʋona nameso ako, asi hauŋgaɀidyi.
3Ɀino kwakaŋga kunaʋarume ʋanna ʋaiʋa namaperembudzi kunze kwesuʋo; iʋo ʋakataurirana, ʋakati: Tinogarireiko pano kuȿikira tafa? 4Kana tikati: Ticapinda muguta, nzara huru iri muguta, ticandofira’mo; kana tikagara pano, ticafa ʋo. Naiɀoɀo ɀino hendei tiende heɗu kuhondo dzaʋaSiria; kana ʋakatirega tiri ʋapenyu, tararama heɗu; kana ʋakatiʋuraya, tafa heɗu. 5Ipapo ʋakasimuka mambakwedza, ʋakaenda kumisasa yaʋaSiria; ʋakati ʋaȿika kumisasa yokumudziʋo yaʋaSiria, ʋakawana kusinomunhu. 6Nokuti Jehova wakaŋga anzwisa hondo yaʋaSiria kutinhira kweŋgoro, nokutinhira kwamabiza, kuri kutinhira kwehondo huru; ʋakataurirana, ʋakati: Tarirai, mambo waIsraeri wakakoka madzimambo aʋaHiti namadzimambo aʋaEgipita kuzorwa nesu. 7Naiɀoɀo ʋakamuka mambakwedza, ʋakasiya matente aʋo, namabiza aʋo, namahesera aʋo, musasa wose wakaŋgoɗaro, ʋakatiza kuti ʋararame. 8Ɀino ʋaya ʋaiʋa namaperembudzi ʋakati ʋaciȿika kumisasa yokumidziʋo, ʋakapinda patente rimŋe, ʋakadya nokunwa, ʋakatora’mo sirveri nendarama neŋguʋo, ʋakandoɀiʋiga; ʋakadzoka ɀe, ʋakapinda munerimŋe tente, ʋakatora ɀakaŋga ɀiri’mo ʋo, ʋakandoɀiʋiga. 9Ipapo ʋakataurirana, ʋakati: Hatiiti ɀakanaka; nhasi izuʋa reshoko rakanaka, asi isu tinoŋgonyarara heɗu; kana tikanonoka kuȿikira kwaedza, ticaʋiŋgwa nokurobga; naiɀoɀo hendei ɀino, tindoʋudza imba yamambo. 10Naiɀoɀo ʋakaenda ʋakaɗanidzira kuʋatariri ʋesuʋo reguta, ʋakaʋaʋudza, ʋakati kwaari: Takaȿika kumisasa yaʋaSiria, tikawana kusisinomunhu’po, kunyaŋge inzwi romunhu, asi mabiza akasuŋgirwa, namahesera akasuŋgirwa, namatente akaŋgoɗaro. 11Ipapo ʋatariri ʋesuʋo ʋakaɗanidzira, ʋakaʋudza ʋomumba mamambo mukati. 12Mambo akamuka pakati poʋusiku, akati kuʋaranda ʋake: Ndicakuʋudzai ɀataitirwa naʋaSiria. Ʋanoziʋa kuti tinenzara; naiɀoɀo ʋakaɓuɗa pamisasa ʋakandoʋanda kusaŋgo, ʋaciti: Kana ʋakaɓuɗa muguta, ticaʋaɓata ʋari ʋapenyu, isu tigopinda muguta. 13Ipapo mumŋe muranda wake akapindura, akati: Ʋamŋe ŋgaʋatore mabiza mashanu kunaakasara, akasiyiwa muguta, (tarirai, ʋakafanana naʋamŋe ʋaIsraeri ʋazhinji ʋakasara’mo; tarirai, ʋakafanana ʋo naʋamŋe ʋaIsraeri ʋazhinji ʋatoparadzwa haʋo;) tiʋatume, tiʋone. 14Naiɀoɀo ʋakatora ŋgoro mbiri namabiza adzo, mambo akatuma ʋanhu kuzoteʋera hondo yaʋaSiria, akati: Endai, mundoʋona. 15Iʋo ʋakaenda, ʋakaʋateʋera kuȿikira kwaJoridani, ʋakawana nzira yose izere neŋguʋo, nenhumbi, dzakaŋga dzarashwa naʋaSiria nokumhanya kwaʋo. Nhume dzikadzoka, dzikaʋudza mambo. 16Ipapo ʋanhu ʋakaɓuɗa, ʋakapamba misasa yaʋaSiria. Naiɀoɀo ciyero coʋupfu bgakatsetseka cakateŋgeswa neshekeri rimŋe, neɀiyero ɀiʋiri ɀebari neshekeri rimŋe, seɀakaŋga ɀarebga naJehova. 17Mambo akagadza mukuru uya, waakaŋga akasendama paruʋoko rwake, kuti arindire suʋo; ʋanhu ʋakamutsikirira musuʋo, akafa seɀakaŋga ɀarebga nomunhu waMŋari, wakataura shoko iro musi wakaɓurukira mambo kwaari. 18Ɀikaitika seɀakaŋga ɀataurwa nomunhu waMŋari kunamambo, ɀaakati: Maŋgwana neŋguʋa ino ɀiyero ɀiʋiri ɀebari ɀicateŋgeswa neshekeri, neciyero cimŋe coʋupfu bgakatsetseka neshekeri pasuʋo reSamaria; 19mukuru uyo akapindura munhu waMŋari, akati: Ɀino tarira, kunyaŋge Jehova akaita mawindi kuɗeŋga, cinhu ici cakaɗai ciŋgaitwa here? Iye akati: Tarira, ucaɀiʋona nameso ako, asi hauŋgaɀidyi. 20Ndiɀo ɀaakazoitirwa; nokuti ʋanhu ʋakamutsikirira musuʋo, akafa.

Zvasarudzwa nguva ino

II Madzimambo 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda